Uncategorized

Akadhudhudzira wemakonzo aporofitwa kubhinya mwana

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

Saimba wekumindamirefu yeSunnyside Central, kuNyabira, anonzi akazviuraya mushure mekunge nyaya yekubata chibharo kwaaiita mwanasikana wake ane makore 14 yaporofitwa kumasowe.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West Province, Inspector Clemence Mabgweazara, vakatsinhira nyaya iyi.

Murume wemakore 34 okuberekwa uyu (zita rake tinaro asi hatiriburitse kuitira kuchengetedza kodzero dzemwana) anonzi akazodhudhudzira muchetura, ndokuzozvisungirira pamuti wepamba pake nguva pfupi yadarika mushure mekunge mumwe muporofita wekuchechi yaaipinda akamudurira kuti aibata mwana wake chibharo uye ainge akadzvokorana nejeri.

Mukoma wemufi uyu (zita tinaro) svondo rino akatsinhira kufa kwemunin’ina wake nenzira iyi.

“Ichokwadi kuti munin’ina wangu akafa nekuzvisungirira zvichinzi airara nemwanasikana wake kwenguva inodarika makore maviri. Nyaya iyi inonzi yakabudira kuchechi kwaaipinda nemhuri yake, kwaMadzibaba Daniel Mhaka, kuchechi yeJohane Masowe weChishanu. Tinofungira kuti akabva atya ndokuzonwa muchetura nekuzvisunga,” akadaro.

Anoti munin’ina wake airara muimba imwe chete yekubikira nemudzimai wake (zita tinaro) nevana vavo vana, kusanganisira musikana anonzi aibhinywa uyu.

“Vairara mumba imwe chete nemwana wake uyu, uyo ana amai vakarambwa kare. Nyaya yakazofumurwa nemuporofita wekuchechi kwavo apo paiva nemusangano mukuru. Achibva ikoko, akabva asvikozvisungirira usiku hwacho,” akadaro mukoma wemushakabvu.

Murume uyu anonzi akaita vana vana, vaviri vakuru nemukadzi wekurambwa, kuchizoti vamwezve vaviri nemudzimai aripo.

Mushakabvu anonzi akasimudzwa kumasowe nezita rake achinzi aibhinya mwana wake. Panguva iyi, murume uyu anonzi akaramba nyaya iyi. Asi gure rose rakafumurwa apo muporofita uyu akasimudza mudzimai wemushakabvu, uyo anonzi akabvuma pamberi pechita chevanhu kuti aizviziva kuti murume wake anoshinha nemwana uyu, uye akadura kuti akatombozvionera iye mbune.

Zvinonzi murume uyu akazokurumidza kubva kumasowe, ndokutevera mwanasikana uyu kumba uko aiva atungamira. Akasvikoedza kumuuraya asi mwana uyu akapunyuka, baba ava vachibva vazviuraya husiku hwemusi uyu.

“Chinondinetsa nekundirwadza ndechekuti sei amainini vasina kundizivisa nyaya iyi kare pane kuti ndizoziva mun’inina wangu afa? Dzimwe nguva ndinozofunga kuti inyaya yakarongwa kana kuti yaipomerwa kubva kumasowe uku pamwe muramu wangu akanga ava kudanana nemaporofita ikoko,” akadaro mukoma wemufi.

Murume uyu asati azviuraya anonzi akaudza mudzimai wake kuti asare achichengeta vana.

Mwanasikana uyu anonziwo akanzi nababa vake atore pepa nechinyoreso kuti anyore pasi zvaaida achibva aramba, ndokuzonzi aida kumusiira US$15 yekuzobhadhara kuchikoro, izvo mwana akaramba zvakare apo anonzi aida kumuswededza padyo kuti amuuraye.

“Anonzi akati kumwana sei akanga akonzera kuti nyaya yekurara kwake naye ibude kudai,” akawedzera mukoma wemufi.

Anoti muchakabvu aigara achitaura kuti mudzimai wake aisada kuchengeta vana vake vaviri vevamwe vakadzi, kusanganisira musikana waanonzi aibata chibharo uyu.

Apo vanhu vakaona kuti murume uyu ainge anwa muchetura, vanonzi vakaenda kumapurisa epadyo ayo akasvika husiku hwakare.

Sezvineiwo, anonzi akabva averera achinozvisungirira pamuti uri pedyo nepamba.

Mudzimai wemufi akatsinhira kuti murume wake airara nemwana.

“Nyaya iyi isati yabuda kumasowe, ndakazvionera ndoga mumba matairara nevana. Ndakabatidza tochi yenharembozha ndokutoona murume wangu nemwana, waiva musi waDecember (Zvita) 29 2013. Haisi nyaya yekugadzira, aizviita. Ini ndakanga ndatova maiguru mwana ava mainini. Pakanga pasisina rugare pano,” akadaro mukadzi uyu.

“Ndakabvunza murume wangu iye akanditi aiziva zvaaizviitira. Takarwa kudzimara ndakamurova nechidhinha akatyoka ruwoko. Mufunge musi iwoyo akanga apedza neni akazonhanhira kumwana.

“Kubva pandakabatikidza vaviri ava handina kuzomboenda mumachira nemurume uyu kusvikira azofa. Akanditi ini ndainge ndangomirira kuchengeta vana kwete zvekuita mukadzi nemurume, saka ini ndinongoti aipedzera nyota kumwana wake. Tanga tatova pachipari nemwana, zvakaoma,” akadaro.

Akatsinhirawo nyaya yekuti murume wake akazofumurwa kumasowe.

“Murume wangu akanga asisadye chikafu chandinobika asi chemwanasikana,” akawedzera. Vaviri ava vakaroorana mugore ra2008.

Ambuya vemwanasikana uyu, amai vamai vake, avo vave kugara naye kwaSeke, vanoti: “Ndakazozvinzwa panhamo uye muzukuru wangu akanditaurira kuti ndizvo zvaiitwa nababa vake,” vakadaro.

Musikana uyu akaudza Kwayedza kuti baba vake vaimubhinya kwemakore maviri akadarika.

“Baba ndivo vaizviita mumba mataiva tirere naamai nevamwe vana. Vaindivhundutsira vachiti ndikangozvitaura vaindiuraya nemhuri yose ivo vobva vazviurayawo,” akadaro musikana uyu.

Anoti akambotaurira amainini vake nyaya iyi asi vakamupindura kuti vakanga vasina basa nazvo ndokumuti anotaudza amai vake.

Mwanasikana uyu haachaenda kuchikoro.

Amai vemwana uyu vekurambwa vave kugara kuSouth Africa.

Sahwira wemhuri iyi akati chaivashamisa ndechekuti baba ava vaisarudza kufamba nemwana vachisiya mukadzi wavo.

Inspector Mabgweazara vakakurudzira madzimai kuti vamhan’are nyaya dzakaita sedzekushungurudzwa kwevana.

“Panyaya iyoyi, mapurisa akanzwa kuti sezvo amai vange vave kugara nemurume uyu vainge vasiri ivo vakamubereka, vaingoti ngaapedzerane nababa vake. Tinotenda vekuchechi nekufumura kwavakaita nyaya iyi,” vakadaro Insp Mabgweazara.

“Kunyangwe zvake uyu ainge apara mhosva, aisafanirwa kuzviuraya asi kuti atongwe oenda kujeri mune zvakanaka.”

Share This:

Sponsored Links