Tinotenda magamba

07 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naTapiwa Editor Simbarashe Makopa

Mwana wemuchena ndokunge afarisa zvake,
Kungosiya hake nyika yababa vake kuuya kuno kuZimbabwe,
Kunge tanga takonewa kushandisa zviwanikwa zvedu.
Hoyo tande tande serunyemba kusvika kwaaida muZimbabwe,
Aah shuwa tinotenda magamba.

Ndiye zvake mwana wemuchena otora minda yakanaka,
Ivhu rine kudya rese vogovana pahukama hwavo,
Huchi hwenyika vokambura,
Kana iko kusanyara, kudada nemuturu segono rembwa,
Mutema obiswa onokandwa kurukangarabwe rweMhandamabwe,
Chokwadi ngatitende magamba.

Ngativatende nokuti izvozvo ndizvo zvavakaramba,
Kushungurudzwa munyika yababa namai,
Akati kusiri kufa ndokupi zvazvangofanana wani,
Ndivo vakatora magidi vopinda musango kunotanga Chimurenga,
Haa veduwe ngatitende magamba.

Chakava chipatapata mumisha nemumasango umo,
Hapana anga acharara mumba,
Mwana womutema ogara musango semhuka,
Kuvavarira kuti muchena aregedze pfuma yaakapamba,
Inda, matekenya nehumhutu vakatandara nazvo musango imomo,
Shuwa ngatitende magamba.

Muvengi hoyo ounganidza zvakewo zvombo kurwisa mutema, mwenechiro,
Haa veduwe ndikarangarira paChinhoyi moyo wangu unorwadza,
Vakatambura vana, vakadzvokorana nerufu chiso nechiso zuva rose,
Vakafa vachitambura vana vevhu, raisava dambe,
Saka ndati tinotenda magamba.

Ko ipo paChimoio, Tembwe neNyadzonya, hii veduwe,
Vana kuurawa here senhunzi dzasaswa mushonga,
Vachivigwa mazana nemakumi anoraudzira mugomba rimwe chete,
Kufira nyika yavo, nyika yechipikirwa,
Chokwadi ngatitende magamba.

Adenha mangwiro otokunya varumewe,
Muchena haana kuziva kuti akanga aita simba kaviri kurwa nemukadzi weasipo,
Akanga adenha chakarara zvacho,
Aifanira kudzidziswa nechirango,
Tinotenda nesungawirirano uye kuzvipira kwevana veZimbabwe.
Eheka saka ndati ngatitende magamba.

Nhasi regai nditaure ndisina matyira kana kuzengurira,
Iyemi mose makabata magidi kuti Zimbabwe isununguke,
Tinoziva kune vamwe vakasara mumasango,
Varere pasingazivikamwi nehama neshamwari,
Tinoti tinokutendai magamba.

Kubvumbi 18 wa1980 makatumbura rumborera rwemuvengi,
Ikazvarwa Zimbabwe yataichemera, ine huchi nemukaka,
Ikasununguka Zimbabwe yakafira vana vevhu.
Zvaisava nyore senzira yekutsime, pakadeuka ropa.
Saka nhasi tinoti tinotenda magamba.

Mazita mazana akazanirana ingava swererakudoma,
Asi mose vapenyu nevakazorora tinokurangarirai nhasi,
Tinokutendai nemabasa enyu ekusunungura nyika,
Vakafa zororai murugare, vapenyu chengetedzai nhaka yakafira vana.
Muzukuru wekwaMakopa neZimbabwe yose tinoti TINOTENDA MAGAMBA.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>