Uncategorized

Akafukunura guva remwana arambwa

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Akafukunura guva  remwana arambwa Vanhu vachitaridza guva remwana iro rinonzi rakafukunurwa mutumbi ukatorwa ukazovigwa pakare

Kwayedza

Vanhu vachitaridza guva remwana iro rinonzi rakafukunurwa mutumbi ukatorwa ukazovigwa pakare

Vanhu vachitaridza guva remwana iro rinonzi rakafukunurwa mutumbi ukatorwa ukazovigwa pakare

VAGARI vekupurazi reScorra, kuHwedza, vakasara vazere nekushamiswa zvose nekutya nenyaya yemumwe murume anonzi akaenda kuguva remwana wake akafa ari kasvava, ndokunorichera achibva aburitsa chitunha, icho akanokanda pamusiwo wemba yeaimbova mudzimai wake.

Mapurisa anotsinhira nyaya yakaitika husiku hwemusi wa25 Chikunguru iyi, chitunha chatove nechipo chemwedzi chavigwa.

Gift Bhaureni (35), uyo anogara kupurazi reMutepe 2, anonzi akasiyana neaimbova mudzimai wake, Nomatter Chimbare (28), asi vanopota vachishanyirana nekuda kwevana.

Mutauriri wemapurisa kuMashonaland East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nemusi uyu, Bhaureni akaenda kumba kwaNomatter apo aida kumunyengetedza kuti vadzokerane izvo zvakaramba kusvikira husiku vachingonetsana.

“Nomatter akazobva pamba ndokuenda kwaambuya vake munharaunda iyi, izvo zvinonzi zvakazopa Bhaureni mukana wekuenda kuguva remwana wavo mukomana uyo akafa ari kasvava.

“Anonzi akanokafukunura nemachira ainge akakaputira pakuvigwa, achibva atora chitunha icho akasvikoisa pavharanda pamusiwo wemba inogarwa naNomatter nevamwe vanhu papurazi reScorra,” vanodaro Insp Muzondo.

Mutumbi wemwana uyu unonzi wakanga wavigwa nemusi wa30 Chikumi uye wainge watowora pawakafukunurwa apa.

Bhaureni anonzi paakasiya mutumbi wekasvava pamba apa, akabva atiza ndokudzokera kupurazi kwaanogara.

Insp Muzondo vanoti mutumbi wemwana uyu wakazoonekwa naBeaulla Chimbare (26), uyo anova munin’ina waNomatter, apo aivhura gonhi.

Beaulla anonzi akazonoudza vamwe vanhu zvikabva zvaita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa, Bhaureni ndokusungwa.

Mutumbi wemwana uyu wakazonovigwa kechipiri muguva rimwe chete pedyo nedhamu setsika yechivanhu.

Nyaya iyi yakazosvitswawo kwaMambo Svosve, avo vanonzi pakashanyirwa nzvimbo iyi vakanga vasati vashevedza mhuri iyi kuti vanzwe nezvenyaya iyi.

Kwayedza yakakwanisa kunzwa kubva kunaNomatter, uyo akati akashamiswa zvikuru nekuita kwaBhaureni.

“Takarambana (naBhaureni) mumwedzi waZvita gore rakapera paakandidzinga kwataigara tose kupurazi reMutepe 2 apo ndaiva nepamuviri pemwedzi mina. Ndakazouya kuzogara kuno kuScorra uko ndakawana basa. Ndakazosununguka mwana achibva afa mumwedzi waChikumi,” akadaro Nomatter.

Anoti vakagara makore masere naBhaureni uye vane mumwe mwana.

“Kubva patakasiyana, murume uyu airamba achinditevera achizopa mwana zvekudya uyo ane makore mashanu. Ipapo aida kuti tidzokerane ini ndichiramba. Ndakazosununguka kukiriniki yeIdube musi wa28 Chikumi ndokuzoenda kuchipatara cheMt St Mary’s uko mwana akanofira.

“Bhaureni ndakamutaurira nezvenhamo iyi akauya kuzoviga mwana wake.”

Nomatter anoti haazive kuti chii chakazopinda murume uyu kwadarika mwedzi mwana afa apo akazonofukunura guva akatora chitunha ichi akanokanda pamba panogara Nomatter.

“Handizive, dzimwe nguva mishonga yemurume uyu, nekuti handina kumboona zvakadro,” akadaro Nomatter.

Anoti Bhaureni musi waanonzi akazofukunura chitunha uyu vakange vaenda vose kwasekuru vake, VaEdward Mberikwazvo, achida kuti vamunyengetedze vadzokerana asi iye akaramba akatsika madziro.

“Musi wakafukunurwa chitunha chemwana naBhaureni takanga taenda naye kwasekuru. Akazokurumidza kudzoka tisipo ndokunofukunura chitunha chemwana icho akasiya akanda pamusiwo. Muni’ina wangu, Beaulla, akazodzoka achida kutora foni ndokuwana pamusiwo pava nechitunha,” akadaro.

Beaulla anotiwo akashamiswa zvikuru achiona mwana aiva akaputirwa mumachira nemagumbeze.

“Ndaona mashura aya, ndakanoshevedza Stanford Manyembere nevamwe apo ndakazotaurirwa kuti waiva mutumbi wemwana akafa. Takazodzokera kwasekuru Mberikwazvo uko takanoudza vamwe tikazomhan’ara, iye Bhaureni ndokusungwa,” akadaro Beaulla.

Mbuya vakaviga mutumbi wemwana uyu ndivo vakazouvigazve kechipiri.

Tepa Chakambeka (31) wemudunhu iri anoti Bhaureni anofanirwa kunge akanga atumwa nen’anga kuita izvi.

Eliza Chimika (25) akatsinhira achiti murume uyu anofanirwa kunge achiita zvemishonga.

VaJesus Magadhui Muzvambu (52) vanoti Bhaureni anofanirwa kuongororwa pfungwa dzake nekuti zvaakaita zvinoshamisa.

“Isu sevatema zvinoyera kufukunura chitunha muguva, Bhaureni anofanirwa kuripiswa nemadzishe,” vakadaro VaMuzvambu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>