$2m yekudzoreredza masango

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
$2m yekudzoreredza masango Kambani yeTobacco Industry and Marketing Board yakaunganidza $2 miriyoni yekudzoreredza masango izvo zvichabatsira varimi vefodya kuti vaiite mabasa avo nenzira dzinochengetedza nharaunda.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI yeTobacco Industry and Marketing Board yakaunganidza $2 miriyoni yekudzoreredza masango kubudikidza nekudyarwa kwemiti izvo zvichabatsira zvikuru varimi vefodya kuti vaiite mabasa  avo nenzira dzinochengetedza nharaunda.

Mukushi wemashoko kuTIMB, VaIsheunesu Moyo, vanoti $2 miriyoni iyi yakavapo kuti itsigire varimi vari mumatunhu mana anorimwa fodya anoti Mashonaland Central, Mashonaland East, Mashonaland West neManicaland.

“Zvakakosha kuti tinge tichisarudza nzira dzakatikoshera mukudzoreredza masango uye zvinobatsira kuti fodya yedu inge ichipinda mumisika mikuru. TIMB yakaunganidza zvekushandisa kuti varimi vadyare miti mahekita 400 pabhajeti ye$500 000,” vanodaro.

Vanoti rutsigiro rwemari urwu rwunobatsira mukusimudzira zvirongwa zveHurumende zvekuti pave nehomwe yakamirira kudzoreredzwa kwemasango (Forest Levy).

Hurumende yakavamba chirongwa cheForest Levy muna 2015. Varimi vefodya vachiri munzira kuti vange vachibatsirikana zvizere pasi pechirongwa ichi uye TIMB yakakumbira mvumo kubva kuHurumende kuti ikwanise kufambisa chirongwa ichi ichiendesa mari yeForest Levy kuvarimi.

Kana TIMB ikapihwa mvumo neHurumende yekushandisa, ichakawanisa kuwedzera masango ekudyarwa kwemiti nemahekita 20 000 pagore mumakore mashanu ari kutevera.

VaMoyo vanoti huwandu hwemiti inozodyarwa hwakakura zvekuti hunoita kuti varimi vakwanise kupisa fodya ine mahekita 100 000 pagore. Vamwe vevari kubatsirikana nechirongwa cheTIMB Fund kuMashonaland Central  vanoti kudyarwa kwemiti kwakakosha sezvo kuchibatsira mukupisa fodya nekugadzira mizinda yekuchengetera chirimwa ichi.

“Kudyarwa kwemiti kwakakosha nekuti kunotsiva mizhinji iyo inotemwa nevarimi gore negore apo vanenge vachida kupisa fodya. Miti yatiri kudyara iyi inokasika kukura kana tichienzanisa neyemuno iyo inotora makore anodarika 30 kuti inge ichikura,” vanodaro VaTrust Gwenure.

Zvakadai, TIMB – yakabatana nevamwe vatsigiri – yakatanga zvakare chimwe chirongwa chinodaidzwa kunzi Sustainable Afforestation Association chekusimudzira kurimwa kwemiti yekupisa fodya apo mahekita 14 000 emiti akatosimwa kumatunhu akasiyana enyika.

Share This:

Sponsored Links