A-LEVEL — MUBAIRO: Ndangariro dzaGeorge

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Vanokanganiswa nevana vachisvika kubva kwavainge vatumwa. Ndangariro dzaGeorge dzavhiringidzwa nezvaanzwa zvokuti haanzwi kunaka kwekudya. Anoenda kukamuri yekurara ndokusvikozvikanda pamubhedha akapfeka.

Ndangariro dzake dzinotenderera apo anofunga nezvekuti mudzimai wake anomuziva iye zvechokwadi asi pane zvose zvavanotaura anoda kuita zvekuzvionera.

Akatanga achifunga kuti mudzimai wake ndiye aizomunetsa semunhu ainge asingadi zvekuuya kumusha asi anozoona kuti idzo hama dzake ndidzo dzave kuda kumutemesa musoro.

Semuenzaniso, mudzimai waMakate anogara achingopopotera vana mazuva ose. Ko chiiko chavanenge vanyanya kutadza? Mudzimai wake anopinda ari pakati pendangariro idzi ndokumuona achakapfeka shangu pamubhedha asi anonyarara zvake. Murume nekunyara anoderedza tsoka.

Pakurara mukadzi anoona kuti pane chiri kunetsa murume wake kuti chingave chinhu chavaona munzira odzoka kana kuti ndezviya zvaainge ataura zvokuti anoziva vanhu kudarika zvaanofunga?

Anoyeuka zvakamboitika izvo George ainge asingazivi, zvebongozozo rekutukwa kwakaitwa Peter namaiguru naamainini nepamusaka pekuti ainge apa kahanda kaainge apihwa nasekuru vake zita rokuti Rex chete. Vaida kuti akape zita rokuti Garikai.

Ko vana avo ainge atengera minapukeni aivaziva here mazita avo okuti Musekiwa naMandizvidza?

Amaiguru vanorevei kana vachipa mwana wechisere zita rokuti Musekiwa vamwe vakapihwa mazita okuti Bertha, Sheila, Mary naSusan.

Anozviona kuti amaiguru ndivo vanonyanya sezvo vakambomuudza kuti pamusha ipapo vanhu vane mari vakagarika nekuti vanogona kuvaka musha nyore nyore. Vaireva iye here?

Haana basa nazvo, chaamirira chete kubatsira murume wake.

Ndangariro dzake dzinokanganiswa nembongoro yakakuma nechokumakura. Anoona kuti kunze kwaedza, munhu ndokumuka kwava kutanga kuita mabasa epamba achisiya murume arere.

ONGORORO
Kutambura kunoita mudzimai waMakate newaKamukombe kunoburitswa nemazwi anotaurwa nemudzimai waGeorge ekuti, “. . . ndakazosvika pakuvapa matauro angu aya andaiberekesa Tendai naYeu.

Handifunge kuti angavabatsire zvakanyanya nekuti asakara.

Mainini ndivo vandakazopa jira rangu rezambiya ravakadambura-dambura kuita samanapukeni” (15).

Tsika nemaitiro aMakate naKamukombe zvinotaurwa nemazvo.

Tinonzwa mudzimai waGeorge achiuya neyambiro achiti, “Ivo mainini vanotosimba nekutoviga sipo dzacho.

Dzingapere nekutengeswa vachiitira mari yedoro” (15). George anozvitsigirawo achiti, “Zvamuri kutaura mai mwana chingave chokwadi nekuti kana mahovhorosi aya andaivatumira ndichiri Harare, ndiri kuona maruwa muno akatopfekwa zvawo nevamwe vanhu.

“Chinonyanya kundinetsa ndechekuti kana mukoma wavo murume mukuru anoitawo zvimwe chetezvowo” (15).

Varume vaviri ava vane tsika yakaipa yekuti kana vapihwa zvinhu vozvitengesa. George anoenderera mberi nekutsanangura unhu hwemukoma wake achiti, “Ndinogona kuramba nekuti mukoma wangu haatarisane nemunhu chiso nechiso.

Pamusoro pezvo kana vadhakwa vanongosvikira kumba kwavo” (16).

Papeji 17 ndipo patinoonawo tumadimikira netuenzaniso kuti tione kupopotera zvisingaperi kwaiitira mai Musekiwa vana avo Eunice anoshayira chavanenge vatadza anotsanangurwa achinzi “seshiri iya chigwenhure” (17).

Avo vanenge vane mari kuvaka imba chinhu chiri nyore kwazvo sezvo zvichinzi vanogona kuvaka musha “sezingizi”.

George anoda kuzvionera ega zviri kutaurwa nemukadzi wake pasina zvekumbofungidzira saka achidimikira achiti, “. . . handina zvekuyera nyoka negavi kwete”. Eunice haajaidzwi nezvemangamanga saka achiti, “handiteyiwe nenzungu segonzo”.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>