Uncategorized

AKAPINYORESA MUKADZI $40

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
AKAPINYORESA MUKADZI $40 Brain Nyaruwabvu

Kwayedza

MURUME wekwaChivero, kuMhondoro, ashamisa vagari veko mushure mekupinyoresa mudzimai wake ane mwana mucheche kuna sahwira wake, iye ndokubhadharwa $40.

Kuponyeresa kupa chinhu chako kune mumwe munhu sechibatiso — kunyanya panjuga — asi uchizochidzikinura kana wochida uye watoripa.

Nyaya inoshamisa iyi iri pakati paBrian Nyaruwabvu (43) wemubhuku raMungazi uyo ari kunzi akapinyoresa mudzimai wake Tabeth Muyambuki (39) nemwana kuna sahwira wake Shame Mutengezanwa (38).

Nyaya iyi yakatopinda mudare raMambo Chivero — Brown Shopo — nemusi wa6 Chivabvu apo yakanga yamhan’arwa naSabhuku Mungazi.

Mabharani wedare raMambo Chivero, VaSilent Kaseke (43), vanotsinhira nyaya yemudzimai akapinyoreswa uyu.

“Tine murume anoshanda achichengeta pamusha anonzi Brian Nyaruwabvu uyo anogara nemudzimai wake ane vana vake vasiri vemurume uyu. Murume uyu nasahwira wake vanoita basa vose sekupfirira dzimba dzevanhu uye vose vanopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu.

“Dare rapirwa nyaya iyi, rakawana chokwadi kuti Nyaruwabvu akapinyoresa mudzimai wake Tabeth Muyambuki kuna Shame Mutengezanwa uyo kumasowe anodaidzwa saMadzibaba Bensaviour.

“Mutengezanwa anonzi akapihwa mari yose yainge yabhadharwa vaviri ava kwavainge vashanda kupfirira imba. Mari iyi haina kubuda zvakanaka, inombonzi i$40 asi yombonzi i$100,” vanodaro VaKaseke.

Mudare iri varume vaviri ava vakabvuma nyaya yavo apo Nyaruwabvu akapihwa mutongo wekuripa mombe yekuchenura dunhu raChivero nekuedza kuvanza kudanana kwaivapo pakati pemudzimai wake nasahwira wake.

Tabeth Muyambuki

“Kunyange zvazvo Nyaruwabvu naMutengezanwa vakaedza kuvanza nyaya iyi, vafakazi vanosanganisira sekuru vaMutengezanwa naSabhuku Mungazi vakatsinhira zvizere kuti Nyaruwabvu ainge apinyoresa mudzimai wake kuna sahwira wake nenyaya yekuda mari.

“Mutengezanwa anoratidza kuti aidanana nemudzimai wasahwira wake kwenguva yakareba inova nyaya yakazofumurwa nevemusha vakaisvitsa kwasabhuku,” vanodaro VaKaseke.

Nyaruwabvu anonzi paakaziva kuti sahwira wake anodanana nemudzimai wake, vakazotaurirana achibva apihwa mari muchivande ndokunyarara nyaya iyi.

Mudare iri, Nyaruwabvu akati aisada kuripwa naMutengezanwa — izvo zvinonzi zvakaburitsa pachena kuti akanga apihwa mari senzira yekupinyoresa mudzimai wake kuna sahwira wake.

“Mudzimai wekupinyoreswa uyu, Tabeth Muyambuki, haana kukwanisa kutaura kana shoko rimwe chete mudare. Akangoti bedzi, ‘Ndinokumbira ruregerero nekuda kwenyaya iyi’ achibva anyarara,” vanodaro VaKaseke.

Nyaya yekupinyoresa mudzimai iyi inonzi yakaburitswa nasekuru vaMutengezanwa, Trust Kaushu (40), vemumusha waMhizha, avo vakanga vave kupfimbirwa mudzimai wavo, Prisca Marowa (25), naMutengezanwa.

“Musi mumwe chete wakapinda nyaya yekupinyoresa mukadzi mudare, iye Mutengezanwa takamutongawo nenyaya yekupfimba ambuya mudzimai waKaushu, Prisca Marowa, tikamubata nemhosva apo dare rakamuti aripe mombe kuna sekuru vake VaKaushu. Kureva kuti Mutengezanwa ari kuzviita bhuru remusha – uku otengeserwa mukadzi wemunhu ukuwo ave kunonyenga ambuya,” vanodaro VaKaseke.

Dare iri rinoti Kaushu ndiye aitumwa kumudzimai waNyaruwabvu kusvikira nyaya yakazoipa ave kunyengerwa wake mukadzi apo akazomhanya kunotaurira nyaya dzose mbiri kwaSabhuku Mungazi zvikazoita kuti gure iri rifumuke.

“Dare rakazoti Brian haachada kuonekwa mudunhu raMambo Chivero nekuda kwenyaya yaakaita yekupinyoresa mudzimai wake ndokunzi adzokere kumusha kwake kwaMutoko mushure mekupedza kuripa mombe.

“Uyuwo Mutengezanwa akanzi atame, obva zvake mudunhu raChivero nekutenga kwaakaita mudzimai wemunhu uye nekupfimba mudzimai wasekuru vake. Akanzizve haabvumidzwe kuonekwa akapfeka gemenzi rekuchechi ari mudunhu raChivero sezvo achipa mucherechedzo wakaipa wechechi yaanopinda,” vanodaro VaKaseke.

Mutevedzeri waSabhuku Mungazi, VaMunyaradzi Mungazi (39), vanoti nyaya yekupinyoresa mukadzi iyi inonyadzisa.

“Vanhu vose ava — Brian Nyaruwabvu nemukadzi wake, Shame Mutengezanwa nemhuri yake — handichada kuvaona muno. Tinonzwa kuti Brian akatengesa mukadzi wake kuna Mutengezanwa ndokupihwa $100 asi iye ndokuramba achigara nemudzimai wake achiziva kuti sahwira wake anodanana nemukadzi uyu,” vanodaro.

Melania Rufu (35) anova mudzimai waMutengezanwa anotsinhira nyaya yekuti murume wake anonzi anodanana nemudzimai waNyaruwabvu.

“Ndazvinzwa kudaro, ndakapotsa ndanwa muchetura ndikaenda kunobvunza Brian nemudzimai wake nenyaya iyoyi yekunzi vakatengeserana mukadzi. Ivo vakazviramba kusvikira nyaya yakazoenda kudare,” anodaro.

Kausha nemudzimai wake — Prisca Marowa (25) — vakatsinhirawo kuti muzukuru wavo Shame Mutengezanwa aitsvaga rudo kuna ambuya vake ava inova nyaya yakazosvika kudare ramambo.

Kuchiti Mai Beauty Mutyori (39), avo vane pamusha pehama yavo panochengetwa naNyaruwabvu, vanoti inyaya inozivikanwa kuti murume uyu akapinyoresa mudzimai wake.

Hatred Mungazi (33) anoti nyaya iyi yasvibisa musha wavo kuchiti Manomano Mungazi (43) anotiwo vanhu vanoita zvakadai vanofanirwa kubviswa mumusha.

Pakashanyirwa dunhu iri neKwayedza, Nyaruwabvu akawanikwa asi mudzimai wake akanzi ainge ashanya kuHarare.

Share This:

Sponsored Links