$5 yemwana pamwedzi

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
VANHU vaiva mudare vakashamisika nemumwe murume anoti anokwanisa kubvisa $5 chete pamwedzi yekuchengeta mwana wake. Privy Aaron akataura mashoko aya muHarare Civil Court mushure mekunge aendeswako naNyaradzo Chiwenga uyo waakaita naye mwana.

Chiwenga anoti anoda $130 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo.

“Ndinoda kuti baba ava vandipe mari yekuchengeta mwana nekuti ndega handisi kuzvikwanisa. Ndinoda $130 pamwedzi, ini ndinotengesa pamusika ndichiwana $20 saka haisi kukwana,” anodaro Chiwenga.

Anoti Aaron haana mukadzi kana vamwe vana vanomutadzisa kumupa mari iyi. “Haana mukadzi uyu kana vamwe vana vangamutadzise kundipa mari iyi. Anoshanda basa rekupenda dzimba nemakambani zvekuti pamwedzi anenge aine $300,” anodaro Chiwenga.

Achipawo divi rake, Aaron anoti mari iyi haaikwanise nekuti zvinhu zvakamuomera.

‘‘Mari yandinokwanisa kumupa i$5, hakuna kumwe kwandinoiwana,” anodaro Aaron. Mutongi Nyasha Mafuru anoti Aaron abvise $25 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links