Akafira ‘snooker’

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNHU mumwe chete akafa svondo rapera pabongozozo rekurwira mutambo we”snooker” kana kuti “pool” mubhawa reApple Yard Night Club riri mumusha weNgoni, kuNorton.

Tinashe Chinorwadza (27) uyo aigara mumusha weKatanga, ikoko kuNorton, anonzi akafa achiita zvekuchekwa nebanga naKudzai Bofuwero (18) uyo anonzi haana chaipo panozivikanwa paanogara.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya iyi.

“Nemusi uyu kunze kwave kunoedza, vaviri ava vaiva mubhawa reApple Yard nevamwe vachitamba mutambo wepool kana kuti snooker. Nenguva dza03:30am, vaviri ava vanonzi vakanetsana apo Kudzai Bofuwero akatora token remuchakabvu, vaviri ndokuburitsana kunze kwebhawa pedyo nemusiwo. Vamwewo vakabuda vachida kuona zvaiitika, pakarepo Chinorwadza anonzi akazoridza mhere yakaita kuti vazhinji vaiva mubhawa vabude panze,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Vamwe vanhu vanonzi vakazongoerekana voona Chinorwadza arara pasi achichema nekubuda ropa.

“Zvakaratidza kuti muchakabvu ainge abaiwa pachipfuva nepadumbu nechinhu chakapinza. Vamwe vanhu vaivapo vakazoendesa murume uyu kuchipatara cheNorton, uyo akafira mumugwagwa nenguva dza03:50am mangwanani iwayo,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa, Bofuwero ndokusungwa uye ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

“Nyakupomerwa kupara mhosva uyu anonzi akambotiza mushure mekuona kuti akanga auraya munhu asi akazodzoka oga pabhawa iri apo akazosungwa nemurindi wepo.

“Vakatarisa muhomwe dzake ndokuwana banga remhando yeOkapi raiva neropa nyoro zvakaratidza kuti raiva ropa remunhu waakacheka,” vanodaro.

Mutumbi waChinorwadza unonzi wakazoendeswa kuimba yerunyararo kuchipatara cheNorton.

Insp Mabgweazara vanoti ikurudziro yavo semapurisa kuti veruzhinji vasiyane nekurwisana.

“Chionai inyaya yetoken resnooker yasvika kuti tirasikirwe neupenyu hwemunhu. Mumabhawa akasiyana, token rinogona kunge richiita $0,25c, $0,50c kana $1 saka ndiyo nyaya inonzi yakamutsa mhirizhonga iyi tikarasikirwa neupenyu hwemunhu.

“Tinoti kuvanhu ngavazvidzore nguva dzose munyaya dzavanoita, zvikuru vosiyana nekupara mhosva dzekupondana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>