A-LEVEL — NGANO DZAMATAMBIDZANWA: Zvidzidzo zviri mungano

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
6. TSANANGURA zvidzidzo zvakasiyana-siyana zvinobuda mungano uchishandisa ngano shanu dziri mubhuku iri. [25]

Mungano inonzi, Vasikana navakomana shumba munobuda chidzidzo chekuti rooranai vematongo. Chidzidzo ichi chinoburitswa apo vasikana vana vanopfimbwa navakomana vana vavanosangana navo patsime. Vasikana ava vainge vasingazive kunobva vakomana ava, asi vanobvuma kuenda navo.

Vave kumba kwavakomana ava, vanozoona kuti vainge vavaroora shumba. Vakomana vaya vanozoda kudya vakadzi vavo, asi vanozoponeswa nekahanzvadzi kavo. Nokudaro, kupinda munjodzi kunoita vasikana ava varoorwa navakomana vavasingazive zvinobva zvadzidzisa kuti rooranai vamatongo.

Mungano inonzi, Gore renzara munobuda chidzidzo chokuti munhu akaita zvakaipa zvinongobuda pachena. Mungano iyi mune murume akaviga uchi achihudya oga musango, asi pakupedzisira zvinozobatwa nekamwana kake kuti ainge achidya uchi musango asingape mhuri zvinozoita kuti arambwe nemukadzi sezvo ainge asina rudo kumhuri yake.

Mungano inonzi, Mukadzi neshumba–munhu munobuda chidzidzo chekuti vanhu vasangode rubatsiro kuvanhu vose vose navamwe vavanenge vasingazive nokuti zvinopinzisa mumatambudziko. Izvi zvinobuda apo mukadzi aifamba musango akakumbira rubatsiro kumurume ainge akagara zvake kuti anyararidze mwana wake, asi pakupedzisira murume uyu akazokumbira kupihwa vana ava kuti avadye apo ainge apinduka kuita shumba. Kumagumo mudzimai uyu anodyirwa vana vake vose.

Mune imwe ngano inonzi, Chikava chaipinduka chichiva munhu munobudawo chidzidzo chekuti rooranai vamatongo. Izvi zvinobuda pana Musarurwa anobvuma kuroorwa nemukomana waainge asingazivi, asi aenda naye anozoona kuti mukomana uyu aipinduka achiita gava. Anozodzoka kumba kwavo, asi ainge atove chiseko chedunhu sezvo akatadza kuzvibata pakutanga zvinoita kuti vanhu vamutore senzenza yemusikana.

Mungano imwe chete iyi munobudawo chidzidzo chekuti mhondoro dzainge dzakakosha sezvo dzaikwanisa kubatsira vanhu kana vave mumatambudziko. Izvi zvinobuda mungano iyi pana Musarurwa anosangana nemhondoro yemudzimu musango inozomuperekedza kusvika kumba.

Tinoenderera mberi nekupedzisa mubvunzo uno svondo rinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey