Uncategorized

Akafa anwa mapiritsi emukoto

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Akafa anwa  mapiritsi emukoto Vanhu vaive panhamo — Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuWestern Triangle, kuHighfield, muHarare, anonzi akafa mushure mekunwa mapiritsi akatengwa pamusika wemukoto ayo ainzi ndeekupodza marwadzo emakumbo.

Pava nefungidziro yekuti mapiritsi aya anogona kunge ari ekuuraya makonzo.

VaJohn Gomani (51) vepanhamba 7819 munaGano vanonzi vakazoshaikira kuHarare Central Hospital nemusi weSvondo wadarika mushure mekunwa piritsi rimwe chete. Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nyaya iyi vachiti iri kuferefetwa.

“Nyaya iyi yakaitika saka tinoda kutsvaga zvizere,” vanodaro. Vanoyambira veruzhinji kuti vatenge mishonga nemapiritsi kuzvitoro zvinozivikanwa kwete pamikoto sezvo zvichizokonzera njodzi.

“Mapiritsi anobva kunyika dzekunze azara munyika muno saka tinopa yambiro kuvanhu kuti vasarasikirwe neupenyu nekutenga mapiritsi epamikoto,” vanodaro.

Elliot Kolowa

VaElliot Kolowa (51) vanova sekuru vemushakabvu vanoti vakanzi muzukuru wavo anwa piritsi regonzo nekusaziva.

“Ndakanzi muzukuru afa anwa mushonga wemakonzo. Ndakambofunga kuti azviuraya, ndokuzotsanangurirwa kuti ainge anwa asingazive achida kuzvirapa,” vanodaro.

Vanoti mapiritsi aya akatengwa nemukuwasha waVaGomani uyo anonzi akanga atumwawo nemudzimai wake, Lydia Gomani, uyo anorwara nemakumbo achida kuzvirapa.

“Mwanasikana wanyakufa uyu, Lydia Gomani, anonzi akazoridzira murume wake nhare achimuti anomutengera mapiritsi ekumurapa makumbo pane mumwe mukadzi ari kwaGazaland,” vanodaro.

VaKolowa vanotizve murume waLydia akaenda kumudzimai anonzi Mai Zulu uyo anotengesa mapiritsi akasiyana mumugwagwa panzvimbo yemabhizinesi yeGazaland, kwakare kuHighfield.

Zvinonzi akasvikowana mudzimai uyu asipo, asi paine vana vake avo vakamutengesera mapiritsi anofungirwa kuti ndeemakonzo vachifunga kuti aiva ekurapa makumbo.

Mashoko avo anotsinhira naLillian Gomani (61) anove hanzvadzi yemushakabvu.

“Ndakangonzwawo sekutaurwa kwazvinoitwa nasekuru vedu ava (VaKolowa) kuti mukuwasha watinongoti Taurai akatenga mapiritsi akaenda nawo kumba ndokunochengeta akamirira kuuya kwemudzimai wake Lydia uyo ainge aenda kutaundi,” vanodaro.

Lillian Gomani

Vanoti Lydia asvika kumba, akasvikoramba kunwa mapiritsi aya achiti aiva akasiyana neayo anositenga kumudzimai wekwaGazaland uyu.

“Mwanasikana uyu akazotora mapiritsi aya ndokuenda nawo kumba kwababa vake uko akanotaura kuti makumbo ake airwadza zvikuru asi aizeza kunwa mapiritsi aya achiti akasiyana neaanoziva. Baba vake vakazoatora pakitchen unit paaiva aiswa naLydia ndokukumbira muzukuru kuti avape mvura vachibva vanwa sezvo vaitiwo makumbo avo aivarwadza,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Bhudhi vanwa mapiritsi aya, vanonzi mukanwa mavo makaputika hutsi ndokuti piritsi iri raivava zvikuru uye richinhuhwa garlic. Vakabva vatanga kupera simba nekupiswa.

“Vakazoendeswa kuchipatara cheHarare uko vakanofa vasati vabatsirwa vachinzi vakaputika hura, dumbu rikatsvuka kusvika kunze.”

Rimwe piritsi raiva risina kunwiwa rinonzi rakaonekwa kuti nderekuuraya makonzo.

Vemhuri iyi vari kutora nyaya iyi setsaona.

Kusvika pakudhindwa kwebepanhau rino, mutumbi waVaGomani wainge wakamirira kuongororwa nemachiremba.

Muzukuru waVaGomani, Farai Gomani (28), anoti zvakaitika izvi zvinosuwisa zvikuru.

Share This:

Sponsored Links