Uncategorized

Akafushira mutumbi wasekuru mumunda

27 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Akafushira mutumbi wasekuru mumunda Mutumbi waVaVaHerbert Tapera Marowa uri muvhu.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki wekwaMurehwa akasungwa nemapurisa svondo rapera achipomerwa mhosva yekuponda sekuru vake achivatematema nedemo, mushure ndokunofushira mutumbi wavo mumunda mavo pedyo nechivanze.

Pane fungidziro huru yekuti mupari wemhosva uyu aida mari inonzi yaiva nasekuru ava.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti Shadreck Junior Moyo (20) wekwaMambo Mangwende akasungwa nemapurisa achipomerwa kuponda sekuru vake, VaHerbert Tapera Marowa (80).

“Shadreck Junior Moyo anonzi akasara pamba aina sekuru ava nemusi wa20 Chikunguru zuva rodoka. Vashandi vepamusha uyu – Tongai Mukombwe (32) naBonface Marufu (28) – vainge vasipo,” vanodaro.

Asst Insp Mwanza vanoti Mukombwe akazodzoka husiku akasvikowana pamba pasina vanhu ndokufungidzira kuti VaMarowa vainge vanorara iye ndokunorarawo.

“Rechimangwana racho nenguva dza5 mangwanani, Marufu akasvika pamba kuti atore Tongai Mukombwe vachienda kunokanya zvidhinha pamusha uyu apo akawana Moyo akamira pavheranda. Akamubvunza kuti sekuru vainge vachirere here, apo anonzi akapindura kuti vaiva vabvakacha,” vanodaro Asst Insp Mwanza.  Mukombwe naMarufu vanonzi vakazoenda kunokanya zvidhinha pachuru chiri pamusha uyu, apo Marufu anonzi akazodzokera kumba nguva dzekuma11 achida kunobika kudya kwemangwanani.

Mushure mechinguvana, Marufu anonzi akazonzwikwa naMukombwe achiridza mhere kutsvaga rubatsiro achitemwa nedemo naMoyo uye pane fungidziro yekuti pane zvaakanga aona zvaifambirana nekupondwa kwemuridzi wemusha uyu.

“Tongai akamhanya kumba kunoona zvaiitika ndokunowana Bonface achibuda ropa mumusoro atemwa.

‘‘Ruzhinji rwakazonobata Moyo apo pakazoonekwa mutsetse weropa waibva pamusiwo wemba yekubikira. Ropa iri rakatevedzwa kunosvika mumunda apo paiva nevhu nyoro rainge rakacherwa zvikaratidza kuti paiva neguva remunhu risina kudzika,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Vanhu vaive vaungana ava vanonzi vakazova nefungidziro huru yekuti VaMarowa vainge vapondwa zvikaita kuti vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Mapurisa edu akazoenda apo Shadreck Junior Moyo akasungwa aine mbatya dzaiva dzakazara ropa. Chitunha chasekuru vekupondwa chakawanikwa chakafushirwa uye chiine maronda akadzika mumusoro,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kuchipatara cheMurehwa uko waiva wakamirira kuongororwa nanachiremba pakadhindwa nyaya ino.

Mapurisa anonzi akawanawo demo rine ropa rakashandiswa kutema mufi uyewo nebhara raiva neropa iro rakashandiswa kutakurisa mutumbi kunouisa muguva.

Zvinofungidzirwa kuti demo rimwe chete iri ndiro rakashandiswa kutema Marufu akakuvara zvikuru.

Moyo ari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Marufu anonzi ari muchipatara cheMurehwa uye upenyu hwake huri panjodzi.

Share This:

Sponsored Links