Uncategorized

‘Hatidi varume vakadai, sungai munhu’

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
‘Hatidi varume vakadai, sungai munhu’ Nyaradzo Mashayamombe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MASANGANO anorwira kodzero dzevana, madzimambo nemamwe mapoka akasiyana vari kukurudzira kurangwa kwakasimba kwevarume vanombunyikidza vanasikana vasati vabva zera panyaya dzepabonde.

Izvi zvinotevera nyaya yemwana ava nemakore 14 okuberekwa wekwaChinhamora, kuDomboshava, uyo akamitiswa nemumwe murume apo aiva nemakore 13 ekuzvarwa zvikaita kuti asiire chikoro panzira – mupari wemhosva ndokumutiza.

Vakafanobata chigaro chaMambo Chinhamora, VaLister Chidziva, vanoti zvinorwadza kunzwa kuti kuchine nhunzvatunzva dzinopinda pabonde nepwere.

“Tsika yakadai hatiitambire zvachose. Nokudaro kana iri hama yapinda munyaya dzepabonde nehama, tinozvitora semakunakuna uye tinotarisa mazera evanhu vanenge vapinda munyaya dzacho. Kana zvichisanganisira pwere, tinoendesa kumapurisa asi isu tichiishandawo nekune rumwe rutivi kumatare edu,” vanodaro mambo.

Nyaradzo Mashayamombe, uyo anova executive director wesangano rinorwira kodzero dzevanasikana, reTag A Life, anoti vose vanopinda pabonde nepwere vanofanira kurangwa nemutemo.

“Tiri kungochema kuti kudai Marriage Bill yapasiswa kuita mutemo nekukasika nekuti rave nenguva richingozeyewa. Ndinovimba kana kuchinge kwava nemutemo unoona nezvekuroodzwa kwevana, vana vedu vangabatsirikana,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti hazvinei nekuti mwana uyu akabvuma kuita bonde nekuti zera rake pasi pemutemo anotorwa semunhu asina simba rekubvuma kana kuramba bonde nekuti atori pwere isati yoziva zvakanaka nezvakaipa.

“Pasi pemutemo, nyaya iyi ndeyechibharo chaiyo kwete kuti pane dzimwe tsanangudzo nekuti bumbiro remutemo rinoti munhu abva zera – mukomana kana musikana – anenge asvitsa makore 18 ekuzvarwa. Ndinokurudzira vabereki kuti vashinge kuendesa vana vavo kuchikoro nekuti kana vakangovagarisa pamba vachiti upenyu hwakaoma, kazhinji kacho ndipo panonyuka matambudziko akadai ekumitiswa kwevana apo vanoswera vachingotenderera mumaraini,” anodaro.

Bishop Cuthbert Nyaruvenda, avo vanova mutungamiriri wekereke yeSangano Dzvene Revapositori, vanoti vanogara vachiita misangano nevatendi vavo vachivafundisa nekuipa kwenyaya dzekuroodzwa kwevana.

“Hazvitenderwi zvachose zvisinei nekuti tinoziva kuti kune mamwe makereke anopa mikana iyi apo vanasikana vanoroodzwa kumadhara emuchechi zvichinzi ndizvo zvataurwa nemweya. Mwana anokwanisa kuroorwa nekuda kwake kana achinge asvitsa makore 18 zvichienda kumberi.

“Pwere dzikaita pamuviri dzinosangana nematambudziko sekutsemuka chibereko, kurasikirwa neropa rakawanda kana kutofa panguva yekubara nekuti miviri yavo inenge isati yanyatsokura,” vanodaro.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvekare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practiotioner’s Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vamwe varapi vechivanhu nevemakereke vanofurira vanhu vavanoshandira kuti vanobata pwere chibharo vachivati ndiko kuti vaite maraki kana kupona. Vanoti vanhu ava vanofanirwa kurangwa nemutemo.

“Kazhinji varapi vamanyepo sanaTsikamutanda – avo vanenge vasina kunyoresa zviri pamutemo – ndivo vanonyepera vanhu kuti vapare mhosva dzechibaro. Tine hurongwa hwekutenderera mumatunhu tichivheneka varapi vechivanhu nevemakereke uye vachabatwa vari kunze kwemutemo vachasungwa.

“Tsika dzedu dzechivanhu dzinorwira kuchengetedzwa kwehunhu uye kuremekedza vanasikana kuti vange vachikura zvakanaka pasina kuvambunyikidza,” vanodaro.

VaMartin Mukaronda, vanova assistant director marketing and communications kuZimbabwe National Family Planning Council, vanoti vechidiki vanenge vave kuita zvepabonde vane mikana mizhinji yekuwaniswa mishonga yekurera mhuri kuitira kuti vasaite pamuviri pasina kurongeka.

“Mumatunhu akasiyana, tine maYouth Friendly Corners uko vechidiki vanoenda kunopangwa mazano maringe nezveutano hwesikarudzi. Vanenge vachifundiswa nevamwe vezera ravo saka vanoenda vasina kutya. Kune vaye vanenge vaonekwa kuti vave kuita zvepabonde, vanopihwa dziviriro dzakasiyana kuti vasabate mimba kana zvirwere,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links