A -LEVEL — KUDA MUHONDO: Gwara rehondo

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

TINOPFUURIRA mberi nematambudziko anosangana nevanhu munguva yehondo.

Kufenda — chikwata chaidzidziswa hondo kukamba 2 chiri pamwe chete naKuda tinoona chine vamwe vanhu vanofenda mushure mekunge vamhanyiswa vachitenderera kashanu. Vamwe vanofenda vachiri kutenderera kechitatu sezvakaitwa naBhodho. Josiah anove munin’ina waKuda anowanikwawo achifenda pakumhanya uku.

Kudzvanyirirana — Komuredhi Kadiki anoudza Kuda kuti aifanira kunyepa kuti akanga adzidza kusvika mugeredhi repasi nekuti vakuru vaitungamirira hondo pakamba apa vakazviziva vaizomutsikirira kuti aende kunorwa hondo asina hunyanzvi hwakakwana ourayiwa. Izvi vaizviita nekuti ivo vainge vasina kudzidza saka vaitya kutorerwa zvinzvimbo zvavo nevakadzidza.

Kudzidziswa hondo nenzira dzinorwadza – Kuda nevamwe vake tinoona vachidzidziswa hondo nenzira dzaiita kuti vange vachirwadziwa zvakanyanyisa. Tinonzwa achitaura ega kuti pamwe pacho vaikambaira nemumvura, nemuminzwa, kana kumhanya vachipinda nemumoto waibvira. Kurezvwa nezvinhu zvinokuvadza — tinonzwa zvichinzi, “Yaiva tsika yamabhunu kusiya chimwe chinhu chavaiziva kuti chinoita kuti vanhu vaungane vachitarisa. Vaiisa mabhomba imomo aiti kana munhu akachibata choputika. Mawairesi, fodya, magaba ebhifi, chitunha chemunhu, zvese izvi zvaisevenzeswa kuteya vanhu. Muzvinhu zvekudya vaiisa chepfu inouraya.” P.77. Zvinhu zvose izvi zvakanga zvauraya vanhu vakawanda chaizvo munguva yehondo.

Kukuvara muhondo — hondo inotsva pakamba 2 inosiya vanhu vashanu vakuvara zvakanyanyisa zvekuti kupona kwavo kwaisazivikanwa. Bhodho anokuvara muhondo iyi zvekuti akanga asingachakwanise zvakare kurwa. Kuda anokuvadzwa muhondo pagumbo ndokuzoribviswa achiiswa rechimuti.

Kufamba nzendo refu netsoka — povho inobva kuZimbabwe tinoiona ichipinda muMozambique netsoka. Magandanga anoenda kunopamba chikafu kuBurma Valley anoenda netsoka panove pakanga paine mufambo murefu zvikuru. Magandanga ese aienda kunorwa hondo ari munzvimbo yeBuhera anobva kuMozambique netsoka dakara asvika kuBuhera.

Kurohwa — masoja ane nguva yaaipinda mumisha yevanhu vachirova povho zvakaomarara.

Nzira dzinoshandiswa nevarwi vehondo yeChimurenga kuti vange vachikunda vachena:

Vatema vanotora nzira dzakasiyana-siyana kuti vange vachikurira vachena muhondo yavairwa. Dzimwe dzacho ndeidzi: Kupotera kunze kwenyika — tinoona povho ichibva muChipinge ichitungamirirwa naKomuredhi Pedzi kuenda kuMozambique uko vainopotera; ukuwo vamwe vachidzidziswa kurwa hondo.

Kusarudza vakomana vakasimba kuti vanodzidziswa kurwa hondo — vanaKuda, Bhodho, Josiah nevamwe vanosarudzwa kubva kukamba 1 kwavanosvikira kuti vaende kukamba 2 kwavainodzidziswa kurwa hondo.

Kushandisa masirogani kuti vazivane – makomuredzi pese paaisangana vaizivana kuburikidza nemasirogani. Izvi zvaiita kuti vazive aive neaisave muvengi wavo.

Kudzidziswa kurwa hondo nezvematongerwo enyika — vanhu vaienda kukamba 2 vachinodzidziswa kurwa hondo kuburikidza nenzira dzakaoma sezvinoitwa vanaKuda, Josiah, Bhodho nevamwewo. Panguva imwe chete iyi vaiiswawo mumapoka mavaizodzidziswa nezvegwara remusangano weZanu. Kutsvaga rubatsiro kubva kupovho – magandanga aitsvaga rubatsiro rwechikafu kubva kupovho kunove kwavaipihwa zvekudya vari kumabhesi kwavo. Tinoona kuti povho yaibatsirawo magandanga kutakura zvombo kubva kuMozambique kupinda nazvo muZimbabwe. Kutuma vanamujibha kuti vawane ruzivo rwemafambiro aiita masoja — vanamujibha vaitumwa navanamukoma kufamba vachitsvaga kwaive nemasoja, zvaaiita nezvaaironga. Ruzivo urwu rwaibatsira magandanga zvikuru pakurwisa masoja. Levi anotuma vanamujibha nemamwe magamba kuti vanosecha zvitunha zvemasoja pamwe chete nekuvatorera pfuti. P.131..

Share This:

Sponsored Links