2 000 vakapedza zvidzidzo paHre Poly

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
2 000 vakapedza zvidzidzo paHre Poly

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
AKAVA makuwerere paHarare Polytechnic College, muHarare nemusi weChina wadarika apo vadzidzi 2 071 vakawaniswa zvitupa mushure mekupedza zvidzidzo zvakasiyana.

Vachitaura pachiitiko ichi – gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Jonathan Moyo – vanoti dzidzo yekumakoreji nemayunivhesiti yakakosha zvikuru sezvo ichibatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika.

“Kana tikasimudzira makoreji, zvinobatsira kuti timutsiridze maindasitiri edu nekuti anenge ave kufambiswa nevanhu vakafundira mabasa.

“Tinoda vadzidzi vane hunyanzvi hwekubura ruzivo rwutsva. Ndinofara kuti pakoreji ino pane chikamu che39% chevadzidzi vakapedza zvidzidzo zvekutenga nekutengeserana— zveCommerce — uye 1 484 vari kufundira mabasa mumakambani akasiyana (attachment),” vanodaro.

Vanoti varairidzi vekumakoreji nemayunivhesiti vanofaira kunge vaine fundo inoenderana nebasa ravo.

“Tinoda kuti makoreji ange achiwanisa vadzidzi madhigirii, asi izvi zvinenge zvichifambirana nekusanduka kunoita mitemo. Zvinobatsira mukusimudzirwa kwemizinda inoita nezvedzidzo, asika varairidzi vemumakoreji iwayo vanenge vachifanira kunge vakafunda zvinoenderana nehudzamu hwekuti vafundise dzidzo yemadhigirii,” vanodaro Prof Moyo.

Prof Moyo vakapembedza Harare Polytechnic vachiti mucherechedzo wakanaka mukudzidzisa mabasa emawoko ayo anofambirana nechirongwa cheHurumende, cheZim-Asset.

“Ndinofara nedingindira renyu regore rino rinoti: ‘Kusandura nyaya dzedzidzo kuburikidza nekuita ongororo inoshandiswa mukubura upfumi’.

“Dingindira iri rakakosha nekuti rinokutungamirirai muzvirongwa zvenyu, ndiko kusaka tiri kuwana vadzidzi vane hunyanzvi,” vanodaro.

Vachitaura pagungano rimwe chete iri, Engineer Tafadzwa Mudondo – avo vanova Principal weHarare Polytechnic – vanoti vanonzwa kufara zvikuru nemabasa ari kuitwa pakoreji yavo.

“Sekoreji, ticharamba tichishanda nesimba kuti tinge tichibudirira munyaya dzedzidzo nezvivakwa. Gore rino tine vadzidzi 6 900 kana tichienzanisa ne5 548 avo vataiva navo muna2016 – zvichireva kuti vawedzera ne24,28%.

“Pavadzidzi ava, chikamu che7% vari kuita zvidzidzo zveEngineering zvichireva kuti tiri kufambirana nechirongwa cheSTEM,” vanodaro.

Vanotiwo chikamu che40,5% chevadzidzi vavo vasikana, avo vakawedzera kubva pa39% mugore ra2016.

Pakoreji iyi pane vadzidzi vakawanda vanobva kunyika dzinosanganisira Equatorial Guinea, Mozambique, Zambia neDemocratic Republic of Congo (DRC).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey