Uncategorized

20 ‘years’ vaine zvitunha 3 ‘mubedroom’

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
20 ‘years’ vaine  zvitunha 3  ‘mubedroom’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUNYAYA yatendereredza vagari vekuMt Darwin misoro, mitumbi yevanhu vatatu avo vakafa chipo chemakore 20 adarika — ndokuvigwa mumakuva zvakanaka — inonzi iri kuonekwa mumba yekurara yababa vemhuri yevashakabvu ava.

Mhuri yemubhuku raMauswa, kwaDotito, inoti yatambura nekupedza makore 20 ichigara nezvitunha zvitatu izvi mumba, izvo zvinonzi zvakatorwa kumakuva nemishonga zvichiunzwa mumba senzira yekutsvaga nayo kupfuma.

Mitumbi iyi inonzi ndeyevana vemhuri yekwaChaumana kana kuti Gaisoni uye yakachengetwa muimba yairara baba vemhuri iyi — mushakabvu Kudada Chaumana — avo vari kunzi ivo nemumwe mwanakomana wavo vaishandisa mishonga yekuromba.

Zvitunha zvinonzi zviri mumba umu ndechaFarai Gaisoni uyo akafa mugore ra2002, chaToripa Gaisoni akashaika muna1994 nechaYeukai Gaisoni akafa muna2007.

Makuva matatu akavigwa mitumbi iyi anonzi haana chinhu, zvichitevera kutorwa kwakaitwa zvitunha nenzira dzemishonga.

Vemhuri iyi vanoti zvitunha izvi dzimwe nguva vanozviona zvakaradzikwa pahuriri (pasi) mumba umu uye zvakaputirwa nemachira machena. Asi dzimwe nguva zvinenge zvakangoshama – zviri musvo.

Mwanakomana mukuru mumhuri iyi – Mapitse Gaisoni (49) – anoti baba vavo vakanoromba mishonga yekupfuma kun’anga yechikadzi ine zamu rimwe chete inongozivikanwa saZuruvi kuMt Selinda, kuChipinge vaine munin’ina wake, Wilbert Gaisoni (34).

“Vakanopihwa mishonga, tudende, nyoka netsvimbo zvekutora mari kuvanhu. Zvinhu izvi zvakazopanduka ndokutanga kuuraya isu vana, kusanganisira ivo vatatu vane mitumbi iri kugara mumba iyi,” anodaro Mapitse.

IMBA INE ZVITUNHA

Anoti zvitunha izvi zvinoita masaramusi ekuti mamwe mazuva vanozviona asi mamwe havazvione.

“Svondo rakapera takaunganidzwa nen’anga yakabva kuChipinge kwacho kwakanotorwa mishonga nababa. Takazorwa mishonga kumeso ndokuona zvechokwadi mitumbi mitatu yevanhu yakatowora asi iine machira atakavaviga nawo – sezvakanga ari,” anodaro Mapitse.

Wilbert – uyo anonzi ndiye aifamba nababa vake pakunoromba – anotsinhira nyaya iyi.

“Icho ichokwadi, baba vangu vaiita mari neropa revanhu. Seni ndaitoziva kuti kuchafa nhingi musi wakati.

“Baba vakaenda neni kun’anga yekuChipinge – yechikadzi inonzi Zuruvi. Ikoko takanopihwa mishonga, madumwa, zvikwambo, zvidhoma nemiti yemadivisi yekutoresa zvirimwa muminda yevanhu. Chikwambo chikuru chatakanopihwa chinonzi Zivazvitsva,” Wilbert akaudza Kwayedza svondo rino.

Anoenderera mberi: “Hameno kuti zvava kumbofamba sei zvinhu zvacho, svondo rapera mitumbi iyi ndakatoiona pamwe chete nevamwe apo takavhurirwa mumba umu nen’anga yakatipa mishonga yekuromba iyi apo yakange yauya ichida kutora zvinhu zvayo.

“Mbuya Zuruvi takanovatora kuChipinge kuti vauye vabvise mishonga yavo uye vari kuti vanoda mombe 13 kuti vatambire zvinhu izvi.”

Wilbert anoti pane gwaro (list) raaishandisa nababa vake rine mazita evanhu – vapenyu nevakatofa – iro ravaitevedza pakuuraya vanhu nezvikwambo.

Mamwe emazita ari pagwaro iri ndeanoti Winnie Makweva (32), Mucharwisei Gaisoni (41), Cecillia Mauswa, Brenda Gaisoni (21), Renia Kanoyerera naPowerman Gaisoni – vose vari vemumhuri imwe chete iyo ine zvitunha zviri mumba.

Mhuri iyi yakatotenga machira machena ekuzoputirisa zvitunha zvitatu zvinonzi zviri mumba izvi apo pazvichaburitswa nen’anga yakambopa baba nemwanakomana wavo mishonga yakaipa iyi.

Vemhuri iyi vanoti vari mubishi kutsvaga mombe dzekuripa n’anga yakapa mishonga yekuromba iyi nekuunganidza mari yekutenga mabhokisi ekuvigisa mitumbi mitatu iyi.

“Basa rekuburitswa kwezvitunha izvi raifanirwa kunge rakaitwa musi weMugovera wadarika apo Mbuya Zuruvi nemumwe wavo, Mbuya Musa, vakazotiza pamusha pedu rungwanani rwemusi weSvondo. Pamusiwo wemba inonzi ine zvitunha iyi pakafuma pakaitirwa mikonde mitatu yetsvina yevanhu iyo yainge yakakomberedzwa nemishonga,” anodaro Wilbert.

Anoenderera mberi achiti: “Vakazotiza apo takafumoona mhiko yetsvina yevanhu. Izvozvi ndave kutotevera n’anga idzi kuChipinge nekuti dzakabva dzaramwa,” anodaro.

Vanin’ina vaKudada Chaumana – avo vanosanganisira Stuart Chaumana (77), Tops Chaumana (70), Kumbukai Chaumana (44) naGovern Chaumana (75) – vari kuchema-chema vachiti mukoma wavo akavasiira matambudziko makukutu semhuri.

“Mukoma wedu akanotora zvinhu zvave kutinetsa nhasi iye asisipo. Vakaenda kun’anga vachida kupfuma, vakapedza kuuraya vana nedzimwe hama.

“Chionai izvozvi tine mitumbi mitatu iri mumba umu iyo inoda kuvigwa patsva. Tinotoiona mitumbi iyi isu mbune. Nyaya iyi takaisvitsa kwasadunhu wedu – Nohwedza – tikanzi tibvise mombe yekukumbira kuzochera mamwe makuva matsva pane atakachera kare ayo anonzi haana zvitunha,” vanodaro VaStuart Chaumana.

Vanotiwo nyaya iyi vakaikwidza kumapurisa vachivazivisa kuti vachazoda kuviga vashakabvu ava patsva. Sahwira wemhuri iyi, VaMunetsi Marimira (57), vanoti nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge varamba vachifamba vachitsvaga zvainetsa mumhuri.

“Baba ava vaive nemadzimai mashanu nevana 37. Vakauraya vana vavo vane zvitunha zvitatu izvi nevamwe ndokutora mitumbi yacho mumakuva nemishonga. Zvitunha izvi vakazviisa muimba yavo yekurara, umo musingapindwe nevanhu vakapfeka shangu.

“Murume uyu aiva akaromba tsvimbo inoba mari, nyoka inotora mari, zvidhoma, madivisi . . .,” vanodaro VaMunetsi Marimira.

Mudzimai waFarai, anove mumwe wevane mitumbi inonzi iri mumba – Tendai Jenjenge (45) – anotiwo musi uchaburitswa mitumbi iyi, iye achabva zvake pamba nekuda kwekurwadziwa uko ari kuitwa nechiitiko ichi. Sadunhu Nohwedza vanotsinhira kuti kune mitumbi yevanhu mitatu iri kunzi iri kugara mumba.

“Inyaya yatakamirira kuti vatange vaunza chipo chavo chemombe kuti vatore mitumbi yehama dzavo voiviga patsva.

“ Iyi inyaya inotishamisa zvikuru,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nasabhuku wemusha uyu – VaAmos Chaumana (46) – vachiti: “Takazviona zvitunha izvi tiine vamwe, kusanganisira VaTramulate Mauswa avo vanondimirira kana ndisipo.”

Imwe n’anga iri kubatsira pakuti mitumbi iyi iburitswe mumba – VaMusa Juma kana kuti Sekuru Garwe (28), avo vanobva kuBinga – vanoti kubviswa kwemitumbi iyi kunoda kuti vatange vambozvisimbisa sezvo zvichigona kuita kuti munhu afirepo.

“Muridzi wemusha uno aiva akaromba zvakasimba uye pane vamwe vaaishanda navo vapenyu avo vari kuramba vachisimbisa huroyi hwavo, havasi kuda kuti zvibviswe,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nen’anga Mbuya Zuruvi iyo inonzi yakapa baba nemwanakomana mishonga yekuromba.

Mutevedzeri wemutauriri wemupurisa mudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro ari kuita nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey