Uncategorized

‘Africa inoda mitemo yezvicherwa’

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

NYIKA dziri muAfrica dzinokurudzirwa kuti dzikumikidze mitemo ine chekuita nekusimudzirwa kwezvicherwa kuitira kuti chikamu ichi chibatsiridze zvakazara munyaya dzekuvandudzwa kweupfumi.

Mashoko aya akataurwa negurukota rinoona nezvezvicherwa nekusimudzirwa kwazvo, Cde Walter Chidhakwa, pavaivhura zviri pamutemo musangano wemakurukota enyika dziri pasi pemubatanidzwa weAfrican Union, weFirst Extra-Ordinary Session of the Fourth African Union Conference, kuVictoria Falls nemusi weChipiri svondo rino.

“Nyika dzemuAfrica dzinofanira kuita mushandirapamwe mukuumba mitemo inoita kuti pave nebudiriro munyaya dzezvicherwa nekutengeserana kwenyika,” vakadaro.

Vakati nyika dzine upfumi hwakawanda hwezvicherwa asi zvinoshamisa ndezvekuti vanhu vazhinji vari muAfrica ndivo vari kutambura zvakanyanya.

“Dambudziko guru riripo ndererusarura nemitemo ine hudzvanyiriri iyo inotsigira vanhu vanobva kune dzimwe nyika kuti vazoita mabhizimusi avo muAfrica pachinzvimbo chekuti zvizvarwa zvemo zvinge zvichibatsirikana nekuti ndivo varidzi vezviwanikwa,” vakadaro.

Vakashora zvekare nyaya dzehuwori uhwo vakati huri kuitwa nemasangano akazvimiririra neveruzhinji zvinova zviri kudzikisira bhizimusi rezvicherwa muAfrica. Vakawedzera kuti nyaya dzezvicherwa dzinofanira kuvandudzwa kuburikidza nekugadzira zvicherwa izvi nenzira inoita kuti zvinge zvichikwezva vatengi kwete kuzvitengesa kunze kwenyika zvakadaro. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links