$3m yezvidzidzo zvestem

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
$3m yezvidzidzo zvestem

Kwayedza

HURUMENDE ine hurongwa hwekupa mari inosvika $3 miriyoni kuhomwe yeZimbabwe Manpower Development Fund (ZIMDEF) iyo yakananga kusimudzira zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) muzvikoro zvesekondari zvakatekeshera nenyika.

Vachitaura kuvadzidzisi vakapedza zvidzidzo zvehurairidzi paSeke Teacher’s College, kuChitungwiza svondo rapera, gurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina, Professor Jonathan Moyo, vanoti mari iyi ichashandiswa mukuvaka maraborotari muzvikoro zvichasarudzwa zvine A-Level.

“Chimwe nechimwe chezvikoro chine zvekushandisa zvakakwana mumadistrict 60 ari kumaruwa chichapihwa $50 000, iyo ichaita kuti zvikoro izvi zvikwanise kuvandudza mafundisiro azvo. Donzvo nderekuti zvive mwongo wechirongwa cheSTEM kuitira kugadzirira vana pavanozoenda kumakoreji nemayunivhesiti,” vanodaro Prof Moyo.

Vanoti mayunivhesiti nemakoreji anofanira kuisa padivi mari yemabhezari anozotsigira chirongwa cheSTEM kuitira kuti aderedze kuenda kwevadzidzi vesainzi kunze kwenyika izvo zvinozobatsira kusimukira Zimbabwe mune remangwana.

“Vakawanda vevadzidzi ava (vanenge vaenda kunodzidza kunze kwenyika) havazi kudzoka pavanenge vapedza zvidzidzo zvavo, izvo zviri kukonzera kushomeka kwakanyanya kwevanhu vakadzidzira basa munyika,” vanodaro.

Prof Moyo vanoti makoreji nemayunivhesiti anofanira kutsigira zvizere chirongwa cheSTEM sezvo chichibatsira mukubura shasha dzefundo dzinozoyamura mukuvandudza upfumi hwenyika.

Varairidzi vane ruzivo rwakadzama, vanodaro Prof Moyo, ndivo hwaro hwekubudirira kweSTEM nekudaro vanokurudzira Seke Teacher’s College kuti itore matanho akasimba ekutsigira chirongwa ichi.

Vanorumbidza Seke Teacher’s College nekubura kwayo varairidzi vakawanda vedanho reEarly Childhood Development (ECD) kudarika mamwe makoreji evarairidzi vepuraimari.

Koreji iyi inodzidzisa chikamu che19% chevarairidzi 4 930 vanowanikwa mumakoreji ose ari 10 munyika anofundisa maticha ekupuraimari.

Zvakadaro, University of Zimbabwe Pro-Vice Chancellor Professor Pedzisai Mashiri, vanoti zvakakosha kuti makoreji evarairidzi asimbise zvidzidzo zvesainzi nekuti izvi zvinoita kuti vadzidzisi vave neruzivo rwakadzama rwunodiwa mukubudirira kwechirongwa cheSTEM.

“Zvakakosha kuziva kuti vadzidzi vakwanise kuwana dzidzo yemhando yepamusoro, varairidzi vanofanira kuve neruzivo rwakadzama uye vaine zvekushandisa zvakakwana,” vanodaro.

Kusvika pari zvino, Seke Teacher’s College yabura vadzidzisi vepuraimari vanosvika 12 197 uye gore rino chete 602 vakapedza fundo yavo pakoreji iyi. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links