A-LEVEL — Pafunge: Anna anotukirira mumwe mukadzi

20 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 5 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Anna anovatuka ndokuvati kurudzi kwavo kune munhu akaita saAnna here. Anoenderera mberi achitukirira vanhu achiti havasati vaona chiedza, vana vavo havana kuenda kuchikoro, mutsauko wechiedza nerima havauzivi, basa nderekungoitisa vanasikana nhumbu sezvaanga aitwa.

Mudzimai anononotwa kusvitswa kutsime chaiko munhu wose kwava kunyarira mudzimai uyu.

Vanhu vanoramba vakanyarara vashaya kuti mukoti uyu zvainge zvaita sei kuti atuke mbuya zvakadaro. Apo Anna anopinda muchipatara anononota mumwe mudzimai aive nekarushiye mumawoko. Apo mudzimai uyu anoti kudya kwakakwanira mwana angakuwana kupi anopindurwa naAnna kuti Anna haasi murume wake, kana asingadi mwana wake ngaarege afe.

Mamwe madzimai paanopindawo anosvikopopoterwa kuti inyope, ipfambi, ihoromori nengarara, vamwe vachiudzwa kuti tangai manogeza murwizi vagozouya ovarapa vasina tsvina.

Vanhu vanoenda kumisha yavo vachidzungudza misoro vongoti chavaona ndiko kushura kwezvinhu zvainge zvataurwa naAnna sezvineiwo gorero mvura kana kumbonaya zvayo zvipfuyo nevanhu zvikapera kufa. John Rugare ndiye mumwe wavanofa nokuti haarapisi chirwere chake.

Zvinhu zvainge zvaminama vanhu voita zvinhu zvisingagoni kunyatsa kutsanangurika. Iyo nzara yainge yatekeshera kwose kwose vanhu vava kuona sokunge Mwari akanga ava kuda kuparadza nyika. Annatoriya ndiye akanyanyisa kutora pfungwa iyi muhana make zvino mazara rima iro rakanga ratanga riri rudo.

ONGORORO:

Tinodzidza zvakati kuti maererano naAnnatoriya Tichafa. Tinotanga kunzwa kuti “aishanda basa rake nemoyochena” (19). Munyori anoenderera mberi achiti munhukadzi uyu aida “kuhuchengetedza (upenyu) napaaikwanisa napo” (20). Vanhu vose vemudunhu raSadzajena “vakamuyemura Anna nokudisa kuti dai vaingoitawo vanasikana vakaita saye” (20) nekuti “akanga asina rusaruro” (20). Nekudaro vanhu vose vaimudawo zvakaenzana.

Anna munhu “aifarira hama” (20) “asina kuti mumba umu ndemehurudza kana momurombo, membozha . . .” (20). Aive munhu aida kugara achiseka izvo zvinonzi “aiva chigegege” (20).

Asi nepamusana pezvaakaitirwa naJosiah anotuka mbuya avo ainge avaka ukama navo vanozopedzisira vamubvunza kuti nemaitiro ake ezuva iri ainge achirwara here akati azvidenhera zvainge zvakazvigarira hazvo.

Tinoona muchitsauko ichi muchishandiswa enzaniso dzakati kuti, tinoudzwa nezvaiitwa nevasikana vedunhu iri avo “savana vakanga vatapwa nezviwitsi” (30).

Apo Anna anoverenga tsamba yaanogamuchira, anoshatirwa zvikuru izvo zvinonzi akatanga kufemera padundundu “sendere” (21). Maumbirwo ayo ainge akaitwa aiyevedza chaizvo achiti kana achitsika pasi pachinge pari kuita zvokunyangirwa “sezvinoita rwaivhi zviya” (21). Pakutsika uko aiita pasi, nyama dzose dzemuviri wake dzaitamba-tamba “sedzomwana mucheche” (21-22).

Pasi papinduka nekusanaya kunoita mvura kana ari madzimai munyika iyi, ainge otizira mazvakarehwa.

MuchiRungu umu mainotadzikwa zvechiRungu chaizvo, vanhu vosara vava “semiti yakati midzi temwe, mapazi temwe sare hunde chete” (24). Iyo nzara ikati handisariri mumashure semuswe, yatekeshera nenyika yose. Nzara iyi inonzi yaibvira “somoto muzvoto” ichitutuma “sengoto mudzihari” (24).

Kudimikira tinokuonawo asi kuri kushoma. Kwekutanga tinosangana nako kuchititsanangurira mamiriro ainge aita zvinhu nepamusana pechiRungu.

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links