Uncategorized

Akanyimwa mari yakawanda

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MURUME wekudhonzerwa kudare neaimbova mukadzi wake achida kuti mari yemendenenzi iwedzerwe akabuda mudare iri achipembera zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro ichi nekuda kwekushaikwa kweumboo hwekuti mari iyi ikwidzwa.

Patience Chitsoka akaendesa Bernard Samson kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi iwedzerwe.

“Changamire, ndadzoka pamberi pedare zvekare nechinangwa chekuti mari yakambotemwa nedare kuti baba ava vabhadhare iwedzerwe nepamusana pekuti ndine mwana akaremara naizvozvo yavari kubhadhara haina zvisvinu zvairi kuita.

“Mwana uyu haafambi uye ibofu, haana zvaanokwanisa kuita ari ega,” akadaro Chitsoka.

“Dare rino rakambotara kuti abhadhare $170 yevana vatatu, kusanganisira uyu akaremara, asi zhinji yacho iri kuperera kune akaremara zvichireva kuti vamwe vaviri vanosara vasina mari. Chikumbiro changu ndechekuti mari iyoyo iwedzerwe kusvika $200.”

Samson akapokana naChitsoka achiti:

“Amai ava handichavanzwisisi nekuti patakambouya kudare rino vakangotaura zvimwe chete nezvavataura muno nhasi saka handione paine chingaite kuti mutongo nhasi ushanduke.

“Kutozopa kwakaita dare mutongo nguva yacho iyoyo rainge ratonyatsoongorora zvekuti vana vatiinavo vatatu uye mumwe akaremara saka uku kwangove kutambisa nguva.

“Ini handina kana mwedzi wandakasvetuka kubhadhara mendenenzi yevana vangu saka handina chikwereti sezvo ndichitungamidza vana mberi.

“Amai ava mari yavari kuda kuti ndibhadhare hameno kuti vanofunga ndichaiwana kupi nekuti dare rikatema kuti ndibhadhare, ini ndikazotadza kuibhadhara zvinenge zvave kureva kuti ndichasungwa kana kuti ndichadzingwa basa zvichizoguma ndatotadza kubhadhara kana shoma zvayo.”

Akati pamutongo wekutanga dare harina kumboti achabhadhara mari yechikoro pamusoro pe$170 yaari kubvisa sezvo rakaona kuti mari iyi inokwana zvose.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akarasa chikumbiro chekuti mari iyi iwedzerwe achiti Chitsoka haana kupa umboo hunoratidza kuti pane zvainge zvashanduka kubva pakambopihwa mutongo wekutanga.

Share This:

Sponsored Links