Uncategorized

Akada kubata kazukuru chibharo

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Akada kubata kazukuru chibharo

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MUNYAYA inokatyamadza zvikuru, murume wekwaZvimba akamiswa pamberi pedare reChinhoyi Regional Court achipomerwa mhosva yokuda kubata chibharo muzukuru wake ane makore matatu okuberekwa nokuda kwokuti ainge anyimwa bonde nemudzimai wake.Murume ane makore 23 okuzvarwa uyu anogara mubhuku rekwaJekiseni, kuKenzamba, uye akamiswa pamberi pamutongi Amos Mbobo zvekare haana kuramba mhosva iyi.

“Ndakanga ndanyimwa bonde nezuro wacho navadzimai vangu saka pandakabata mwana musikana uyu zvakabva zvangondibatawo zvine simba,” anodaro.

Muchuchusi Trustmore Mukarati akaudza dare kuti nemusi wa18 Mbudzi gore rino, baba vemwana uyu vakamusiya ari oga pamba vachienda kuchitoro chiri pedyo apo vakaona murume uyu achitora mwana wavo.

Izvi hazvina kuvavhundutsa nokuti mupari wemhosva uyu ndisekuru kumwana uyu.

Baba vemwana uyu pavakadzoka, vakabva vasvikopfuurira kunomutora kumba kwemurume uyu uko vakasvikowana musungwa agare padombo uye mwana uyu akagara pamakumbo.

Ipapo, baba ava vakabva vadeedza mudzimai wemusungwa kuti aone zvaiitika ndokunomhan’ara nyaya iyi kuKenzamba Police Station.

Mwana uyu akazonoongororwa kuchipatara uye magwaro achiremba akamuvheneka anoratidza kuti sikarudzi yake yakatambwa nayo kunyangwe zvake asina kuzobatwa chibharo.

Nyaya iyi ichadzoka zvakare mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>