A-LEVEL — MUBAIRO: Amai vaMusekiwa vanokumbira muriwo

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 24 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Panobuda Makate, amai vaTendai vanosara vachirongedza kwava kutevera vana vavo kubindu vasunga musoro pakare. Musiyiwa vanomuti adzokere kumba kunozorora musi iwoyo neramangwana racho.

Vanomuudza nezvechichemo chaamai vaMusekiwa chemuriwo iye ndokutenda zvake nechemumoyo achiziva kuti haazovapi muriwo pachena.

ONGORORO:

Tinoona amai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza vachipomera hanzvadzi dzavo mhosva dzekusanzwisisa asi kuri kutaura chokwadi ivo ndivo nyasire dzezvinovanetsa zvacho.

Zvakataurirwa Peter aenda kunokumbira hanzvadzi yaamai vake mari yekutenga bhuku zvinorwadza kwazvo asi zvine chokwadi. Makate haagoni kuriritira mhuri yake kusiya kwekutevedza hwahwa chete.

Ndokusaka hanzvadzi yamai vaMusikiwa ichizoti, “Vana vemakudo havaende kuchikoro . . . baba vako ngavagarire maoko” (83).

Nechekunowo maererano nehanzvadzi yaamai Mandizvidza tinoinzwawo ichishandisa mazwi anorema sekuti, “kakomana kako kaputa mbanje, katsimbe” (84).

Zvinorwadza zvazvo asi mazwi aya anotaura chokwadi cheunhu nemaitiro aMakate naKamukombe.

Kudimikira kunoshandiswa muchitsauko ichi. Apo mai Tendai vanosvika pamusha vachibva kuchipatara vanorondedzera amai vaMusekiwa naamai vaMandizvidza zvainge zvatora nzvimbo vaviri ava vakanyatsoteresa kuti pashaikwe nekanovapotsa kana kuti sekudimikirwa kwazvo “vakanyatsomisa nzeve” (83). Mai vaTendai apo vanenge vachirondedzere zvinoyeuchidza amai vaMusekiwa mashoko avakataurirwa natete vekuChiweshe nyaya ikavazvimbira, vanodimikira vachiti, “. . . payakazokwira makomo nhau yacho yatsvuka” (83)

Hanzvadzi yaamai vaMusekiwa iri kunyatsa kutaura kuti Makate itsimbe yomunhu apo inoti, “handisiri ndakati baba vako ngavagarire maoko” (83). Kuna amai vaMandizvidza nyaya iri kutaurwa naamai itori nani pane yavo yezvavakaitirwa nehanzvadzi yavo saka vachiti nyaya yavo “ndeyemusango” (84).

Hanzvadzi yavo iyi iri kunyatsovayambira kuti zvavari kuita zvekurorwa naKamukombe kuzvipinza mumatambudziko akaomarara izvo inoti ”watoteya wega mariva murutsva” (84)

Mai vaMusekiwa vanoti nechitambi chekutyairisa icho Musiyiwa akatoreswa nababa vaTendai, ava munhu ava kudada zvikuru kana kuti, “ave kutsenga mvura” (84).

Vachikurukura, mudzimai waGeorge anoda kuyambira Kamukombe kuti kana munhu akawana mukana wokuita chinhu, ngaabve aushandisa nguva iyoyo achimuti, “ndiri kutokurumai nzeve izvozvi” (87).

Makate apo anouya kuzobvunza nezveurwere hwemunin’ina wake ane pfungwa yokuti pane chaakadyiswa chete kuti azorwara kudaro asi mudzimai waGeorge akamugadzirira mibvunzo yokuti munhu aizoshaya kuti obata nepapi izvo zvinonzi, “achikanga murume mukuru” (88)

Toenda kuenzaniso tinodzionawo mukushandiswa sedimikira.

Tinobva tanyatsa kuona maitikiro ezvinhu apo vana Peter vanomutsa tsvana yemhembwe, imbwa yaGarikai kunyangoiti sa-a, kwava kuramba yakamira zvayo “seyainge ichiona dhongi” (85).

Kumba kwamai vaMandizvidza kuri kunhuhwa hwema hwenzara vana tumatumbu tunotochiti tanana kuzvimba muviri uchitsvukuruka “kunge twana twemakaradhi” (85).

Apo Kamukombe anotsiurwa naamai vaTendai nemamwiro aanoita hwahwa, murume mukuru anoonekwa ongoringa pasi “sebere radzivirirwa muchizarira” (86). Mubvunzo unobvunzwa naMakate wokuti George akange adyei paakazotanga kurwara, unoita kuti amai vaTendai vazadzwe nekushatirwa zvekuti mwana wemunhu akatanga kunzwa mazamhu ake kuzvimba “sokunge ainge oda kuyamwisa mwana” (87).

Makate ari kukurukura naamai vaTendai apo anobvunzwa kana akanzwa kuti gore iroro muchirimo vana amai vaTendai vainge vasangana netsaona yekuparadzwa kwezvinhu nemuriwo mubindu ravo, murume mukuru anoonekwa achikakamira achipindura musoro uchidzoka “sehamba” (88).

Share This:

Sponsored Links