Akanyn’ura adanana nemwana

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views

Kwayedza

Shamiso Kufaruwenga
SAIMBA wekudanana nekasikana kane makore 16 okuberekwa, ako aishinha nako pamadiro, akaigochera pahutsi apo akatongerwa kunopika jeri kwemwedzi 20 nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts. Muchuchisi Victoria Mushayabasa akati Tapiwa Kasonga (21), wepanhamba 12041 Zengeza 4, kuChitungwiza akashinha nekasikana aka kwenguva yakati kuti apo mudzimai wake ainge asipo.

Gure iri rakazoputika apo mukoma wekamwana aka mumwe musi akakabvunza kuti sei kainge kadzoka kumba husiku apo vamwe vako vainge vakasika kudzoka kuchikoro kachibva kataura zvose zvaiitika pakati pako naKasonga.

Kasikana aka kakati kana kachienda kuchikoro masikati kaipfuura nekumba kwaKasonga uko vaishinha vose uye koita zvimwe chete pakudzoka.

Muchuchisi Mushayabasa akati musi wafumuka gure iri vavakidzani vaKasonga vakange vaenda pamba panogara mwana uyu ndokuudza mukoma wake zvose zvaiitika izvo zvakazoita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa, Kasonga ndokusungwa.

Kasonga haana kuramba mhosva yake mudare achiti aitove murudo nemwana uyu uye ainge amunyepera makore ake okuberekwa.
Mutongi Lazarus Murendo akati nyaya dzokubatirira vana dziri kuramba dzichinetsa nekudaro Kasonga akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 20.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey