Akaponda baba naamai ka1

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Akaponda baba naamai ka1 Vanhu vaive panhamo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME nemudzimai wake vekwaSadza, kuChivhu, vakafa vachiita zvekupondwa nemwana wemumhuri yavo uyo anofungidzirwa kuti murwere wepfungwa apo akavarova nejoki remombe nematombo.

VaEdward Chikunguwo (75) nemudzimai wavo Joice Chiratidzo Chikunguwo (70), vemubhuku raMurevanhema, vari kunzi vakapondwa naLearnmore Chikunguwo (28) uyo akatosungwa nemapurisa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Tine murume nemudzimai vakapondwa mangwanani emusi wa4 Nyamavhuvhu vanoti Edward Chikunguwo naJoice Chiratidzo Chikunguwo. Ari kupomerwa kuponda vaviri ava ndiLearnmore Chikunguwo anova mwana wemukoma waVaEdward Chikunguwo uyo anonzi anorwara nepfungwa,” vanodaro Insp Mwanza.

Edward Chikunguwo

Vanoti vehukama vanoti Learnmore anozivikanwa nedambudziko rekurasika pfungwa.

Vashakabvu ava vanonzi vakatumirwa vanhu kuzovashevedza kumba kwavo kuti vaende kumba kwaLearnmore uko anonzi airwisana nemumwe murume.

“Kuburikidza nekurwisana uko Learnmore Chikunguwo anonzi aiita nemurume akangonzi baba Fortune kana kuti Tsoka, VaEdward Chikunguwo vanonzi vakatoita zvekuridzirwa nhare kumagirosa kwavaiva, mudzimai wavo ndokunotorwa kumba vachinzi vanotaura naLearnmore kuti vamudzore pane zvaaiita izvi,” vanodaro Insp Mwanza.

Murume uyu nemudzimai wake vanonzi vakanosangana mumwe achibva kumba, mumwe nekumagirosa, ndokuenda vose kumba kwaLearnmore uko vakawana uyo waairwisana naye asisiko.

“Learnmore paakangoona vaviri ava, anonzi akatanga kudya magaka mambishi.

‘‘Ari kunzi akatanga kuvarwisa ndokuvakurira apo vamwe vemumusha vanosanganisira Takaendesa Rukanda (53) naPaul Tsoka (25) vakaedza kuvanunura asi vakakundikana.

“Learnmore anonzi akatora joki ndokurova naro VaEdward Chikunguwo mumusoro vachibva vangofenda,” vanodaro.

Mudzimai wacho anonzi achiona kuti zvainge zvaipa, akaedza kutiza apo Learnmore akamutevera ndokumubata.

Anonzi akarova mudzimai uyu nejoki kakawanda mumusoro achibva angofira panzvimbo.

Learmore anonzizve akashandisa matombo kurova mushakabvu uyu kusvikira musoro wapwanyika.

Chiratidzo Chikunguwo

“Zvadaro, Learnmore anonzi akatakura joki riya ndokudzokera naro kumba kwaaiva asiya VaEdward Chikunguwo vakapunzikira pasi apo akasvikoenderera mberi nekuvapwanya musoro nejoki iri kusvikira vafa,” vanodaro Insp Mwanza.

Vanoti Learnmore anonzi paakaona kuti ainge auraya vaviri ava, akabva atiza apo nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa eZRP paSadza.

Learnmore akazosungirwa kuHwedza. Zvinonzi murume uyu paakapara mhosva iyi, akatizira kunzvimbo yemabhizinesi yeMaware uko akasvikoba bhasikoro remumwewo munhu ndokurichovha kunosvika kuzambuko idzva rekurwizi Save uko akazorisiya achikwira motokari kuenda kuHwedza.

“Ari mumugwagwa kuenda kuHwedza anonzi akavhundutsira Tapiwa Murwira (30) achida kumubaya nebanga uyo akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuHwedza zvikazoita kuti Learnmore asungwe,” vanodaro.

Insp Mwanza vanoti zvinorwadza zvikuru kuti vanhu vaviri vakarasikirwa neupenyu nekupondwa nemunhu anonzi murwere wepfungwa.

“Tinokurudzira hama kana vanhu vanogara nevanhu vanorwara nepfungwa kuti vapote vachitarisa magariro avo uyewo nekunovatorera mishonga nemapiritsi zvinovadzikamisa.

‘‘Izvi zvinoita kuti tisasangane nenyaya dzakaita seiyi dzinogumisira dzaita kuti tirasikirwe nehama dzedu,” vanodaro Insp Mwanza.

Mumwe wevana vevachakabvu ava, Tatenda Chikunguwo (25), anoti zvinorwadza zvikuru kuti varasikirwa nevabereki nenzira dzakadai.

“Takazongonzwa kuti baba naamai vauraiwa namukoma Learnmore. Iyi inyaya isinganzwisisike nekuti baba naamai vakatoita zvekushevedzwa kumba kuenda kumba kwaLearnmore uko vakasvikopondwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links