Afobe otambiswa nhova

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Afobe otambiswa nhova

Kwayedza

MUTAMBI weBournemouth, Benik Afobe, akange asimo mumutambo wechikwata chake neArsenal musi weChipiri svondo rino nekuti haana kuwaniswa matsamba anomutendera kuti atambe nhabvu kuDemocratic Republic of Congo.

Afobe akasarudza kuti abude muchikwtaa cheDR Congo chichanokwikwidza kumutambo weAfrica Cup of Nations uye akamirira tsamba kubva kunyika yake.

DRC yakabvuma kuti mutambi uyu, uyo ane makore 23 okuberekwa, arambe ari kuBournemouth asi chikwata chemuPremier League ichi chinofanirwa kutanga chapihwa matsamba anochitendera kuti chimutambise.

Afobe akanwisa apo Bournemouth yakakunda Swansea 3-0 paNew Year’s Eve uye mumwe wevatambi vatatu vakasiyiwa muchikwata chakasangana neArsenal.

Jack Wilshere ndiye mumwe asina kutamba nekuti aisakwanisa kusangana neArsenal sezvo chiricho chikwata chake chakamukweretesa kuBournemouth. Kozoti Andrew Surman akange akagariswa pabhenji. – Daily Mail Football

 

Share This:

Sponsored Links