akapa mwana mimba… ‘Ndaifunga kuti abva zera’

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
akapa mwana mimba… ‘Ndaifunga kuti abva zera’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MURUME wekuChitungwiza ari kubvuma mhosva yekuti akabata chibharo kasikana kane makore 14 ekuberekwa ndokukapa pamvuri achipa chikonzero chekuti aidanana nako uye kainge kamunyepera makore ako ekuberekwa kachiti kane 18.

Chibharo ichi chinonzi chakaitirwa mumotokari kuUnit L Community Grounds, ikoko kuChitungwiza.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, Oliver Mapfumo anoti Courage Hodhera wepanhamba 34099 Unit M Extension asungwe mushure mekurovha kwake kudare dare svondo rapera.

Muchuchisi Tatenda Mukatera akaudza dare kuti muzuva risingazivikanwe nedare asi muri mumwedzi waNyamavuvhuvhu gore rapera munguva dzemanheru, mumhan’ari —uyo akanga ari kuita Form 2 — akaenda kuzvitoro zviri kuUnit L uko akasangana nemusungwa uyu.

Hodhera anonzi akakumbira bonde kumwana uyu achibva abvuma uye mushure meizvi, akabva enda kumba asi hapana munhu waakaudza zvainge zvaitika kwari.

Gure rakazobuda pachena apo amai vemwana uyu vakaona kuti akanga acharika mazuva ake ekutevera mukupera kwemwedzi waNyamavhuvhu, izvo zvakaita kuti vamubvunzurudze achibva azodura nezvechibharo ichi zvikaita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa eko.

Mwana uyu akanovhenekwa nemachiremba uye magwaro acho ari kushandiswa mudare seumboo.

Hodhera paakamiswa mudare pakutanga, akabvuma mhosva yake.

“Yambiro yemhosva ndainzwisisa uye ndinoibvuma asi mumhan’ari akandiudza kuti ane makore 18,” anodaro.

Mwana uyu akapupurawo mudare achiti akapinda murudo naHodhera mumwedzi waChikumi gore rapera uye akabvuma kuti vaite zvebonde pazuva iri.

“Ndakabvuma kuita zvebonde naHodhera uye aiva shamwarirume yangu asi pandakamuudza kuti ndava nepamuviri ndipo paakandiudza kuti ane mudzimai kumba,” anodaro.

Hodhera ari kutongwa nemhosva yekupinda pabonde nepwere (Section 70 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23).

Share This:

Sponsored Links