Uncategorized

32 years . . . ‘handipfeke bhurugwa’

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
32 years . . . ‘handipfeke bhurugwa’

Kwayedza

— ‘Ndashinha nevarume 1 000
— ‘Imhiko dzekuti ndiite upfumi’

Kingstone Mapupu —
MUKADZI wechidiki anova chizvarwa chekuMozambique — uyo anoita zvekutsvetsva varume mumabhawa — anoti iye nemumwe wake varara nevarume vanodarika 1 000 pamumwe wavo, uye iye asvitsa makore 32 asingapfeke chipfeko chemukati semhiko yaakapihwa nababa vake n’anga.

Mhiko iyi inonzi ndeyekuti aite mari nehumwe upfumi.

Achishanda nemumwewo mukadzi wechidiki anobva kuPlumtree, anoti vose vakapihwa mishonga yekutora mari mumabhawa nemuzvitoro vachiita zvechipfambi uyewo pane nguva dzavanombonosangana nenjuzu mumvura.

Anotizve dzimwe mhiko dzavakapihwa ndedzekuti vanofanirwa kudya matatya mapenyu, hove mbishi neivhu mushure memazuva maviri oga-oga kuti vawane zvavaida.

Vakadzi vaviri ava vane chuma chakawanda nemachira izvo vakapihwa nen’anga iyi zvekushandisa nemishonga pavanoita zvechipfambi.

Vanoti mumwe nemumwe wavo akarara nevarume vanodarika chiuru pakurarama kwavo.

Asi zvisinei nekutorera kwavanoita vanhu mari dzavo, mukadzi uyu anoti havana chavakaita nayo kunze kwekungoipfachira vachitengera vamwe vanhu doro mumabhawa, ivo ndokusara vachingova varombo.

Keketso Arunaldo Magaisa (32) — uyo anozviti mambokadzi wemumvura nenjuzu — anobva kudunhu reNyamiswa, kuBeira uye anoshanda neshamwari yake Nobuhle Bhebhe (36) wekuPlumtree. Keketso anoti ane simba guru raakapihwa nababa vake n’anga kuMozambique, VaArunaldo Mutongiwa (72), avo anoti vane madzimai 31 nevana vanodarika 150.

“Ndasvitsa makore 32 ndisina kumbopfeka bhurugwa mushure mekupihwa mhiko nababa vangu. Ndakanzi ndikapfeka bhurugwa ndinenge ndichivhara maropafadzo neraki rekuwana mari nekuwana humwe upfumi. Kubva ndichizvarwa, handina kumbopfeka bhurugwa, ndakatotanga svondo rakapera apo ndakabatsirwa,” anodaro Keketso.

Anoti akambobvunza baba vake kuti sei vaimuti asapfeke bhurugwa vakamuti ichi chibvumirano pakati pake navo.

Keketso anotizve nekufamba kwenguva, akazosangana neshamwari yake Nobuhle — vose ndokupihwa “masimba emumvura” nebaba vake.

Vaviri ava, avo svondo rapera vakapotera kuna Madzibaba Steven Mugariri (33) vechechi yeJohane Masowe Zambuko, yekuChitungwiza, apo muporofita uyu aive kuBulawayo svondo rapera, vanoti vaneta nemhiko idzi.

Keketso anoti vakavimbiswa nababa n’anga ava kuzotenga mabhazi kana vakatevedza mhiko idzi.

“Taipihwa mari yemaUS dollar nababa iyo yainge yakasanganiswa nemushonga toenda kumabhawa ekuMozambique kana kuno kuZimbabwe, kana kune dzimwe nyika, iyo taitengesa doro kana zvimwe zvinhu. Tikapa munhu mari yedu, aidzosa chenji yakawanda zvakapetwa kana kashanu.

“Taigara tiine mari yakawanda, asi mushure memasvondo maviri taifanirwa kunodzosera mari iyi yawanda kunababa n’anga kuMoza,” anodaro Keketso.

Kuti vazobatsirwa, vaviri ava vakadarika nepaiva negungano raMadzibaba Steven kuTshabalala, kuBulawayo vachibva kudoro apo vakatanga kutukirira muporofita uyu nevamwe vake.

“Queen of Mermaid Keketso vakati hatiendei pamapositori ayo ndinovaratidza simba remumvura randakapihwa nababa. Takasvika tichinwa doro ndokubva tazotanga kuporofitwa upenyu hwedu. Takanamatirwa ndokutanga kurutsa matatya mapenyu, hove mbishi nevhu zvataidyiswa — ndizvo zvinoitwa nevanhu vane mashavi enjuzu,” anodaro Nobuhle.

Panguva yavainamatirwa iyi, vanoti chuma chavainge vakapfeka muchiuno chakadonha choga.

Keketso anoti akadzikinurwa kuti achikwanisa kupfeka chipfeko chemukati. Anotizve pakerepo, baba vake vakabva vamuridzira nhare vari kuMozambique vachimuti akanga apfekerei bhurugwa.

“Baba vakabva vandifonera ndichangopfeka bhurugwa idzva vachinditi handisisiri mwana wavo nekuda kwekuti ndapfeka bhurugwa. Ndave kutotya kudzokera kumusha nekuti ndinouraiwa,” anodaro Keketso.

Vaviri ava vanoti vaienda kunzizi kunosangana nenjuzu kugungwa kunzvimbo yePrynover, kuMozambique, vachitungamirirwa nen’anga iyi, vachinopedza mazuva vari pasi pemvura nenjuzu.

“Takapihwa machira nechuma zvekushandisa mumvura. Ndakanzi nditsvage shamwari yekunze izvo ndakaita ndikanzizve ndiye aizoiswa mweya nekupihwa mhiko yekuti aregewo kupfeka bhurugwa. Ndakanzi kana zvadaro, ini ndaizoroorwa nekuitawo vana,” anodaro Keketso.

Keketso anonzi ari kugara achida kuzvidzipa, mweya uri kubuda paari uchiti unoda kumuuraya. Nobuhle anoti akaita varume vatatu asi vose vaingofa pamazuva a9 na10 Ndira uye vasina kurwara.

“Handibvumirwe kuita murume – anofa. Ndine vana vaviri vakafa ne4 vapenyu. Njuzu nemweya yakaiswa patiri inoda kuti tiite zvechipfambi nekunwa doro. Nyaya inondinetsa ndeyekuti amai vangu ndipastor kune imwe chechi asi havazive dambudziko rangu iri. Mumwe mweya uri pandiri ndewe zvibhakera, ndinorova varume zvekupedzerana navo – beyond repair. Mukabvunza vanondiziva vanokuudzai kuti ndinorova,” anodaro Nobuhle.

Anoenderera mberi: “Isu takarara nevarume vakawanda zvikuru, vamwe vane mari zhinji. Mumwe nemumwe wedu akashinha nevarume vanodarika 1 000.”

Vakadzi ava vanoti vaitorwa nevarume vachiendwa navo mumahotera umo vaitiza varume vachakarara vachienda kurwizi kunogeza kuma3 dzemangwanani.

Vanoti pose pavari, vanogara nemvura yekunyanza iyo vanozosanganisa neimwe yavanoshandisa kana vogeza.

Pakasvika Kwayedza, vaviri ava vakawanikwa vakabatwa nemweya. Keketso aitaura nechiPutukezi paine aiturikira achinzi aiti mweya uyu waida kumuuraya. Ukuwo Nobuhle aitaura nechiRungu mweya waiva wakamubata uchiti waida mbatya dzawo dzawakatorerwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey