Uncategorized

Akafa anwa Zed

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Akafa anwa Zed

Kwayedza

MURUME wekwaMurewa anonzi akafa mushure mekudutira doro rekangopisa rerudzi rweZed.

VaNorman Matete (64) vemubhuku raMatete, vanonzi vanga vachizivikanwa semunwi wedoro rose-rose, kusanganisira rekangopisa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira rufu rwemurume uyu vachiti pane fungidziro yekuti akafa nekuda kwekunwa doro risingabvumidzwe reZed.

“Tine murume wemubhuku raMatete, kwaMusami, uyo akafuma akafa mushure mekunwa Zed. Mutumbi wake wakafumoonekwa padivi paine doro risina kupera kunwiwa nenguwani. Mutumbi uyu wakamboendeswa kumochari yechipatara cheMusami.

“Mapurisa edu akatora doro iri uye riri kuongororwa apo mutumbi waVaNorman Matete wakazovigwa kumusha kwavo svondo rakapera,” vanodaro.

Asst Insp Mwanza vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane nekunwa doro risingabvumidze vachiti rine njodzi kuupenyu hwavo.

Mai Tecla Chivasa (42), avo vanova mudzimai wemushakabvu, vanoti murume wavo akabuda mumba svondo rapera achienda kunonwa doro nevamwe apo asina kuzodzoka kusvikira azoonekwa akafira mumugwagwa unoenda kumba kwake rechimangwana racho.

“Baba vakabuda vachiti vaienda kunochajisa nhare yavo kwasahwira wavo kwaChikuvanyanga. Vanonzi vakasvikowana kwasahwira wavo kusina vanhu apo vakanosiya foni iyi kumba kwaTirivangani uko vakapihwa mari yekunotenga doro remasese nemumwe murume anonzi Bhutsu, ndokurinwa vose,” vanodaro.

VaMatete vanonzi vakazonwa zvakare Zed vadzokera kumba kwaTirivangani ndokuzobvako voenda kumba kwavo vaine kamwe kabhodhoro kedoro iri.

“Takazovaona vakapunzika mumugwagwa panzvimbo yairatidza kuti vakambokambaira. Hatichaziva kuti kutonhorwa here kwakavauraya kana kuti idoro nekuti husiku hwavazofuma vakafa kwakatonhora zvikuru,” vanodaro Mai Chivasa.

Mudzimai uyu nevehukama nevavakidzani vanoti vakanhonga nguwani yaVaMatete nekabhodhoro keZed zviri padyo nemutumbi wemurume uyu.

Siliza Matete (36), ano anova mwana kumushakabvu, anoti: “Baba vakawanikwa vakafa mumugwagwa vachibva kunonwa doro. Mutumbi wavo hauna kuongororwa nemachiremba izvo tisina kuzoziva kuti idoro here kana kuti chando chakavauraya kana kuti vakaisirwa muchetura,” anodaro.

Muchakabvu aimbova nemadzimai maviri asi mukuru wacho ndokushaika.

Mai Lainah Matete (63), vanova hanzvadzi yaVaMatete, vanoti vakazongonzwa kuti munhu afa.

“Hanzvadzi yangu ndakazongoiona chatova chitunha, kuti ndizive kuti akafa nekunwa doro zvakanyanyisa here sezvinotaurwa kana kuti akatonhorwa zvakanyanya handizive,” vanodaro.

Mutumbi wemurume uyu unonzi hauna kuwanikwa uine mbonje.

Sahwira waVaMatete, VaTirivangani Gideon Chomunoda (41), vanonzi vanotsinhira kuti vakanwa doro reZed vose nemushakabvu.

Mai Leticia Simango (43) vanove mudzimai waVaChomunoda vanotiwo murume wavo aigara achinwa doro nemushakabvu.

“Vainwa doro vose zuva roga-roga – chikokiyana, Zed neSeven days,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>