$8,5m yechirongwa chekurera mhuri

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
$8,5m yechirongwa chekurera mhuri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
SANGANO rePopulation Services Zimbabwe (PSZ) svondo rapera rakaparura chirongwa chekurera mhuri uye kusimudzirwa kweutano hwesikarudzi, icho chiri kutsigirwa nenyika yeSweden nemari inosvika $8,5 miriyoni. Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa ichi kumahofisi ePSZ muguta reHarare, mudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa – avo vaive muyenzi anoremekedzwa – vanoti vanotenda rutsigiro rwemari rwakabva kuSweden.

“Sekuziva kwenyu, ndine chido chekusimudzira nyaya dzeutano, kunyanya hwemadzimai. Ndiko kusaka ndiri kupinda muzvirongwa zvekurwisa chirwere chegomara kuburikidza nemakambeni atinoita kuti madzimai nevanasikana vange vachivhenekwa pamwe nekurapwa.

“Ndinovimba kuti kunyangwe zvirongwa zvekurapwa kwezvirwere zvepabonde zvinofanirwa kunge zvichiitwa pamwe chete apo madzimai anenge achiwaniswa nzira dzekurera mhuri,” vanodaro.

Vanokurudzira varume kuti vabatsirane nemadzimai avo munyaya dzekurera mhuri.
“Nyaya dzekurera mhuri handi dzemadzimai bedzi, asi dzinoda mukomberanwa wavanababa. Kune dzimwe nzira dzekurera mhuri dzinogona kutorwa nanababa kuti vabatsirane nemadzimai avo sekuchekwa kweduriro (vasectomy).

“Tinoda kuti nyaya dzekurera mhuri dzinge dzichivandudzwa munyika nekuti pari zvino chikamu che11% chevanhu ndicho chiri kutora nzira ndenguva refu dzekurera mhuri,” vanodaro.

Amai Mnangagwa vanokurudzira vechidiki kuti vanonoke kupinda munyaya dzepabonde sezvo zvichikanganisa dzidzo yavo pamwe nekukonzera pamuviri pasina kurongeka kuvanasikana.

“Tinoda vanhu vanoita mhuri dzakarongeka kwete kuti zvingoyerekana zvaitika nekuti zvinounza matambudziko akawanda senzara, urombo, kubviswa kwemimba nerweseri uye zvinoderedza budiriro yenyika,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, munyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Gerald Gwinji, vanoti Zimbabwe ine nzira dzakawanda uye dzemhando yepamusoro dzekurera mhuri, nekudaro vanhu vane sarudzo yemhando dzavanoda. “Tinoda kuderedza kushomeka kwemishonga yekurera mhuri kuti kurambe kuri pasi pechikamu che5% nekuti donzvo redu nderekuti munhu wose anoda mishonga yekurera mhuri ange achiiwana nenguva uye nemitengo iri pasi,” vanodaro.

VaAbebe Shibru, avo vanova country director kuPSZ, vanotenda mudzimai wemutungamiriri wenyika nekutsigira kwavari kuita nyaya dzeutano vachiti kuti Zimbabwe ibudirire muupfumi, inoda mhuri dzine utano.

Vanoti vachashandisa mari yavakapihwa iyi nemazvo mukusimudzira utano hwesikarudzi uye nyaya dzekurera mhuri mumatunhu ose enyika. Sangano rePSZ rakavambwa muna1987 uye rinoshanda pamwe chete nebazi rezveutano nereZimbabwe National Family Planning Council.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey