Uncategorized

Akabviswa sikarudzi nemheni

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Akabviswa sikarudzi nemheni Violet Shava Munorwei

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYAYA yasiya vagari vekwaChimombe, kuBuhera, vasina neremuromo, chitunha chemukadzi weko uyo akafa mushure mekurohwa nemheni chinonzi chakazovigwa chisisina sikarudzi.

Mutumbi waLenny Muranganwa (25) wemubhukuku raGwendere unonzi wakaonekwa usisina “chinhu” apo akanga achangobva mukurohwa nemheni.

Pakaitika tsaona iyi, muchakabvu anonzi aiva natete vake Violet Shava Munorwei (18) – uyo anova hanzvadzi yemurume wake – vachibva kunotambira fetiraiza yeHurumende.

Violet akakuvara zvikuru uye achiri kurapwa maronda ekutsva.

Muranganwa anga ari mudzimai waPromise Shava (32).

Janet Shava

Janet Shava (26) – uyo anova hanzvadzi yemurume waMuranganwa – anotsinhira kuti mutumbi wemuroora wake wakazovigwa usisina nhengo dzakavandika.

“Pakarohwa muroora wangu nemheni apo aiva nemumwe, vaibva kunotambira fetiraiza, iye akakuvara kumagadziko, zvipfeko zvake zvemukati zvikadamburwa-damburwa. Vanhu vakatakura mutumbi wake vachiuendesa paimwe imba kuubvisa pamhene ndivo vakatanga kuzviona kuti akanga asisina sikarudzi,” anodaro.

Tete ava vanoti vanhu vakatakura mutumbi uyu vaiedza kubatsira mufi apo vaimutova nekubvisa ropa vachifunga kuti aikwanisa kumuka panova ipo vakaona kuti akanga asisina nhengo dzakavandika.

“Inyaya yakazara muno, kuti chitunha chemuroora wangu chakabviswa nhengo dzakavandika. Handizive kuti mheni inodaro here kana kuti mabasa evaroyi,” anodaro Janet.

Sabhuku Gwendere

Uyuwo Violet anoti vakarohwa vose nemheni ndokungoerekana vapunzika pasi apo iye akazoona muroora wake angoti rapata, asingachapfakanyike.

“Murume wanyakufa ihanzvadzi yangu, iniwo murume wangu Kizito Ndichineyi (29) ainge asipo musi uyu. Mutumbi wemuroora wangu wakatakurwa nevanhu vaida kubatsira vachiupukuta ropa avo vakatanga kuzviona kuti wainge usisina sikarudzi,” anodaro.

Violet anoti mutumbi wemuroora wake wakazoendeswa kumochari yechipatara cheBirchenough.

“Taibva panzvimbo yemabhizinesi yekwaMutero apo zvakaitika. Ini ndakapiswa makumbo ndikazonorapwa kukiriniki yekwaMutepfe, ndikadzoswa kumba.

“Chitunha pachakaunzwa kumba chichibva kumochari, hachina kusvikoonekana nevapenyu sezvatinosiita sezvo chainzi chakanga chashata. Kana kugezeswa hachina. Asi nyaya yekuti pakange pasisina nhengo yaingotaurika,” anodaro Violet.

Violet Shava Munorwei achiratidza gumbo raakarohwa nemheni. – Mifananidzo Memory Mangombe

 

Anoti iye achiri kurapwa maronda ehutsva ayo akapiswa nemheni iyi pagumbo rekurudyi nepadumbu.

Pakarohwa mushakabvu zvose natete vake nemheni, zvinonzi kwaingova nemakore bedzi asi kusinganaye.

Tete kumhuri iyi, Mai Sosana Mahumberu (59), vanotsinhirawo nyaya iyi.

“Takazongonzwa kuti mutumbi wemufi uyu wakavigwa usina nhengo, kuti tizive kuti zvakabva sei hatizive,” vanodaro.

Nyaya iyi inonzi yakamhan’arwa kumapurisa epakamba yeMutiusinazita avo vakaenda kutsaona iyi.

Guva raLenny Muranganwa

Sabhuku Gwendere – VaJoel Nyanyirai Gwendere (49) – vanoti nyaya yekuti mutumbi wemukadzi wavanoita muroora uyu wakazovigwa usina nhengo dzakavandika vakangoita yekuudzwa asi ivo havana kuzvionera nekuti mutumbi uyu hauna kugezeswa kana kuonekwa neruzhinji.

“Vakasimudza mutumbi uyu paakaroverwa nemheni vachida kumubatsira ndivo vanonzi vakatanga kuzviona pavaiedza kubatsira yatinoti iya ‘first aid’. Ndivo vakaona mashura aya,” vanodaro Sabhuku Gwendere.

Vachitaura pamusoro pemashura aya – VaJonathan Shonhiwa, avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Mupamombe vekuTshovani, kuChiredzi – vanoti haisi mheni yakarova vaviri ava, asi kuti zvinogona kunge zviri zvidhoma zvakanotora nhengo dzakavandika dzemukadzi wekufa uyu.

“Haisi mheni yaMwari, huroyi. Izvi zvidhoma kana kuti zvikwambo zvakatumwa kunotora nhengo dzemudzimai uyu. Uku kuchekeresa chaiko,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG