Aibira vasikana kucut

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
TSOTSI remuHarare — iro range raita mbiri yekudanana nevasikana vanodzidza paChinhoyi University of Technology (CUT), kuChinhoyi, asi richizovabira mari nezvimwe zvinhu — rakaigochera pautsi zvichitevera kutongerwa kwaraitwa nedare kunodya sadza refovhoro kwemwedzi mina.

Mutongi Felix Mawadze wedare reChinhoyi Magistrate Court akasendeka padivi chirango chaainge atemera Wesley Limmy Anotida Mashingaidze (22) — uyo anogara pa23 Malvin Road, Chisipite, muHarare — paine chitsidzo chekuti anofanira kuripira vamhan’ari vanoti Laura Juliet Mpala nekumudzosera $246 uye $72 yaRatidzo Murire mushure mekuvabira.

Vasikana vaviri ava vari kuita zvidzidzo zvavo paCUT uye vakadanana nemusungwa uyu panguva imwe chete, kunyangwe zvazvo vaisazviziva.

Asi vose vakazoona kuti Mashingaidze itsotsi mushure mokunge avabira.

Mashingaidze anobvuma mhosva dzake dzose mudare.

Muchuchusi Tendai Tapi akaudza dare kuti mumwedzi waGunyana gore rino pazuva risisazivikanwi, Mashingaidze akakumbira Mpala uyo waaidanana naye mutsara (line) weEconet une nhamba dzinoti 0783 897 655 achiti aida kutumidzirwa mari neimwe hama yake.

“Musi wa29 Gumiguru, Mashingaidze akakumbira zvakare bhengi akaundi yemudiwa wake achiti aida kuti amai vake – avo vaaiti vaida kuenda kuItaly – vaise mari muakaundi iyi. Mpala akamupa akaundi nhamba iyi pamwe chete nekadhi rekubhengi uye mukadhi umu maiva nemari inokwana $255,’’ anodaro Muchuchisi Tapi.

Kubva musi uyu, Mashingaidze anonzi akatanga kushandisa mari iyi muridzi asingazive uye sezvo aive nemutsara wenhare yaMpala, musikana uyu haaikwanisa kuzoona tsamba dzekuti mari yatorwa zvekare tsotsi iri rakanga risisabatiki.

Mpala akazomhan’ara nyaya iyi paChinhoyi Police Station mushure mekunge atadza kunzwisisa mafambiro aMashingaidze zvakaita kuti asungwe.

Mashingaidze akatsotsawo Murire.

“Mashingaidze akavhevhetedza Murire kuti achekese makiyi epagonhi kuitira kuti azokwanisa kuuya kumba paanenge ada,’’ anodaro Muchuchisi Tapi. Anoti Mashingaidze akazouya rimwe zuva akaba Acer Laptop yaive neserial number dzinoti NXEFAEAO1172402F886600.

Matikitivha emuChinhoyi akazonyeurirwa kuti musungwa uyu aitenderera muColdstream zvikaita kuti akabatwe uye mukuferefetwa kwemhosva idzi ndipo paakabuda mabiro ake.

Share This:

Sponsored Links