Uncategorized

Akadzikwa banga ne‘chimoko’

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Akadzikwa banga ne‘chimoko’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MURUME wekuDema, kwaSeke akapona neburi retsono mushure mekubaiwa kwaakaitwa nebanga pachipfuva neshamwarikadzi yake iyo yaimupomera kuti sei airamba kumubatsira kubvisa pamuviri paakamupa.

Adam Murare (45) – anogara mubhuku raKaseke uye achizivikanwa nezita rekuti Diaspora mubasa rake rekutora mifananidzo – anoti hana yake ichiri kurova nekuda kwezvaakaitwa nechibayamoyo chake Joyce Bhasera (32).

Bhasera ari kutsinhira kuti akabaya Murare nebanga, kunyangwe zvazvo asiri kunyatsobuda pachena chikonzero chakaita kuti apare mhosva iyi. Murare anogara munharaunda imwe chete naBhasera, uyo anogara mubhuku raZin’anga, kwakare kwaSeke.

ROPA RICHIBUDA MUSHURE MEKUBAIWA

“Musi waakandibaya ainditi ndimubatsire kubvisa mimba yaanayo asi ini ndakaramba dzichimuudza kuti kana huku chaiyo handisati ndambouraya. Chiri kundirwadza ndechekuti mukadzi uyu anodanana nevamwe varume asi ari kupomera ini kuti nhumbu ndeyangu,” anodaro.

Murare anoenderera mberi achiti: “Ndakamuudza kuti andipe bhegi rangu raive nekamera, laptop nezvimwe zvandinoshandisa mubasa rangu izvo akange atora nechisimba achiti nditange ndamubatsira kubvisa mimba yake. Musi uyu ndakange ndaenda kumba kwake kunotora zvinhu zvangu, ndipo paakati kana usingadi kubvisa mimba yako ndichakutushura rimwe ziso rako usare usisaone sezvo rimwe ziso rangu riine ndereka.”

Anoti pasina nguva, Bhasera akatora banga achida kumubaya iye ndokuedza kutiza.

“Pandakaedza kutiza, ndakabva ndahakwa gumbo rangu newaya ndokupunzikira pasi Bhasera achibva andibaya nebanga pachipfuva pedyo nepamoyo. Ndakarwadziwa zvikuru ndokuzobatsirwa neveruzhinji avo vakandiendesa kuChitungwiza Central Hospital uko kwandakagara muchipatara mazuva mashanu mushure mekusonwa masitichi matatu. Iye akabva asungwa,” anodaro Murare chiso chake chichiratidza kuvhiringika.

Anoti akashandisa mari inodarika $400 mukurapwa kwake uye akaburitsa mamwe emagwaro ekurapwa kwake kuKwayedza seumboo.

Anoti mari yekuzvirapisa yakamurwadza zvikuru. Murare anoti Bhasera akazodzosa bhegi rake mushure mekunge asungwa.

“Bhasera haana kana sendi raakandibatsira mukurapwa kwangu zvisinei nekuti ndiye akakonzera. Ndakashandisa mari inodarika $400 apa iye akatongerwa kubvisa faindi ye$50 kana kugara mujeri kwemazuva 25,” anodaro.

Murume uyu anoti nyaya yake yakatongwa paChitungwiza Magistrate’s Courts nomusi wa29 Chivabvu gore rino. Murare anotizve Bhasera aitomborara akaisa banga pasi pepiro mumazuva avaipengesana murudo.

“Ndakambenge ndakaroora ndikasiyana nemudzimai saka ndaida kuzoroorana naBhasera. Asi ndaida kutanga ndazvipa nguva yekumudzidza kuti ndisazoita dambudziko rekuroora ndichirambana nemukadzi sezvandakamboita pakutanga.

“Ndiri panguva yekumudzidza, ndipo paakandivhiringa. Aifonerwa nevarume tirere, kusanganisira anonzi Eddie.

“Handichadi kana kumuuona muupenyu hwangu nokuti akandirwadzisa. Ndakapotsa ndafa uye ndichiri kurwadziwa,” anodaro Murare.

Murume uyu ari kurambisisa kuti mimba iri kunzi ina Bhasera ndeyake.

“Mimba haisi yangu uye mukadzi uyu anodanana nevarume vakawanda, ane vana vaakaita nevarume vakasiyana. Aigara achindiny’omba achiti handizvare.

“Kumba kwangu akangotizira kwesvondo rimwe chete nechidimbu mushure mekunetsana nasisi vake nenhau yekutiza vana kwaaiita achiuya kuzorara kumba kwangu,” anodaro Murare.

“Asi akazobva achienda kunoroja kwake oga. Pane nguva yaakambonditema nebadza pabendekete ndikakuvara asi ndakamuregerera sevanhu taive murudo. Akatema zvakare motokari yangu yerudzi rweMark II nebadza ikapwanyika hwindo mushure mekunge ndapunza kadhishi kake kekugezera mawoko.”

Anotizve pese paanoita izvi, Bhasera anoti anovimba neimwe hama yake “mupurisa ane nyembe”.

“Mudzimai uyu anoita kunge akagarwa nemweya yetsvina. Kunyangwe kuenda kumba kwake, aitoti nditange ndabhukisa kana kumuzivisa kuti ndiri kuuya. Kumba kwemudikani kunoitwawo ‘appointment’ here?” anodaro Murare.

Achitaura panhare, Bhasera anoti: “Anoziva nyaya yake yandakamubaira nebanga. Ehe, airegerei kuuya kumba, ngaarege kuita masitayera. Iko zvino ndiri kuChiredzi. Nhumbu yandinayo ndeyake.”

Kwayedza haina kuzokwanisa kuramba ichitaura nemukadzi uyu sezvo nhare yake yakabva yadzima uye yakange isisabatike apo yakaridzwazve.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey