A-LEVEL — NGANO DZEMATAMBIDZANWA: Vanotadza vanorangwa

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa mubvunzo watakasiira panzira svondo rapfuura unoti; Uchishandisa ngano shanu, tsigira pfungwa yokuti vanhu vanoita zvisingatarisirwe muupenyu vanorangwa. [25]
Chimwe chikamu chekutanga chemhinduro ino chakapihwa mupepa resvondo rapfuura.

Imwe ngano ndeyekuti, Muteyi wamaduwo nemukadzi wake.
Chinhu chisingatarisirwe chaiitwa mungano iyi kuba hove dzemuteyi wamaduwo kwaiitwa negarwe raidya hove rosiya misoro chete.

Mungano iyi mune murume aive muteyi wamaduwo, asi hove dzaaibata aisvika nadzo kumba dzakadyiwa mitumbi yose kwasara misoro chete. Izvi zvakaitika kwenguva refu kusvikira mudzimai azoenda nemurume wake kuhove ndokuzoona kuti raive garwe raivadyira hove.

Chimwezve chisingatarisirwi chaiitwa negarwe kuda kudya mudzimai wemuteyi wemaduwo mushure mekunge abvunza kuti sei garwe rainge richidya hove dzemurume wake.

Pakupedzisira garwe rinozorangwa kuburikidza nekubaiwa nemurume wemukadzi uyu nepfumo kusvikira rafa apo parainge rabuda kunze kwemvura.

Mungano inonzi, Murume aiva mvangamakomwe munobuda kurangwa kwemunhu aiita zvisingadiwe.
Mungano iyi munobuda chinhu chisingatarisirwi chaiitwa naGukura chekutora vakadzi vevanhu.
Mune murume ainzi Gukura aive nembiri yekutora vakadzi vevanhu. Murume uyu akazotora mukadzi wemunhu ainzi Dambudzo achibva atiza munzvimbo maaigara ndokuenda kwasekuru vake.

Sekuru vaGukura pavakaziva kuti ainge atizisa mukadzi wemunhu vakabva vamudzinga vachiti adzokere kumusha kwake. Vave munzira kudzokera, Gukura akabva atiza Dambudzo musango.

Dambudzo akazoenda kuvabereki vaGukura kunovazivisa zvainge zvaitika.
Nyaya yakazotongwa padare murume waDambudzo akaripirwa mhou nemhuru yayo nevabereki vaGukura nemhosva yekutora mudzimai wemunhu.

Kukanganisa kwaGukura nekutora mudzimai wemunhu kunozoita kuti arangwe apo vabereki vake vanoripiswa mhou nemhuru yayo.

Imwe ngano inonzi, Mukadzi neshumba-munhu inobudisa kurangwa kwevanhu vanoita zvakaipa.
Chinhu chisingatarisirwe mungano iyi makaro akaitwa neshumba iyo yakadya vana vemukadzi ainge asina mhosva. Mune mukadzi aiva nevana vake vana achibva afamba rwendo rwekuenda kumusha kwake nemusango maakasangana neshumba yakamudyira vana vake vose vari vana. Shumba iyi yakazoenda nemukadzi uyu kumba kwayo; hwave usiku payainge yarara mukadzi uyu akanzvenga ndokusiya asunga mukova achienda kumusha kwake.

Akanoudza vekumusha kwake zvakange zvaitika vachibva vadzokera vose vakawana shumba isina kwayaenda.
Vanhu vekumusha kwemukadzi vakabva vapisira shumba iye mumba.
Chirango chinozopihwa shumba iyi kuuraiwa kwainoitwa ichipisirwa mumba.

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG