600 vodzidziswa nemapurisa

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
600 vodzidziswa  nemapurisa

Kwayedza

MAPURISA eZimbabwe Republic Police ari kutendwa nebasa raari kuita rekubatsira vana nherera vanosvika 600 nemari dzechikoro pasi pehomwe yePolice Commissioner-General’s Charity Fund.Rumbidzo iyi yakabva kugurukota rezvinoitika munyika, Dr Ignatius Chombo, apo vaitaura nguva pfupi yadarika kuBorrowdale Race Course pamujaho wemabhiza weZimbabwe Republic Police Commissioner-General Race uyo wakananga kuunganidza mari yekubatsira nherera neshirikadzi.

“Izvi zvoga zvinoratidza hudzamu hwenyu (Commissioner-General Augustine Chihuri), hwekuzvipira mukubatsira vanotambura. Nekuda kwaizvozvo, ndinoona zvakakodzera kuti nditende vose vari kubatsirana naCommissioner-General wemapurisa muzvirongwa zvekuyamura nherera neshirikadzi,” vanodaro.

Dr Chombo vanoti rubatsiro urwu rwuri kuuya nenzira dzakasiyana, dzinosanganisira chikafu, pekugara nemari yechikoro nemayunifomu.

“Matambudziko anosangana nenherera neshirikadzi akakura zvikuru. Tine dzimwe nyaya dzatinonzwa dzinosuwisa dzekushungurudzwa kwenherera pamwe neshirikadzi.

“Izvi hazvifaniri kudaro, tichitarisa kuti shirikadzi nenherera vanosangana nematambudziko anovashaisa zano repekutangira,” vanodaro Dr Chombo.

“Homwe yeCommissioner-General Welfare Fund iri kubatsira nherera 600 avo vamwe vari kupuraimari, sekondari nekumayunivhesiti. Vamwe vakabatsirwa nehomwe iyi vave madhokotera, maengineer nekuita mamwe mabasa akasiyana.”

Dr Chombo vanoti nherera neshirikadzi dziri kuramba dzichiwanda izvo zviri kuita kuti homwe iyi inge ichiperevera pakubatsira vanotambura.

“Kana tichibatsira nherera neshirikadzi hatizi kushandira pasina uye Mwari vakatendeka nekuti vanotiyeuka pamwe nekutikomborera mukubatsira kwatinenge tichiita. Ticharamba tichibatsira sekukwanisa kwatinoita,” vanodaro Dr Chombo.

Chitiko ichi chakapindwa nezviuru zvevanhu zvinosanganisira vakuru veHurumende. — Suburban

Share This:

Sponsored Links