Akanyn’udzwa nehope mudare

05 Dec, 2014 - 09:12 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MURUME wekuti nyaya yake yemendenenzi yakatongwa akaneta uye aine hope akazodzokera zvakare kudare achida kuti itongwe patsva.

Isaac Ndoro akamhan’arira Catherine Mazorodza kuHarare Civil Court achida kuti mutongo wemendenenzi wakambopihwa nedare iri unzwikwe patsva.

“Vedare, baba ava kungoda kuramba havo asi mari vanayo. Vanoti kambani yavo haichashande asi makore mana adarika vakatenga motokari. Vanotoita zvekudhurowa mapurani edzimba saka ndiro remamwe mabhizimusi asingafe akabhuroka kunyangwe zvinhu zviome sei munyika. Pamusoro pezvo, anotambira $1 200,” akadaro Mazorodza.

Ndoro akapokana naMazorodza achiti aingoda mari kubva kwaari uye ainge auya kudare neumboo hunoratidza kuti ari kuenda kuchikoro.

“Changamire, nyaya ino payakambotongwa mudare rino ndakanga ndabva kuMasvingo asi mapepa ekudiwa kwangu kudare ndakanzi ndinomatora kuBulawayo iyo nyaya ichitongwa zuva raitevera kuno kuHarare. Naizvozvo patakapinda mudare ndakange ndakaneta uye ndiine hope saka handina kukwanisa kuzvimirira zvizere ndiko kusaka dare rakatema kuti ndibhadhare $200.

“Pamusoro pezvo, pakapihwa mutongo nedare handina kukwanisa kuburitsa umboo hwekuti ndiri kuenda kuchikoro naizvozvo dare rakatonga richitora sendaisaenda kuchikoro asi nhasi umboo ndauya nahwo,” akadaro Ndoro.

Akati mushure mekunge dare rapa mutongo waro wekuti abvise $200 yemendenenzi pamwedzi, akatsvaga Mazorodza kwemasvondo akawanda achida kuti vauye zvakare kudare asi aingonzvenga-nzvenga.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya iyi yaizodzokazve mudare mune chimwe chikamu chinotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey