Uncategorized

Akaponda baba ‘muroyi’

22 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Akaponda baba ‘muroyi’ Mark Manyiwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wechidiki wekuZaka, kuMasvingo anonzi akaponda babamukuru vake — mukoma wababa vake — achivatema nebadza apo aivanenera kuva muroyiMutevedzeri wemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commisioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti Mark Manyiwa (22) wemubhuku raManyiwa, kwaMambo Nhema, ari kupomerwa kuponda VaNisson Chidembo Manyiwa (86).

“Tine nyaya inosuwisa zvikuru ichangobva kuitika, yemukomana anonzi Mark Manyiwa (22) uyo akatosungwa nemapurisa edu eZRP nenyaya yaari kupomerwa yekuponda babamukuru vake, VaNisson Chidembo Manyiwa (86) achivati muroyi,” vanodaro.

Mukomana uyu anonzi akaenda kumba kwababa vake ava, ndokusvikotora badza mumba mavo, iro akavatema-tema naro vachibva vafa pakarepo.

Mark anonzi akazobuda mumba maaiva aparira mhosva achishevedzera kuti ainge auraya muroyi.

“Vanhu vakazongoona mukomana uyu achibuda mumba achiti ainge auraya muroyi uye aida kuuraya zvakare vamwe varoyi vana pamusoro peuyu vemumhuri yavo. Vanhu vachiona izvi, vakamhanya mumba ndokunoona mutumbi waVaNisson Chidembo urimo. Ruzhinji rwakabva rwasunga mukomana uyu netambo ndokumuendesa kumapurisa eko,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoyambira veruzhinji nekuda kwenyaya dzekupumhana huroyi uyewo nekutora mutemo vachiisa muhomwe dzavo vachiti iyi imhosva huru.

“Nyaya dzekupumhana huroyi dziri kunyanya munyika muno kuburikidza nevanhu vanozviti maporofita nen’anga uko vanhu vanoenda vonotaurirwa kuti nhingi wako muroyi, ndiye ari kukupai minyama.

“Nekudaro, vanhu vanozvitora sechokwadi zvokonzera kurwisana nehama kana nevavakidzani.

‘‘Tinoti vanhu vasafurirwe nekunyengerwa, pavanopara mhosva vanosungwa voga,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti vechidiki vanofanirwa kuremekedza vakuru kwete kuva nepfungwa dzekuti wese akwegura muroyi.

“Kukura hakusi kuroya sezvinofungwa nevamwe vanhu, asi kuti kukwegura chipo chinobva kuna Mwari,” vanodaro.

Vanoyambirawo n’anga nemaporofita vanopesanisa mhuri kuburikidza nenyaya dzekupumha vanhu huroyi vachiti imhosva huru.

Share This:

Sponsored Links