A-LEVEL — MUBAIRO: Musiiwa ari kufarira kuzotyaira motokari

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
George nemudzimai wake vanowirirana nepfungwa yaMusiiwa, George anobuda mumba achiti ava kunokotsira, uyuwo Musiiwa achifarira kuti achadzidziswa kutyaira motokari.

Mudzimai waGeorge anoyambira Musiiwa kuti kana vachinge vachifamba nababa vaHazvinei vachityaira, anofanira kuona kuti vari vose mupfungwa pavanenge vachikurukura. Kana aona vanyarara, ngaaedze kutsvaga imwe nhau yekuti vataure vachitererawo.

Achibvunza kuti sei vachidaro, mudzimai waGeorge anoti haagoni kunyatsotsanangura zvaanganzwisisa.

ONGORORO
Zvinobva zvanyatsa kuoneka kuti mai Musekiwa nemudzimai waKamukombe havafariri mai vaHazvinei. Izvi zvinoratidzwa nekushandiswa kunoitwa bumbiro ramavara “ch” izvo zvinoratidza kutsvinya nekunyomba kukuru. Mazwi amai Mandizvidza anoratidza izvi. Zvinonzi, “Chagarika chaizvo chikadzi chekwaMurehwa chetundebvu. Hamuna kuona mafambiro acho achange chichiita pachasvika pagungano paya?  Kubva chatindinyara chaizvo . . .” (40).

Mai Musekiwa vanotiwo, “Hamuna kuona kuti change chichishamisira nerokwe remari?

Amai vaMandizvidza vanozopamhidzira vachiti, “Chinoita zvachinoda nemari dzose babamukuru hapana chavanomboti bufu” (40).

Vachinzwa zvakadai, ndosaka mai vaTichaona vachizobvunza vachiti, “Mai Musekiwa kutaura here kwemadzimai eruwadzano kwamuri kuita? (40)

Tsumo tinodziona dzichishandiswa. Amai vaTichaona vanoda kuedza kuratidza mai vaMusekiwa namai vaMandizvidza kuti kunze kuno kune vanhu vakanaka vanobatsira vamwe.

Saka achivataurira kuti chinhu chisina kunaka kutaura zvavasina kuona. Kuti pfungwa yavo inyatsoti bvo-o kupinda mumisoro yavo tinovaona vachishandisa tsumo yokuti, “Dai pasina nyimo makunguwo aidyei?” iyo inoreva kuti dai pasina vanhu vane mwoyochena, ko vanotambura vaizobatsirwa nani?

Zvinotaurwa kubva panoti, “Vachitsigirana vakazviramba vachiti kusvikira panoti  “. . . yaibata mhuka sembudzi” (40-41).

Zvinotiyeuchidza nezverungano ruya rwegava rakaona magirepi akatsvukirira ndokuedza kusvetuka kuti riawane asi zvikashaya basa.

Rakazobva panzvimbo apa rava kushora magirepi aya richiti raishaya charapedzera nguva yaro pane zvinhu zvisinganaki.

Mai Musekiwa namai vaMandizvidza vaidisa chaizvo kupihwa muriwo namai vaHazvinei asi iye zvino vava kuzvishora zvikuru.

Saka zvese zvaitaurwa nemadzimai ava mai Tichaona vakazviramba vachizvitsigira, pavanoti vazviwana zvinobva zvarasika kana kufa ivo ndokusaka vakabata mawoko.

Madzimai aya anofanira kutenda zvakanaka zvavanenge vaitirwa. Kana munhu uchiitirwa zvakanaka, uyawo anofanira kumuitirawo zvakanaka nokuti munhu woga woga anoda hama inomubatsira. Ndosaka mai vaTichaona vachishandisa tsumo inoti, “Kandiro kanoenda kunobva kamwe” (41).

Kana uchipa vamwe vanhu mari kana zvinovayamura unozofara musi wavanenge vava kukudzorera zvose zvawakambovabatsira nazvo.

Ipapo unozoita kunge munhu akachengetedza zvaanoda ozozvishandisha musi waanozvida.

George anotsigira pfungwa yaMusiiwa yekupa pachena kuvatengi vake makarotsi kuitira kuumba ukama navo kuti agogona kukwikwidzana nevamwe vatengesi muruwa vachitenderana kuti “kupa kuturika” (43).

Tinosangana nesekera mbabvu inovava (bitter sarcasm) apa mai vaMandizvidza vanoti, “Nekuchena kwenyu kudai kunenge mai vaMusekiwa vano kudano mungadye navaRungu imi?” (41). Mazwi aya azere neuturu vachinyomba mai vaTichaona.

Kudimikira tinokuonawo kuchishandiswa zvakati kuti.

Tinobva tanyatsa kuona kushatirwa kwaitwa mai vaTichaona nevanhu vepi vakaita samai vaMusekiwa namai vaMandizvidza apo vanodimikira kwavari vachiti, “Kujaidza makudo neanokamhinha” (41).
(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey