Uncategorized

Akabhinywa nemuramu

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Akabhinywa nemuramu Nhumbu yaMavhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Mwanasikana anove chirema wekuMukumbura, kuMt Darwin, uyo asingataure kana kunzwa anonzi akabatwa chibharo ndokupihwa pamuviri nababamukuru, murume wavatete vake.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland Central Province, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti murume ari kupomerwa kubata mwanasikana uyu chibharo akatosungwa ndokuendeswa kumatare edzimhosva.

Musikana uyu tichangomuti Mavhu sezvo pasi pemutemo zvisingatenderwe kushambadza munhu anenge abhinywa. Mavhu anogara naamai nababa vake uye anonzi ava nepamuviri pangangosvika mwedzi mina kana mishanu apo akapihwa mushure mekubatwa chibharo nababamukuru vake.

Kwayedza payakasvika pamusha pevabereki vemusikana uyu yakatadza kutaura naye nekuda kwekusawirirana pamutauro wemasaini apo vakazokurukura naamai vake. Amai vake vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwekuti vakwanise kunyoresa pamuviri pemwanasikana wavo.

Amai vaMavhu

“Murume akabata mwana wedu chibharo akatosungwa mumwedzi waOctober achisiya mwana uyu aine pamuviri. Izvozvi hatina mari, musikana uyu anoda kunyoresa kuchipatara chikuru nekuti anogara achirwara nekuda kwenhumbu iyi. Anodawo kugara achitariswa nemachiremba kuti zvionekwe kuti mwana mudumbu akagara zvakanaka here,” vanodaro.

“Chatinotsvaga imari yekunonyoresa kuchipatara sekuKaranda, kuMt Darwin, kuHarare kana kuBindura sezvo takanzi pamuviri pemwana uyu hapana kumira mushe patakamboenda naye kukiriniki yeBandimba,” vanodaro amai vaMavhu.

Vanoti vanodawo kudya kwemwanasikana uyu kwakanaka sezvo achigara achingorutsa kana adya.

“Dai tawana mari ingaite $500 yekuti tikwanise kuenda kumachiremba kuti mwana uyu atariswe mamiriro akaita mwana mudumbu pamwe neutano hwaiye musikana wacho. Murume akamubata chibharo uyu mukuwasha wedu uye akasungwa mushure mekunge nyaya iyi yazivikanwa nemurume wangu, baba vemwana uyu,” vanodaro.

Vanoti izvozvi hapana mbatya dzekugadzirira mwana achazvarwa sezvo vasina mari.

“Takaenda tikanomunyoresa kukiriniki yeBandimba asi vakoti varipo vari kuti dai tatsvaga mari tanomunyoresa kuchipatara chikuru,” vanodaro amai vaMavhu.

Share This:

Sponsored Links