A-LEVEL — PAFUNGE: Anna anonyorerwa tsamba yekurambwa

13 Mar, 2015 - 14:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 4 (Ongororo: Enderero mberi)
Josiah anoita seanoona Anna kunge munhu werudzi rwechikaradhi oita seanovhundutswa nazvo achinzwa “mukaradhi” uyu achitaura Shona yamandorokwati. Chetatu tinomuona achinyepedzera kuita semunhu asinganwi hwahwa obva ati kana Anna asingafadzwi nekunwa tuhwahwa kwanoita, anobva arega kunwa zvachose. Vedu vahanzvadzi tinobva taita kunge gonzo rawana nzungu pachikirimbani kwava kunanavira kuti riidye.

Tinonzwa kuti Josiah pane zvinangwa zvaainazvo izvo zvinoburitswa pachena nemazwi okuti, “kuti ndidiwe naAnna ndinotofanira kunyepedzera kuva munhu anofarira zvesvondo” (15). “Uyu Josiah akabva akwenya mhuno nakasiyanwa” (18) nekuti “wanga uchinyanya,

Dho
Wanga uchinyanya
Dhore tapira zoro:
Upfidze . . .” (19)

Chitsauko ichi chinotanga nemusambo wenhendeshure (flashback) apo muverengi anodzorwa mumashure kuti agone kubata mafambiro enyaya. Izvi zvinoita kuti tive neudzamu hweruzivo maererano netsika nemaitiro aJosiah.

Tinoona kwakabva Rudo totanga kunyatsa kunzwisisa nyaya.  Tinodzidzawo nezvetsika nemaitiro aAnna, tinoudzwa kuti “asi somwana akakura aine unhu, akanga asingafari zvokudarikidza nomukomana wake kana vari vose” (16).

Kushandiswa kunoitwa enzaniso kunobatsira kuti tione maitikiro ezvinhu. Anna atekenyedzwa nehwahwa hwaainge anwa, tinoona mwanasikana wemunhu ava kutanga kuseka “kunge nzenza yomwana” (18).

Ngavachiti pavari kufamba paya vava kudzokera kumba kwaAnna tinoona vaviri ava vachinanaidzana “savari kuchata” (19). Dima raiveko usiku uhwu rainge risingaitiki iro rinonzi nemunyori “rainge romuguva “ (19).

Kudimikira kunoshaikwa zvikuru asi pane dimikira rimwe iro rinotiratidza kuti ndizvo zvaida Josiah kuti zviitike asi asingazviburitsi pachena.

Zvinodimikirwa zvichinzi uyu Josiah “akabva akwenya mhuno nekasiyanwa” (18).

CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho)
Tinotaurirwa nezvemukoti anonzi Annatoria munyika maSadzajena nekurumbidzwa kukuru uko aiitwa mudunhu iri.
Asi nemumwe musi mwana wemunhu akashanduka maitiro serwaivhi. Hapana munhu akamboita pfungwa yekuti munhukadzi uyu angave nezvinomunetsawo. Zvirwere vaingoti Anna, somunhu womurapi, aingozvirapa, pfungwa dzakaipa achiita dzokuburitsa muhana make nokuseka somunhu aiva chigegege.

Nhamo chaiyo anonyatsoiona musi unouya John munin’ina waJosiah netsamba yakagura Anna kunorira sezvo ainge ava munhu asisina kunaka kana ane nhumbu.

Chitsamba ichi chakanga chisina mazwi akawanda kusiya ekuti rudo rwavo rwainge rwapera.

Josiah ainge asisamudi kana napadiki pose nekuti Anna aive pfambi.

Apedza kuverenga tsamba iyi, Anna anoona rima iro ainge asati amboona muupenyu hwake ndokushatirwa zvikuru nyika ikapidiguka nekutenderera nokutsindinuka.

Kubasa musi uyu anongoendawo asi anononoka. Munhu ainge akanaka pakuzvarwa ainge asuwa zvokuti anopopotera varwere.

Mumwe mukadzi ainyanya kuzviita hama yaAnna anoedza kumubvunza kuti asi ainge ari kurwara kani, akati azvikoromorera zvakazvigarira hazvo. Anna ndokuti ndiani anomusembura kumubvunza zvakadaro.

Mukadzi uyu kudoti ndiambuya vaAnna, Amai Rugare avakanganwa here akanzi, Anna haana ambuya, haana ukama navo, vainge vari amai vaSatani vane vana zvidhakwa zvinonyangadza vana vavanhu.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links