Akaenda nepwere kudare

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Akaenda nepwere kudare

Kwayedza

court
VANHU vaive mudare reHarare Civil Court vakashamiswa apo mumwe mudzimai akaunza vana vake vaviri vane makore ari pasi pemashanu okuberekwa sevafakazi munyaya yemendenenzi nemurume wake. Fortunate Mudzengerere akakakaritsira Jonas Jorifisi kudare achiti ari kuda mari yekuchengeta vana sezvo murume ari kupedzera mari yake mukusasana.

“Ndatouya nevana vake kudare kuti vataure kamuraramiro katiri kuita kekubatanidza-batanidza. Mari yake yese inoperera kushamwarikadzi, vana vake vanotoziva kuti baba vavo havabve mumadhirezi. Vanotosvika pakukanganwa baba vavo nekuti vanouya husiku vachibuda husiku, dzimwe dzenguva havauye kana mari isati yapera,” akadaro Mudzengerere.

“Haatozive kana kuti vana vake vanorarama nei. Ini wacho handizive kuti anoda kuti ndirarame sei. Ndingagarirewo izvozvo here? Ndinoda kuchengetwa pamwe nevana vako asi shamwarikadzi yotoita mutambarakede ini ndichidya nhoko dzezvironda nevana. Ndiri kuda $300.”
Jorifisi akati mari yakataurwa nemukadzi wake yakawandisa.Akati: “Ini hangu mari yaanotaura handiikwanise, handitohore mari yakadaro kubasa, ndotoita zvekiya-kiya asi zvakadaro hazvinditadzise kuenda kumadhirezi anguka.

“Ukaona murume ave kuita gumbo kunze une pauri kutadza, saka zvigadzirisei. Ndinokwanisa kumupa $30 pavana vatatu nekuti ndine zvandinodawo kuita, kuroora hazvirevi kuti upenyu hwaguma.”
Mutongi Gamuchira Siwadi akati Jorifisi abhadhare $150 pavana vatatu pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links