Uncategorized

afirwa anopfeka ‘sori’. . . musoro wogerwa zuda . . . veruzhinji voziva afirwa

20 Feb, 2018 - 12:02 0 Views
afirwa anopfeka ‘sori’. . . musoro wogerwa zuda . . . veruzhinji voziva afirwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VANHU vemarudzi akasiyana vane tsika dzavanotevedza kana vachinge vafirwa nevadikani vavo zvakaita sekupfeka mbatya nhema idzo dzinozivikanwa nekuti “sori”.

Tsika yekupfeka sori — kubva nakare — yagara inotevedzwa nemarudzi aakasiyana, zvose vanhu vatema nevachena.

Ndokusaka pafiwa vanhu vachipfeka mbatya nhema — sori — kana kungosungira jira dema semucherechedzo wekuti munhu ari panguva yekusuwa.

Parufu chaipo, hama neshamwari dzepedyo dzinoonekwa nekupfeka zvitema — vamwe kubva kumusoro kusvika kutsoka.

Asi tsika iyi ichiri kutevedzwa nevakawanda here muZimbabwe?

Albertina Mandebvu

Kwayedza yakaita ongororo yetsika iyi nedonzvo rekuda kunzwa kukosha kwekupfeka sori uye kuti vakawanda here vachiri kuitevedza.

Mbuya Albertina Mandebvu (49), mugari wekuTynwald North, muHarare — avo vanoti vanosvikirwa neshave nenjuzu — vanoti mudzimai kana murume anenge afirwa anogerwa musoro pamwe nekupfeka mbatya nhema kuti vanhu vanouya parufu vazive munhu wekubata mawoko.

“Tsika yekupfeka mbatya nhema kana munhu afirwa ichiriko, kunyangwe zvazvo isiri kuitwa nemazvo semakare. Kare, mudzimai anenge afirwa aitoita gore kana kudarika achipfeka sori, asi mazuva ano vamwe vave kungopfeka panhamo ipapo bedzi kana kutoramba kupfeka sori yacho.

“Kunyangwe tsika yekugerwa musoro kweafirwa haichaitwa nemazvo nekuti vamwe vava kungodimburirwa vhudzi shoma sechirango asi kare munhu aitogerwa musoro wose — kusara ava nezuda,” vanodaro Mbuya Mandebvu.

Sekuru Mushunje

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti tsika yekupfeka sori ichiriko, kunyangwe zvazvo vamwe vasisaikoshese.

“Somuenzaniso, kana mudzimai achinge akaroorwa nevanhu verudzi rwechiMoslem uye ari Muzezuru kana achinge azofirwa nemurume, anopfekedzwa mbatya dzesori zvichienderana nerudzi rwekwaakaroorwa. Kana vanatezvara vakati muroora wedu haapfeke sori, ndizvozvo. Saka zvinosiyana nzvimbo nenzvimbo uye marudzi nemarudzi,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti kune mamwe machechi asingatenderi kuti vanhu vapfeke sori nokudaro tsika iyi havaitambiri zvachose.

Asi VaShepard Chiwanza (64) vekuTafara, muHarare, vanoti mukadzi akafirwa anotengerwa dhirezi dema nehama dzemurume kana madzisahwira, zvichibva pamari inobviswa nevanhu yekuchema mufi inonzi “chema”.

“Mudzimai akafirwa anopfeka dhirezi dema nedhuku racho. Izvi ndizvo zvinoratidza kuti ari panguva yekuchema. Kunyangwe vanhu vanenge vachisangana naye, vanomunzwira tsitsi nengoni.

“Zvinobatsira kuti asarambe achisangana nemashura. Ndiko kusaka paya muchiona vanhu vanenge vari kuenda kunhamo vachisungirira jira dzvuku pamotokari nekuti mumigwagwa unogona kusangana nemashura akawanda mushure mekufirwa,” vanodaro.

Sekuru Singlawyer Mushunje (53) avo vanogara kuEpworth, vanoti munhu anenge afirwa anogerwa vhudzi rose pamwe nekugara akapfeka mbatya nhema.

“Varume vanowanzosungirira kajira katema muruwoko kana kusonerwa kapenga katema pahembe. Vamwe vanongosungwa ruwoko negavi iro rinozongobva roga nekuoma. Madzimai ndiwo anosungirwa kupfeka rokwe dema nedhuku racho asi hazvifanire kunge zviri zvemachira anodhura kana anopenya.

“Ringi remuchato vamwe vanobvisa rokandwa muguva asi vamwe vanochinja chigunwe voriisa kuchigunwe chihombe kuratidza kuti vave shirikadzi kana tsvimborume. Kubviswa vhudzi mucherechedzo wekuti wave kutanga upenyu hutsva, usina mudikani wako uye vhudzi rinozomera idzva,” vanodaro Sekuru Mushunje.

Vanoenderera mberi vachiti kana ari mambo kana ishe anenge afa, vanhu vemudunhu rake nehama dzepedyo vanosungirira machira matsvuku mumusoro nemumawoko apo vazukuru vanosungirirawo machira machena mumawoko nemumusoro.

“Izvi zvinoratidza kuva nehumwe pakuchema mambo wavo nokuti mambo ndewemunhu wose. Apa hapapfekwi zvitema,” vanodaro Sekuru Mushunje.

Mudzimai wechidiki, Siceclsiwe Nkala (37), wekuGlen View, muHarare, anoti mbatya dzesori dzinopfekwa nevarume kana vakadzi vanenge vafirwa nevadikani vavo.

“Zvisinei nekuti mbatya dzesori patsika dzedu dzinonzi dzinofanira kupfekwa nevarume kana madzimai anenge afirwa, vakadzi ndivo vanonyanya kutevedza tsika iyi kudarika varume.

‘‘Kashoma kuona murume akapfeka sori.

“Asika, mamwe madzimai echidiki anogona kunyara kuonekwa vakapfeka mbatya nhema dzesori nekuti vanozeza kubvunzwa kana kunyevewa kuti murume wake akafa nei.

“Sori pamwe pacho yakanaka asi pamwe inogona kuunza nyaya dzerusarura muvanhu,” anodaro.

Mai Shannie Chakanyuka (43) vekuNyatsime, kuChitungwiza, vanotiwo tsika yesori inofanira kutevedzwa kuitira kuti vanhu vasanetseke nekubvunza munhu wekubata mawoko panenge pafiwa.

“Tsika iyi yainyanya kukosheswa kare uye kumamisha, asi nepamusaka pekupindana kwemarudzi uye nhau dzemakereke, unogona kutowana vanhu vakapfeka mayunifomu ekuchechi ugoshaya kuziva wacho afirwa.

‘‘Vamwe vanogona kutoita fashoni panhamo vopfeka hembe chena nekuti isarudzo nekodzero dzevanhu kutevedza zvitendero zvavanoda.

“Pane dzimwe nhamo zvakare, unogona kutowana vanhu vakawanda vakapfeka zvitema — varume vaine masutu matema nekuti dzimwe nhamo mazuva ano dzinotoita kurongerwa mapfekero, vanhu vachitotumirwa makadhi emapfekero (dress code),” vanodaro.

Mai Chakanyuka vanoti ukaenda kune dzimwe nhamo usina kupfeka zvinenge zvakataurwa, unogona kutorambidzwa kusvikapo.

Mai Diana Dzinga (58) vekuGlen View 4, muHarare, vanoti munhu anenge afirwa anopfeka mbatya nhema dzesori asi achizosunungurwa kudzibvisa mushure mekurohwa kweguva kana nyaradzo yemufi apo anochenurwa kuti achiroorwa hake kana kuroora zvakare.

Tsika yekupfeka zvitema semucherechedzo wekuratidza kuchema inowanikwazve kana kuvatambi vemitambo yakaita senhabvu.

Vatambi kana vatsigiri vemitambo yakasiyana — vatema kana vechichena — vanopfeka kachira katema (arm band) muruwoko kuyeuka vanenge vafa.

Share This:

Sponsored Links