0-LEVEL — KEREKE INOFA: Tsekwende kuvatambi

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

naMunyaradzi Gunduza

TSANANGURA matambudziko mashanu anowira vatambi muna Kereke Inofa. [25]

Vatambi vanosangana nematambudziko ekutapurirwa chirwere cheshuramatongo. Izvi zvinobuda kuna Beauty naSusan pavanenge vari muchipatara cheWest End vasiri kuwirirana nezvechikomba chaBeauty chainzi Dance chaakanga atorerwa naSusan. Beauty anoudza Dance pafoni kuti aida kumusungisa nekuti akanga amuzadza chirwere cheshuramatongo. Susan anozoudzwa naBeauty kuti aive azadzwawo chirwere ichi naDance.

Mubhuku iri vatambi vanowirwa nematambudziko ekutukwa.

Tinozviona kuna Peter Chimumumu anonyombwa naRose vagere mumba maZebra kuGlen View 7, zuva ratongwa nyaya yaSarah yekupiwa mwana naPastor Mwenje kunze kwemusha. Rose anomubvunza kuti akanga ari ani aida kugadzirisa matare epamba paZebra, achibva anzi zvimumumu zvaitaurawo chii chaaida kuvabatsira panyaya iyi, anobva abudamo atsamwa asina kana nekuzooneka.

Vatambi vanowanikwa mubhuku Kereke Inofa vanowirwa nematambudziko ekuparadzirwa dzimba. Izvi zvinoonekwa kuna Mary naZebra pavanoona Sarah mudzimai waZebra apiwa mwana naPastor Mwenje murume waMary vari muchipatara cheWest End, muHarare. Zebra anobva abuda pachena kuti akanga asingachadi zvekuramba achigara naSarah saka aifanira kuenda kumba kwaPastor Mwenje vakanga vamupa mwana murudo rwechivande.

Mubhuku iri vatambi vanosangana nematambudziko ekufenda. Tinozviona kuna Zebra paanoenda kuchipatara cheWest End ndokuona Sarah ave nemwana waPastor Mwenje.

Anonzwa kupera simba ndokupedzisira ave kuita seapererwa nemweya wekufema angofizuka nezvaaive aona. Anotora nguva refu akadaro opiwa mubhedha muchipatara chimwe chete ichi.

Vatambi vari mumutambo uyu vanosangana nematambudziko ekutorerwa chikomba.

Izvi tinozviona kuna Beauty anoshungurudzika zvikuru ari mumupanda wairara vasikana kumba kwaZebra kuGlen View 7, atorerwa chikomba chake Dance namainini vake Susan zvinoita kuti vazotanga kurwa.

Share This:

Sponsored Links