A-LEVEL — ANHONGA VHUNZE NEMUROMO: Hunhubu hwaCindy

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
A-LEVEL — ANHONGA VHUNZE NEMUROMO: Hunhubu hwaCindy

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
HUNHUBU hunoitwa naCindy hunoita kuti ave mukadzi anoshoreka.
• Kuramba kubatirwa nhare yake nemurume achiti ngaaisiye yakadaro kunyangwe ikarira asipo nekuti ikodzero dzake.
• Kufamba akapfeka nhumbi dzinomubvisa chimiro — dzinosiya musana nemakumbo ese pachena asi iye akaroorwa zvakanakisisa naRuvengo.
• Kuramba kuteerera murume achitsiurwa maererano nenhumbi dzaanofarira kupfeka.
• Kuramba kuchengeta vamwene vake, VaHaruna achiti ngavadzokere kumusha kuDharuweni.
• Kudzinga vamwene vake mumasofa akanaka achiti vagare pamatsaru nekuti vanozoazadza bute.
• Kututisa vamwene vake kubva muimba yavairara achiti vaende kukoteji achida kupinza shamwari dzake muimba iyoyo.
• Kurambidza vamwene vake kuona chivhitivhiti chakanaka achiti vaone chemifananidzo mitema nemichena.
• Kuudza Tsitsi kuti amuitire basa rese repamba kusanganisira kutsvairirwa muimba yake yekurara iye agere.
• Kushungurudza Maggie kuburikidza nekumutuka nekuti amai vake vainge vafa.
• Kutambira keke rine muchetura unouraya makonzo raanopihwa naLaiza achida kuripa vamwene vake kuti vafe.
• Kusiya apfiga misiwo achibuda nemakiyi pamba paina VaHaruna.
• Kuramba kuzvara achiti aitya kuchembera. Anoshandisa dhepo asina kuudza murume wake, Ruvengo zvinoita kuti vaviri ava vasave nemwana.
• Kumbovanzira murume wake, Ruvengo kuti aive nemwana kunze.
• Kurova Regina netsvimbo pahuma.
• Kutuka amai vake, Laiza asi vainge vachironga mazano avo akazovapandukira vari pamwe chete.
• Kuda kupa mapurisa mari yechiokomuhomwe nekuti anenge asungwa.
Zvidavado zvinoshandiswa pakunyora mutambo uyu:
Tsumo:-
. . . muonera pamwe chuma chomuzukuru p.4
. . . chitaurirwa mbare dzekumusana p.29
Chirungurira chitenda, kutadza kuchidura chinokuuraya p.30
. . . kure kwemeso nzeve dzinonzwa p.30
Chirere mangwana chizokurerawo p.42
. . . kuudza mwana hupedzisira p.49
Chembere yekwaChivi yakabika mabwe ndokunwa muto p.48
. . . kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto p. 48
Mubvunzonhando:-
Wati kudii Ruvengo? p.3
Ndakatadzei pandakati vanhu ava vagare pano? p.3
Chiripo chiripo, ndarira imwe chete hairire p.67
Zviroto/hope:-
Ruvengo anorota achienda kunze kwenyika naCindy ndokubva vaita tsaona munzira. Anoti akazoona Cindy asisina mumwe munwe uye asisinawo mhete yemuchato p.5
Chidhorobha:-
Ndeipi yenyu ambuya? p.7
Fananidzo:-
Ndibate ruoko unondigezesa sezvo ndiri kuita sendiri mugango zvekuti mwoyo wangu uri kugochwa semudzonga wenyama p.10
Usangodzungudza musoro unenge damba p.13
Handisi pakuti uputike senhikiti, Cindy p.18
Zvino ukaoma mwoyo sedombo kudaro unoti ndichazoonekwa nani ndava mujeri? P.71
ChiRungu:-
Hello madam p.16
Equal rights . . . p17
We are living in a world of competition p.21
No mhani p.21
Chikuwo:-
Hongu, huMember of Parliament hwakapera nenguva yahwo! p.17
Titambire mwanangu! p.28
Madimikira:-
Pinda nomwenje mudziva ndigokushura mare p.27
Kuzvionera pamhuno sefodya p.65
Mazitaumbiridzwa:-
Amai ndivo muparanzvongo, vane ruzivo rwuzere rwunova rwuri kurwarisa Kumbie uyu p.58
Usade kuita manatsamukanwa, wanzwa? p.75
Chituko:-
Imbwa yemunhu p.64
Chivakashure chinotsanangura:-
Nyambisirwa uri zimuroyi remunhu Cindy p.64
Nyaudzosingwi:-
Chete mwoyo wauinawo ndiwo wakasviba kuti svi-i segunguwo p.75
Muroora wangu uyu aratidza kare kuti anoda kundiona ndava churu, mwoyo wake mbu-u kuchena p.76
Mibvunzo:-
1. Buritsa ugoyanika pachena unhubu hunoitwa nevanhukadzi semaburitsirwo azvinoitwa naCindy munyaya iyi.
2. Wakanangana nehupenyu hwaCindy, ungati akateerera here dzidziso yaRegina naZariro yekuti agare nemhuri yemurume wake zvakanaka?
3. Tsanangura zvinogutsa nzira dzakashandiswa nemunyori kuruka mutambo uyu kuti unge uchibuda sezvauri.
4. Imhangwai dziri kuburitswa nemunyori maererano nehukama hunowanikwa pakati pehama dzemurume nehama dzemukadzi.
5. Yanika pachena zvinhu zvinoitwa naCindy mumutambo uyu zvinoita kuti ave mudzimai anoshoreka zvikuru.
6. Uchinyatsotsanangura zvinogutsa uye uchipa tsigiro dzakakwana, ipa zvikonzero zvaunoona zvakatokonya munyori uyu kuti abude nemutambo wemhando iyi.
7. Vanhurume nevanhukadzi vanoburitswa sei mumutambo uyu?
8. Tsanangura zvinhu zvinokusuwisa kubva mumutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey