Agriseeds, makore 30 yakasimba

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Agriseeds, makore 30 yakasimba

Kwayedza

Agriseeds –  iyo yakavambwa muna 1988 – iri kupemberera kusvitsa makore 30 gore rino.

Payakatanga, kambani iyi yaiuchika mbesa diki dzakadai senzungu, suga beans, mhunga necow peas.

Pane imwe nguva yaingoita basa rekumiririra ichibatanidza varimi vekumaruwa nevemisika.

Matunhu ayainyanya kushandira anosanganisira Uzumba, Hwedza neMurehwa uko kwairimwa mbesa diki idzi dzakawanda.

Agriseeds iri kupemberera nevarimi mushure mekupera kwemakore 30 yavambwa.

Makore akazotevera mushure ma2000, akaona Agriseeds yave kuuchikawo mbeu yechibage.

Vamwe varimi vanogona kunge vachiri kurangarira mbeu dzemhando yeOpen Pollinated Varities (OPVs) dzeAgriseeds idzo dzakaita mukurumbira pakati pedzimwe mbeu dzechibage nguva iyoyo.

Panguva iyi, Agriseeds yaitora matanho ekusimudzira mabasa ayo kuburikidza nekuti ive nemuzinda wekuuchika mbeu pamwe nekuve nepurazi rekuita tsvakiridzo reSandhurst iro rine mahekita 29.

Sandhurst inowanikwa mumugwagwa waOld Mazowe Road, anove makiromita masere kubva pane Westgate traffic circle.

Fekitori iyi ine zvose zvechizvino-zvino zvinosanganisira zvekugezesa michina yekuuchika mbeu uye ndipo pane laboratory zvakare.

PaSandhurst pane michina yemadiridziro zvinoita kuti mabasa ekuchika mbeu akwanise kuitwa kwegore rose.

Nhasi uno Agriseeds inodada nekuve nembeu inofarirwa nevarimi vakawanda, Zimbabwe Agriseeds Products (ZAP).

Varimi vanodadawo nekuda kwembeu iyi – zvikuru yemhando yeZAP61 iyo vanodaidza kuti bhuru repamusha nekuda kwekuti inoita zvakanaka zvikuru kumatunhu akawanda enyika.

Pamusoro pezvo, pane imwe mbeu zvakare yemhando yeZAP31 neZAP43 iyo inokasika kuibva uye ichitirira muzuva kumatunhu anosanganisira region 3, 4 ne5 eZimbabwe. Kana ikarimwa kumatunhu akakwirira akadai seregion 1, 2a ne2b, inopa goho rakanaka zvikuru.

Kazhinji, mbeu yeZAP inopa goho rematani masere kusvika gumi nemaviri pahekita imwe chete.

Mbesa diki dzinosanganisira Hohodza (sugar beans), Lundi (soya  beans) neHwedza (sorghum).

Mbeu idzi dzinopa goho repamusoro-soro uye kazhinji riri pakati pematani mana pahekita imwe chete.

Mugore ra2017, Agriseeds yakawana mubairo mukuru wekuve iyo inofarirwa nevatengi zvakanyanya (The Most Trusted Brand) mutsvakiridzo yakaitwa nesangano reChartered Institute of Customer Relationship Management (CICRM).

Kunze kwazvo, kambani iyi mugore iri yakawanawo mimwe mibairo inosanganisira yeBuy Zimbabwe Top 100 Companies pamwe nemubairo wechipiri mumakwikwi ezvekurima akaitwa nesangano reZimbabwe Retailers and Wholesalers Association.

Share This:

Sponsored Links