Akadzipirwa mabanana e$1

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Akadzipirwa mabanana e$1

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MURUME wekwaZvimba akamiswa mudare reChinhoyi Magistrate Court achipomerwa mhosva yekuba nhare yemumwe musikana uyo akagara matunduru ndokumudzipa mushure mekunge atadza kumubhadhara $1 remabanana ayo akange akwereta.

Brighton Chikarara (48) anogara mubhuku rekwaMatare akamiswa pamberi pemutongi mutongi Brenda Dhliwayo akatarisana nemhosva yekudzipa uye kugara matunduru Sarah Chambara (21).

Chikarara ari kuramba mhosva dzaari kupomerwa idzi achiti chaanongoda chete kuti Sarah amupe $1 rake remabanana aakakwereta.

“Handina kumbovamonya mutsipa ini asi kungoti kutengesa kudai kutambura saka vakandidzoserawo dhora rangu mhuri yangu inorarama,” anodaro Chikarara.

Anoenderera mberi achiti, “Dhora ringangoita haro kunge mari shoma asi inini bhizimisi rangu rinotobhuroka kana ndichinge ndisina kuwana dhora iroro.’’

Muchuchisi Tendai Tapi akaudza dare kuti mangwanani emusi wa18 Nyamavhuvhu, Chikarara anonzi akaenda kumba kwaOlivia Chambara uyo anogara munharaunda yekwaMasiyarwa kunotora chikwereti chake che$1 remabanana aive akweretwa naSarah anova mwana waOlivia.

“Chikarara anonzi akasvikoona Sarah aina amai vake akabvunza mari yake asi Sarah haana kukwanisa kumupa achiti mari yaiva murunhare,” anodaro muchuchisi Tapi.

Mhinduro iyi inonzi haina kufadza Chikarara uyo akabva atanga kuita hukasha achiti kuna Sarah amupe nhare yake yeSamsung Galaxy X4 kuti azvionere.

Chikarara anonzi haana kuzodzosera nhare kuna Sarah asi akabva aiisa muhomwe achibva atanga kufamba achienda kumba kwake.

Sarah achiona izvi, anonzi akatevera Chikarara ndokumubata achida kubvuta nhare yake asi ndipo paakapunzirwa pasi ndokubva akagarwa matunduru achimonywa mutsipa.

“Chikarara anonzi akagara padumbu paSarah achideedzera kuti ndipe dhora rangu uku achimonya-monya huro yaSarah,’’ anodaro muchushisi.

Sarah anonzi akazopukunyuka nepaburi retsono akakwanisa kudeedzera kuti awane rubatsiro apo amai vake vakanomununura.

Musikana uyu akazoendeswa pakiriniki yeZvimba apo akanorapwa.

Gwaro rekurapwa kwake richabuditswa mudare sehumboo.

Olivia ndiye akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakaita kuti Chikarara asungwe.

Runhare rwunonzi rwakatorwa naChikarara haruna kuwanikwa.

Nyaya iyi iri kudzoka mudare munguva pfupi iri kutevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey