Akapirwa gupuro kubasa

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu—

MURUME samusha anoti mudzimai wake akamutevera nebhegi rizere mbatya dzake kubasa kwake ndokusvikomurwisa zvose nekumupa gupuro pamberi pevamwe vavanoshanda navo.

Brian Zhuwakinyi akamhan’arira Lucia Musiiwa kudare reHarare Civil Court achida kuti amiswe kumutevera kubasa kana kumurwisa.

“Ngaasanditevere kubasa kwangu achishatisa zita rangu pane vakuru vangu asi iye akandiramba kare. Akauya nebhegi rine mbatya dzangu kubasa achiti haachandida ndikaedza kutaura naye asi akaramba. Akatondirova achindibvarurira hembe pamberi pevamwe vekubasa,” anodaro Zhuwakinyi.

Anoti Musiiwa akaudza amai vake kuti haachada murume.

“Akaudza amai vake nehama dzake kuti haachandida. Ndiri kushaya kuti sei achiri kuuya kubasa kwangu achinetsana nemagadhi kana asina kundiona,” anodaro.

Musiiwa anoramba zviri kutaurwa achiti bhegi akariendesa kubasa nekuti Zhuwakinyi akanga amuti atevere naro. “Anonyepa zvaari kutaura, handina kumuramba asi kuti bhegi ndakariendesa mushure mekunge iye andifonera achiti ari kuda hembe shoma sezvo aida kunotora vana kumusha,” anodaro.

Anoti nguva pfupi yadarika ndipo paakaenda kubasa achimutsvaga sezvo akanga asina kudzoka kumba.

“Ndakadzokera kubasa kwake pakadarika mazuva maviri nekuti akanga asina kudzoka nevana, ndipo pandakanzwa kuti abuda ndikamumirira. Paakauya, takachinjana mashoko, ndizvo zvakaita kuti hembe dzake dzibvaruke,” anodaro Musiiwa.

Anoti Zhuwakinyi ari kufurirwa naamai vake kumusungisa nekuti havamufarire.

“Ari kufurirwa naamai vake kundisungisa nekuti havandifarire. Pamwe vanoda kuti aroore mumwe mudzimai,” anodaro Musiiwa.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Zhuwakinyi gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links