A-LEVEL — PAFUNGE: Josiah awana basa repayadhi kuGweru

23 Apr, 2015 - 11:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 8 (Ongororo: Enderero mberi)
Apo Josiah anobva pamusha anobva aenda zvachose izvo zvinonzi akabva angoita “somuti watemwa kubviswa pamidzi yawo” (34).

Kudimikira tinokuonawo kuchishandiswa asi hakuna kuwanda sezvakaita enzaniso. Josiah aiti akatanga kutaura ainge asingamiri izvo zvinodimikirwa zvichinzi “akange avhura rusaka rwake” (32). Chirevo ichi chinotiyeuchidza nezvaiitika kare kuma 1965 nyika ino isati yawana kuzvitonga kuzere.

Kunyika yekuZambia kwaimbobuda chirongwa chezvematongerwo enyika munhepfenyuro izvo zvainge zvisingabvumidzwe kuti zvinzwike nevanhu vemunyika ino zvainzi chirongwa ichi chaitepfenyurwa muguta reLusaka. Munhu ainzi akavhura rusaka unenge wava kutaura zvekusamira.

Kana Josiah angoti “kanjani so sisi” mwanasikana wemunhu aibva apera simba oshaya zvekuita zvekusaziva zvekuita izvo zvinodimikirwa zvichinzi “atorasa muswe” (32). Josiah akatangisa kunwa hwahwa achiri mudiki asati atsiga izvo zvinonzi “hana ichiri nhete” (32).

Zvaaiita ndima dzemubhaebheri zvinodimukirwa izvo zvinoita kuti tinatse kuona kuti aidziita sei. Zvinonzi “odzimonyorora mutsipa kusvikira dzatarira kwaida iye kuti dzitarire” (32).

Apo Josiah akafunga zvekubva pamba, akabva aenda zvachose munhu ndokutinya ikoko izvo zvinodimikirwa zvichinzi “akabva ava museve waenda nouma” (34). Josiah ainge asingadi kuonana nevabereki avo vanasikana vavo ainge akanganisa izvo zvinonzi “akanga akarimirana kumuganhu nevanhu vaakanga apira vanasikana vavo matumbu” (34).

Tinosangana netsumo mbiri dzinoshandiswa muchitsauko ichi idzo dzinopa udzamu kune zvinenge zvichiitika.

Mhosva kana dzava kubata vanhu dzinobata neavo vanenge vakachena, vasina kudzipara izvo zvinonzi, “mboko chena inoparira parere nhema” (24).

Vana baba vaTimoti vainge vasina nekumbopara mhosva zvavo ndivo vanoonekwa vava kutsitsirirwa nemhosva dzainge dzaparwa naJosiah vava kudziripiswa dzamara danga rose ratsvairwa.

Kazhinji kacho vana vanotevedzera zvinoitwa nevabereki vavo. Ndokusaka kwakazoumbwa tsumo yokuti, “mbudzi kudya mufenje hufana nyina”.

Asi kumhuri yaVaThomas Rugare tsumo iyi haina zvayaireva nekuti vana vacho kana nemumwe zvake akatevedzera tsika dzevabereki.

Vabereki ava vaipinda svondo asi kana nemumwe mwana wavo akazvitevedza. Vanasikana vanoperera muchiRungu umo vanoita basa risingatauriki, avavo vanakomana vachiperera mumapurazi efodya, dangwe racho Timoti rakave mukwenyi wegitare papurazi paaishanda. Kare zvaisiwanzotaurwa kuti munhu ukaita basa rekuridza magitare unove rombe.
CHITSAUKO 9 (Nyaya yacho)

Kuenda kunoita Josiah kuGweru anosvikopinda basa rokushanda payadhi pomuRungu achingoitawo tubasa twakafanana nekutsvaira, kubika nekudiridza maruva. Anoshanda kwegore rose zvinoita kuti muRungu wake amude ndokumutora semunhu anotendeka.

Agara pabasa, Josiah anotanga kuzviita shasha chaiyo achikoka shamwari dzechikomana nedzechisikana muRungu achifunga kuti Josiah zvaakanaka, shamwari idzi dzakanakawo.

Shamwari dzichitoti tawana pokugara dzichiswera dzichinwa hwahwa kubhawa husiku dzouya kumba uku. Imwe pfambi inototuta twayo kwava kuuya kuzobikira mapoto payadhi ipapo.

Shamwari idzi hadzina mabasa akanyatsoti tsvikiti. Josiah ari kubasa pfambi iya yaipota ichishanyirwa nemadzisekuru ayo. Mumwe mukomana ainge akaipa chaizvo achishanda kuraruwe ndivo sekuru vainyanya kuda muzukuru wavo uyo akamuzivisa kunaJosiah uyo asina kunyatsa kunzwisisa ukama hwacho ndokungoramba zvake anyerere.

Shamwari idzi dzinotanga kujairira kugara payadhi dzichisasana.

(Enderero mberi svondo rinouya)

Share This:

Sponsored Links