Uncategorized

Akadyiwa-dyiwa ‘nezvinhu’ . . . Dakara azofa . . . Aiona sekunge mazimbwa . . . Mazizi ndokumhara paguva

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Akadyiwa-dyiwa ‘nezvinhu’ . . . Dakara azofa  . . . Aiona sekunge mazimbwa  . . . Mazizi ndokumhara paguva

Kwayedza

MUNYAYA inofungirwa kuti ine chekuita nehuroyi, mwana wepachikoro cheSt Mathias Ruswa Secondary School, kwaRuzanhi kuHwedza, akafa rufu rwunoshamisa apo anonzi airumwa nezvinhu zvaiita sembwa mbiri, izvo zvaingoonekwa naiye bedzi.

Rufu rwaBeverley Matowa (15), aiita Form 3 arizve prefect uye kanzura wevechidiki, rwakashamisa vakawanda uku.

Musikana wemusha waZinzombe uyu anonzi akashaika nemusi wa15 Gunyana ndokuzovigwa nemusi wa18.

Mukubuda kwenyaya iyi, Beverley anonzi akaenda kunochera mvura kurwizi Mupurwa zuva rodoka iyo aida kuwachisa mbatya dzake dzekuchikoro. Ari kurwizi uku, mwana uyu anonzi akasangana nezvipuka zvaiita sembwa huru mbiri idzo dzaiva dzakakura semhuru yemombe.

Mhuka idzi anonzi aiti dzakatanga kumuruma.

Zvikara izvi zvinonzi zvakamubvarura-bvarura mbatya nekumuruma pahuro ndokusara asisina kupfeka apo akazotizira kumba ava musvo uko akasvikopunzikira pavharanda repamba pavo.

Paakatiza apa anonzi akasiya mugomo waaida kucheresa mvura kurwizi uku.

Baba vake, VaAlexander Matowa (59), vanoti zvinoshamisa zvikuru kuti mwana wavo anonzi akafa achirumwa nembwa dzaisaonekwa nevamwe vanhu kunze kwake bedzi.

“Ini ndaiva kuHarare apo ndakaridzirwa nhare ndichinzi mwana akanga orwara zvikuru achinzi aiti airumwa nembwa dzaida kumuuraya. Ndakauya kuno kumusha rechimangwana racho ndokuwana mwana atofa.

“Iyi inyaya ine chekuita nehuroyi huri pachena. Mwana uyu akarohwa nezvidhoma kana kuti zveusiku,” vakadaro VaMatowa.

Vanoti chimwe chakavashamisa ndechekuti pavakaendesa mutumbi wemwana wavo kunoongororwa nanachiremba kuchipatara cheRusape, mapapu ake akaonekwa kuti aiva akaoma, asina ropa kana mvura uyewo matumbu ake akanga akatsvuka kunge ropa.

“Chirwere chakauraya mwana wangu chakashaika,” vakadaro.

Amai vemushakabvu, Esnathi Matore (42), vanoti rufa kwemwana wavo rwakaitika ivo vari kuKwekwe ndokuzongodaidzirwa mashura aya.

“Ndakasvikonzwa kuti Beverley akarumwa nembwa akafa, ndikanetseka kuti imbwa dzacho dzaiva dzaani. Ndakanzwa kuti ndiye oga aidziona pasina mumwe.

“Anonzi akabva kuchikoro ndokusvikoenda kurwizi kunochera mvura yekuwacha yunifomu yake mushure mekunge amborwa nemumwe mwana wemuno uyo anonzi akamuudza kuti ‘rawadya ndiroro’,” vakadaro.

Mai Joice Kanisevela (45), vanova ambuya vaBeverley uye vaigara naye, vakatsinhira nyaya iyi vachiti:

“Mwana uyu akabva kuchikoro uko anonzi akambenge arwa nekamwe kamwana keForm 1 kemumusha muno. Akasvikotanga atsvaga huni mugomo nekuchera mvura mumugodhi aine vamwe vake. Akazoenda kunochera mvura yaaida kuwachisa kurwizi uko akadzoka achimhanya akabatira mbatya dzake mumawoko achiti airumwa nezvinhu zvaaiona sembwa.

“Aiva nechipfeko chemukati bedzi akasungira zambia ndokusvikopunzikira pavharanda achiti aiva akarumwa pahuro. Aipupa furo mukanwa nemumhuno achibuda dikita rakawandisa muviri wese apo akasvikoita tsvina akarara pasi achiti ‘ndishevedzerei baba vangu imbwa idzi dzave kundiuraya’.

“Ndakazorara naye apo akazofa mangwana acho. Pandakaenda kurwizi rechimangwana racho ndakanowana bucket raaiva naro iro raiva risina mvura,” vakadaro.

Vanoti chimwe chinonetsa ndechekuti muviri waBeverley waisava nemavanga ekurumwa sezvairehwa nemwana uyu.

Vamwe ambuya vemushakabvu, Mbuya Plaxedes Dovi (90), vanoti vakazongoshevedzerwa mashura aya.

“Nyaya iyi kana nanhasi ndinotya ndikaifunga. Kunzi muzukuru wangu akafa achirumwa nembwa dzisina kuonekwa nevamwe vanhu kunze kwake? Huroyi hwakadai nekukura kuno handina kumbobvira ndakahuona. Ko zvino iye mwana mudiki akadaro akakanganisa chii?” vakadaro.

Tete vaBeverley, Mai Venna Matowa (35), vanoti:

“Takazofamba mushure mekunge mwana afa tikataurirwa kuti akauraiwa nevavengi, akaroveswa nezvidhoma. Asi chinonetsa ndechekuti tine vamwe vana, mukomana nemusikana, vakazobatwa nemweya waiti kunoda kufa zvakare mumwe mudzinza redu izvozvi. Zvinonzi vatorwa varipo kurwisana nesu uyewo vamwewo vehukama varipo.”

Zvinonzi mushure mekufa kwaBeverley, mumusha uyu makaitika chisionekwi apo mazizi maviri ayo airwa akasvikomhara paguva raBeverley masikati machena.

Rimwe dambudziko rakatarisana nemusha uyu zvinonzi zvipfuyo zvinosanganisira mombe, huku nembwa zvinongofa zvichiita zvekumonywa uye zvinofungirwa kuti aya mabasa ezvidhoma.

 

Share This:

Sponsored Links