Uncategorized

Akafira nyoka ‘yake’

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Akafira nyoka ‘yake’

Kwayedza

MURUME wekwaMashayamombe, kuMhondoro, ari kunzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekunge nyoka yaanonzi anga achishandisa mumabasa ehuroyi yabatwa nanaTsikamutanda.

Murambiwa Nyikadzino Mangwiro — wemubhuku raNgoroma-Chikengezha, kwaGora, uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa — anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mangwanani emusi waChikumi 11.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Insp Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nezve rufu rwemurume uyu nekunwa muchetura.

“Zviri kuitwa nen’anga idzi hazvibvumirwe. Imhosva kufamba vachitsikisa mitanda, vane tsika yekukanda zvinhu mudzimba dzevanhu vachitorera vanhu zvipfuyo.

“Tinoti kumasabhuku, madzishe nemadzimambo ngavasiyane nekudyidzana nen’anga idzi nekuti vanopinzwa mumhosva,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Dzimwe dzehama dzaMurambiwa dzinoti murume uyu anga akaromba, saka pakabatwa nyoka inonzi anga achishandisa mumabasa ekuroya, zvakamupa mweya wekuzviuraya.

Caston Mangwiro, uyo anova munin’ina wemushakabvu, anotsinhira nyaya yekufa kwemukoma wake achiti akazviuraya nenyadzi nekuda kwekuti akanga abatirwa nyoka kumba kwake zvakaita kuti mhuri igutsikane kuti anga ari muroyi.

“Muno mune n’anga dziri kutenderera mumisha. Saka mukoma nemudzimai wavo vakatanga kuenda kuna Gaurani (n’anga) uko vakazomushevedza kumba kwavo mumba mavo ndokubatwa nyoka muturusi bhokisi. Nyoka iyi yakanzi ndeyavo,” anodaro Caston.

Anoenderera mberi achiti: “Isu tinoti n’anga idzi ndedzechokwadi nekuti mukoma ava vanonzi vakatakura voga turusi bhokisi iri kubva mumba, ndimo makazowanikwa nyoka.

“Isu semhuri takazoshevedzawo — dzimba dzedu 11 — tikaungana tose ndokunzi munhu woga-woga ataure zvinomunetsa apo tainge takakomba huku. Huku iyi yakazotenderedzwa nekuseri kwaMurambiwa ichibva yafa zvikaratidza kuti ainge akaromba.”

Zvinonzi panguva iyi, mhuri iyi yakatanga kupomera Murambiwa kuti muroyi, izvo zvinofungirwa kuti zvakanyanya kumubata uye kurwadziwa.

“Panguva iyi, mukoma vakatanga kuita sevasvikirwa vachizviti isvikiro Samaita, unova ndiwo mutupo wedu. Maiguru mudzimai wavo vanoti mukoma akada kuvarova nemubhadha kana kuvatema nedemo nekuda kwenyaya yekuti vainge vanzi muroyi,” anodaro Caston.

Murambiwa anonzi akazotanga kupengera hama dzake achiti musi uyu aida kutema munhu nedemo kana kuti aizozviuraya.

“Pakabatwa nyoka kumba kwavo, mukoma vakaripiswa mombe nen’anga idzi. Husiku hwemusi watakazoungana semhuri kukafa huku yatenderedzwa pavari, vakaenda kumba kwavo vachinetsana nemudzimai wavo uko takazongonzwa mangwana acho makuseni vachinzi vanwa mushonga nemapiritsi. Vakaendeswa kukiriniki yeMarigumura, kwaGora, vakazodarikidzwa kuchipatara cheBeatrice uko vakasvikofa,” anodaro.

Caston anoti semhuri, havana kumbopokana nemabasa en’anga idzi. Mumwe muzukuru wekwaMan gwiro — uyo akaramba kuti zita rake riburitswe — anoti sekuru vake vainge vakaromba chinova chikonzero chakaita kuti vazviuraye.

“Sekuru vanga vakatakura, vazviuraisa uye vakarwadziwa nekuuraiwa kwenyoka yavo,” anodaro.

Nyoka inonzi yakabatwa mumba memurume wekuzviuraya uyu inonzi yaiva shato, asi vamwe vanoti inyamafingu kana kuti mhungu.

Pakasvika Kwayedza parufu rwemurume uyu neChina svondo rapera, vemhuri iyi vakaramba kutaura nevatori venhau vachiti vainge vachiri kuchema.

Caston ndiye bedzi akakwanisa kutaurwa naye asi ari kure nevamwe.

Sydney Mungate, uyo anozviti mukoma kumufi, akaudza vatori venhau kuti vabve zvavo parufu apa.

“Isu hatina chatinoda kutaura nemi, endai zvenyu munotora zviri kumapurisa,” anodaro.

Sabhuku Ngoroma-Chikengezha, VaClemence Chikengezha (68), vanoti mafiro akaita murume uyu anosuwisa zvikuru.

“Ini ndiri mupositori kuJohane Masowe weChishanu uye handiite izvi. Ndakangonzwa kuti akabatirwa nyoka mumba make, ndokuzoungana semhuri hama dzake dzikamupumha huroyi dzichibatsirwa nen’anga.

“Takazongonzwa kuti anwa muchetura ndokunofira kuchipatara. Pamwe n’anga idzi ndidzo dzakakanda nyoka mumba memufi uyu,” vanodaro sabhuku.

Vanoti pakauya n’anga idzi, dzaiva nhatu idzo vakaendesa kwasadunhu Gora uko vanoti dzakanopihwa tsamba dzekubvumidzwa kushanda.

“Ini ndakazounganidza vanhu vemusha vakabvuma kuti vanhu ava vapinde mumusha kusvikira mukomana uyu azofa. Ini ndinoti kupomerwa bedzi, aisava muroyi uyu. Isu pano hatidi kuvaona (anaTsikamutanda) tinotonziwo tiri varoyi.

“Havadi kuona pamba pane mombe nekuti vanoziva kuti pane mari. Unobva wanangwa, munhu wose ane musha wakanaka muroyi kwavari,” vanodaro.

Mudzimai wavo, Mbuya Violla Chikengezha (65), vanoti dai n’anga idzi dzabviswa mudunhu iri dzisati dzauraisa vanhu vakawanda nekupesanisa ruzhinji.

Grace Mairosi (41) anotiwo vanaTsikamutanda ava ngavabviswe mudunhu iri.

Kanzura weWadhi 6 kwaGora, VaLeonard Kwaramba, vanoti vanorwadziwa nefiro yaMurambiwa.

“N’anga idzi hadzina kusvika nekwandiri, dziri kusvikira kumasabhuku nekumadzishe dzopihwa matsamba. Ndakashevedza mapurisa ndikanzi vane matsamba ekuita basa. Handizive kuti Mambo (Fortune) Charumbira vari kuziva here zviri kuitwa nemadzishe avo nemasabhuku.

“Iye zvino munhu afa nekupumhwa huroyi, tiri kutambwa nesu nevanhu ava. Vanokanda zvinhu mudzimba dzevanhu,” vanodaro kanzura ava.

Sadunhu Gora havana kukwaniswa kutaurwa navo kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.

Asi VaNicodimus Kwaramba (57), avo vanova mumwe wevagari vemumusha uyu, vanoti n’anga dziri kufamba munzvimbo iyi dziri kuita basa rakanaka.

“Murume uyu afa nekuromba kwake, aiva akatakura zvinozivikanwa mumusha muno. Akarwadziwa nekufa kwenyoka yake,” vanodaro.

Ruvarashe Gwatidzo (27) wemumusha uyu zvakare anoti vanaGauraini havana mhosva pakufa kwemurume uyu. “Kune vari kuramba kuti mudzimba dzavo mupindwe nen’anga idzi nekuti varoyi,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey