Uncategorized

Akadzingirirwa nechamupupuri… Makonzo 2 akarova ‘mucheno’ Nenyoka mbiri dzakafanana

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Akadzingirirwa nechamupupuri… Makonzo 2 akarova ‘mucheno’  Nenyoka mbiri dzakafanana Imba yekubikira inonzi naMai Kwenda vakatizira nevana mhepo ikavatevera.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUKADZI wekuBeatrice hapana paagere!

Oti kubvakachirwa nemazikonzo maviri ayo ainge akarova “mucheno” wemachira matsvuku, fume ramangwana racho achiona pachivanze pake pakakandwa zinyoka rakafa, zuva rimwe chetero ndokuingwa nezinyoka rakafanana neyaainge amboona yakafa pamusha.

“Mutambo” unozokwidza makata apo mudzimai uyu anopupurutswa nemhepo ine simba guru kubva kusango kwaaitsvaga huni ndokunokandwa kumba kwake ukowo kwakazoparadzwa dzimba – miti ikasiiwa yaita murakatira.

Sezvinonzi izvi zvishoma, vana vake vave kugara vachingodanwa nemazita avo nevanhu vavasingaone.

Mashura aya ari kuitika kuimwe mhuri igere kuGlorvina, kuBeatrice, uko kwakagariswa vanhu patsva.

Mai Portia Kwenda (39) vepaPlot 32 mumugwagwa unobva kuBeatrice uchienda kwaMubayira, kuMhondoro, vakapona nepaburi retsono apo vakapupurutswa nemhepo yaiva nedutu kubva kusango uko vaitsvaga huni dakara vanokandwa kumba kwavo.

Mukati memhepo iyi maivawo nemapazi emiti nezvimwe zvinhu zvaiiperekedza uye yakadzura miti ndokuzokwatanura marata emba nekupfurunura dzimwe dzehuswa.

Mai Kwenda vanoti mhepo iyi yaitenderera pavari, ichimboita seyavasimudza. Vakagara pasi, mhepo inotyisa iyi yairambawo ichitenderera pavari.

Vanoti masaramusi aya akaitika China chesvondo rapera pamberi apo vakatanga kunzwa mhepo “yaitinhira sendege”.

Vanoti shura remhepo rakaitika mushure mekunge vamboona pachivanze chavo paine makonzo maviri akafa ayo ainge akasungirirwa machira matsvuku kwozoti nyoka yaive yakafa. Vakazoingwa nenyoka mhenyu zuva rimwe chetero – iyo yavanoti yainge yakangofanana neyavainge vamboona yakafa.

Munzvimbo imwe chete iyi ndimo mune mwana anonzi akatakurwa nechamupupuri gore rapera apo aitamba nevamwe vake, uyo ari kunzi kusvika nanhasi haasati awanikwa.

Nyaya yemwana uyu iri mumawoko memapurisa ayo akatoisa chiziviso chekumutsvaga.

Mai Kwenda vanoti: “Kwakangoita makore mashoma ini ndichienda kumhiri kwetara kusango rakavambirana nemunda wangu kunotsvaga huni. Mhepo iyi yakangotangira pachuru pandaitsvaga huni, yakananga kwandiri ndokubva yakwachura mapazi emiti apo ndakaona kuti pangu painge papera.

“Ndakamhanya ndakananga kumba, mhepo ikati unonyeba. Mapazi emiti aibhururuka nepamusoro pangu asi hapana rakandirova kana kunditsitsirira. Ndakambemberetswa nemhepo ndokumboedza kuhwanda pamusha wemuvakidzani asi yakamirawo neni ipapo.”

Vanoti mhepo iyi yakasvikotenderera pamba apo vainge vahwanda ndokudzura miti nekuparadza chimbuzi chepo.

Muti mukuru unonzi wakadzurwa pamusha apa ndewemhando yeMushava.

“Ndakaona muti uchisimuka seuri kutakurwa nevanhu vakawanda ndokuona midzi yava mudenga. Muti iwoyu wakaunzwa kwandaiva ndokubva warigirwa pamberi pangu asi wakandipotsa padiki kunditsitsirira. Ndipo pandakati nditize ndichienda kumba kwangu.”

Mai Kwenda vanoti mhepo iyi “yakafamba” navo apo kwakanga kwava kudonha magodo makuru echivhuramahwe asi kusinganaye.

“Mhepo iyi yakandisvitsa muimba yangu yekubikira, pandakaedza kuvhara dhoo ndichibva ndakurirwa richiita seraisundwa nevanhu. Yakapinda mumba tose nevana tikapunzirwa pasi ndokusimudza denga rehuswa.”

Mai Kwenda vanoti vana vavo vakazotiza mumba umu vave kuenda kuimba yekurara uko mhepo iyi yakavatevera ikasvikotakura denga remba iyoyo.

“Painge pasisina chekuita, ndakangoti nechemumwoyo ndava kufa nevana vangu. Takatiza zvakare muimba yekurara iyi tichidzokera muimba yekubikira.

“Mhepo iyi yakazodzura muti wemupichisi waiva pakati pechivanze uyo wakasimudzwa mudenga, ndokutenderedzwa nechivanze usati wakandwa pakati pemusha. Yakaparadzawo chimbuzi chedu icho chakabva chadhirika,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti kwakazonaya mvura yaiva nechivhuramahwe iyo yakasiya yaparadza chibage chavo mumunda.

“Tave kutogara tichitya nekuti kuitwa zvakadaro nemhepo handina kumbobvira ndakazvinzwa. Mumhepo iyi maiita sekunge maitaura vanhu.

“Kubva nayo kusango kunosvika kumba, kudzimara yadhiritsa dzimba dzangu nekuzouya mvura yaiva nechivhuramahwe chakaparadza chibage changu chete, chevamwe chikasara kunyangwe minda yedu yakabatana?”

Mai Kwenda vanoenderera mberi: “Dambudziko iri rakazouya mushure mekunge ndamboona pamba pangu pakakandwa makonzo maviri akafa ayo aiva akasungirirwa machira matsvuku uyewo pakakandwa nyoka yakafa, neimwe yakazouya iri mhenyu.

“Pamusoro pemakonzo nenyoka zvakakandwa zvakafa izvo takatora tikakanda muchimbuzi, kwakauya nyoka yaiva yakafanana neyaiva yakandwa yakafa tikaiuraya ndokuikanda zvakare muchimbuzi.

“Handichaziva kwazviri kubva nekuti ndine munhu wandiri kuendesana naye kumatare edzimhosva nechikwereti changu chemari inodarika $4 000 yekuhaya uko akaita maforoma angu ekukanyisa zvidhinha.

“Zvakarewo, murume wangu, Brian Chisango (43), akatiza munyika muno nekuda kwemhosva dzaakakoromora saka kuri kubva zvinhu izvi handichaziva.”

Mai Kwenda vanoti murume ane chikwereti chavo akanga anzi nedare aripe mari iyi nemombe asi akabva atiza nadzo kuenda kusina ati aziva.

“Murume wangu paakaenda, ndakasara ndikachinjisa zita remunda kuisa mune rangu, ukuwo nyaya yeuyo ane chikwereti changu hatichaziva mamiriro azvo. Ndave kugara ndichitya nekuti kumachechi kwandinonobvunzira ndinonzi vanhu vari kuita izvi vanoda kuti ndife nevana kana kuti nditize pamunda pano,” vanodaro.

Pakashanyirwa mhuri iyi neKwayedza, yairatidza kutya nekuda kwezviri kuitika.

“Chionai izvozvi varume vari pano ava vari kundibatsira kugadzira musha, vakaturika denga remba patsva iye zvino vanoda kuvaka chimbuzi.”

Varume ava, Norbert Kangai (32) naKarimu Ali (36) vanoti vari kubatsira Mai Kwenda pachena.

Mai Kwenda vanotizve vari kutsvagawo vanhu vanovabatsira.

Kune vanoda kuvabatsira vanogona kuridza nhare dzinoti 0784 708 140.

Mumwe muvakidzani wemhuri iyi, VaFrank Matimba, avo vari kuita basa rekuchengeta mumwe musha, vanoti manenji akaitika kuna Mai Kwenda havana kumbobvira vakaaona.

Sabhuku venzvimbo iyi, VaElisha Kurehwatira, havana kuonekwa pakasvika vatori venhau ikoko.

Zvakadai, n’anga yekuChipinge, Sekuru Charles Ndunge (88), vanoti Mai Kwenda havana kutandaniswa nemhepo chaiyo, asi kuti mudutu iri maiva nezvinhu zvainge zvatumwa kunovakuvadza zvakaita semadumwa kana mishonga.

“Pane nyaya pamusha apa, zvinoita sekunge mhepo iyi yaiva yatumwa kunoreva chingava chikwereti kana kutsividza. Mhepo iyi ine zvainoreva zvihombe, zvingasanganisewo kana mabasa ehuroyi,” vanodaro Sekuru Ndunge.

 

 

Share This:

Sponsored Links