Uncategorized

Akaponda sekuru achiti zinyoka

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Akaponda sekuru achiti zinyoka

Kwayedza

KWASHE Nyashanu, kuBuhera, kwakaitika mashura padunhu. Kune mukomana achiri kupinda chikoro weko uyo atarisana nemhosva yekuponda imwe harahwa apo iye anoti aiona seairova zinyoka, pashure ndokuzoonekwa kuti ainge auraya munhu – vamwewo sekuru vemumusha.

Munyaya iri kufungidzirwa kuti ine chekuita nemabasa echiSatani, mukomana uyu ari kuti aiona nyoka iyo yaakazvakatsa dakara ife, asi pashure ndokuzobuda kuti “nyoka” yaakauraya vaive vamwe sekuru vemubhuku raGarawaziva.

Zvisinei nekuti zvinhu zvinotaurika, Kwayedza haitsigire kana kutenda kuti zvechiSatani zviriko sezvo zviri zvinhu zvinonetsa kuwana humboo.

Nyaya yatenderedza vagari venzvimbo iyi misoro iyi yakatombonetsa kuti murume akapondwa achinzi inyoka uyu avigwe dakara vekumhuri yemukona uyu varipa nemombe 22 kuhama dzanyakupondwa.

Nyaya iyi inonzi yakaitika masvondo matatu akadarika mubhuku raGarawaziva, apo mukomana abve zera, Lawrence Dhanda (24), uyo ari kuita Form 3 paMasocha Secondary School, anonzi musi waazoponda harawa iyi akanga amboita masaramusi ekutamba nenyoka yerudzi rwechiva kuchikoro izvo zvakaita kuti vamwe vana pachikoro apa vadzvamuke vachitiza.

Murume anonzi akapondwa ndiJeffrey Chibwe Makwakwa Mabota (66), wemumusha mumwe chetewo nemukomana uyu.

Kumusha chaiko kwaLawrence zvinonzi kuHoyuyu, kwaMurehwa asi kuBuhera ari kugara naambuya vake amai vaamai, sezvo vabereki vake vose vakashaya.

Musi waitika mashura aya, Lawrence anonzi akabva kumba achienda kuchikoro uko vamwe vana vanonzi vakazoona mukweshwa wechiva mumaruwa. Vanonzi vakada kuuraya chiva ichi asi Lawrence akavarambidza.

Sebhaisikopo, mukomana uyu anonzi akabata nyoka iyi kumuswe nekumusoro asingarumwe ndokufamba nayo akaiisa pamafudzi kunosvika kukasango apo vamwe vana vechikoro vakanga vatiza. Hazvina kuzozivikanwa kuti nyoka iyi akaiendesa kupi sezvo akadzoka kune vamwe vana vechikoro asisina. Nyaya yekuponda munhu inonzi yakazoitika Lawrence abva kuchikoro apo anonzi

akaona mukweshwa wenyoka seiya yaainge ambobata kuchikoro ndokutanga kuirova. Apa aitozvambaradza VaChibwe.

Mufi anonzi akapondwa nekurohwa nematombo nematanda nemukomana uyu.

Mudzimai wanyakupondwa, Mai Sekai Mharadzika Chibwe (52), pamwe chete nemwanasikana wavo, Zorodzai Chibwe (31), vakatsinhira nyaya iyi.

“Musi uyu baba vakafuma vachigadzira danga ndokuzogeza vave kuenda kudoro rematanda kwaMaparamura.

Vakazobva kudoro uku voga apo vakasangana nemukomana uyu. Anonzi akambodarika nepavaive vagere padombo ndokuzodzoka nepo apo akasvikotaura navo achiti vadzokere kumba ndokuzotanga kuvarova,” vakadaro Mai Chibwe.

Amai ava vanoti mutumbi wemurume wavo, kunyanya musoro, wakapwanyiwa-pwanyiwa zvekusvika pakunetsa kuuziva.

“Murume wangu akatsemurwa kumeso kwese nemusoro zvinorakidza kuti airohwa nemazitombo nematanda. Muviri wese waiva wakamvungunjika. Mafiro ake akandirwadza,” vakadaro Mai Chibwe.

Zorodzai akatsinhirawo achiti akapotsa atadza kuziva mutumbi wababa vake nekuda kwekuparadzwa kwawainge waitwa.

Anoti mashoko ekuti Lawrence anoti paairova baba vake nematombo aifunga kuti raiva zinyoka kwangova kuda kunzvenga mhosva.

“Kana achiti iye akavaponda afunga kuti airova nyoka, zvazvinonzi baba vaichema vachiti ‘ndouraiwa veduwe huyai mundibatsire’, akambonzwa nyoka ichichema here sezvavaiita?

“Inyaya yembanje chete, mwana uyu anonzi ange ava kuputa mbanje nevamwe zvinozivikanwa nevanhu kuno. Plus machechi avo eSatanism awanda kuno, mbanjewo inotengeswa kuno,” akadaro Zorodzai.

Mhuri yekwaChibwe inoti yakazoripwa mombe 22 naambuya vaLawrence.

“Ndakasara ndiri shirikadzi ndasiirwa vana 7 pamusaka paLawrence. Tangomirirawo kuti tizonzwa kuti ichatongwa sei,” vakadaro Mai Chibwe.

VaChibwe vanonzi vaimbove mushandi pamugodhi weShava Mine, kuBuhera kwakare uye vakanga vava pamudyandigere. Ambuya vaLawrence, Mbuya Ndaizivei Dhanda (70), vanoti vakashamiswa zvikuru nezvinonzi zvakaitwa nemuzukuru wavo.

Mbuya Dhanda vakati: “Mwana wemukuwasha uyu atisiira ngozi, mwanasikana wangu amai vevana ava nemukuwasha vakafa kare. Inherera vana ava, ndinogara navo pano vari vatatu, kuti iye Lawrence nemunin’ina wake nekahanzvadzi kavo.

“Mombe dzangu 22 dzakatorwa, kwaidiwa 25 saka kwasara nhatu. Kwakatorwa zvakare mbudzi 6 nemagejo maviri ndokuvapa zvakare masaga maviri echibage epanhamo.”

Vanoti panhamo yaVaChibwe vakabvisawo zvimwe zvinosanganisira mari yekugaisa chibage nekutenga bhokisi.
“Ini ndiri shirikadzi, handina ukama naLawrence, kumusha kwake ndekwaMurehwa muraini raNhende, kuHoyuyu. Izvozvi ndasarirwa nemombe 6 chete padanga raiva rizere,” vakadaro.

Vanoti muzukuru wavo anoratidza kuti ange ava kupinda chechi yeSatanism dakara paazopara mhosva iyi.

“Mwana uyu akamboita Form 4 muna 2008 ndokufoira, akanyorazve muna June (Chikumi). Tanga tamirira kuti anyore zvakare mukupera kwegore. Hoyo (anonzi) aponda munhu! Zvino ndodiiko?” vakadaro chiso chavo chizere nekusuwa.

Vakatsinhira kuti muzukuru wavo ainzi paakaponda murume uyu, aiti aiona zinyoka iro aitaka nemabwe achiti raida kumuruma.

“Nyaya yekuti airova mufi uyu achiti aimuona senyoka akaitaura. Anoti akatanga kuona kupeny’a senyenyedzi achibva aita chadzimira apo anoti murume uyu akabva apinduka kuita zinyoka raida kumuruma.

“Hatizive kuti zvino chii, dzimwe nguva ndiyo chechi yaanopinda iyi. Ane katsvimbo, heti nemaringi nekabhaibheri zvaanoti ndizvo zvinomuchengeta. Ane imwe mhete zvakare yaanopfeka kunzeve yekurudyi, maitiro ake mwana uyu anga achirakidza kuti zvanga zvisisina kumira zvakanaka kwaari,” vakadaro ambuya vaLawrence.

Vanoti havana umboo hwekuti munhu akapondwa uyu akapinduka kuita nyoka sezvinotaurwa.

Mainini vaLawrence, Miriro Dhanda (37), vanoti mwana wavo akanga asandura magariro ake kubva paakatanga kuenda kune imwe chechi yavaisanzwisisa.

“Takatomboshevedza hanzvadzi yangu kuBulawayo, Clemence Dhanda, taona kuti mafambiro emwana akanga asisina kumira zvakanaka, tikatombounza mapositori pano kuti anamatirwe. Kuchikoro chaiko anonzi akabata chiva akatamba nacho rinova zuva raanonzi akazopara mhosva iyi,” vakadaro.

“Kuchechi kwake Lawrence ane zvinhu zvakawanda zvaiuya nazvo achiti akapihwa ikoko, kusanganisira nhamba dzaanoti akarotswa – dzaanoti ndedzekudenga dzinoti 3107 Jarda Kiss 36 na13. Anoti arota nhamba idzi, akazopa mukuru wavo wekudenga nhamba dzake dzebirth nedzechitupa,” vakadaro amainini vaLawrence.

Vakawedzera vachiti nguva zhinji Lawrence paainamata aitanga nezita rekuti Gabriel Mutumwa aine bhaibheri rake.
“Mwana wangu ane katsvimbo, heti nemaringi maviri emumawoko uye imwe akamboedza kuipisa ikaramba kutsva, oita mhete yemunzeve, neneck lace yemuhuro, izvo anoti ndizvo zvinomuchengeta,” vakadaro Mai Danda.

Lawrence anonzi aiudza vanhu vepamba pavo kuti ava munhu akaberekwa patsva kuburikidza nekuchechi kwake uko aisada kutaura nezita.

Mumwe waanogara naye pamba pamwe chete, Lizzy Muchenjekwa, uyo anopinda naye chikoro, akatsinhira kuti Lawrence akamhanya nechivanze chechikoro akabata nyoka iyo asina kuzozivikanwa kuti akaiisa kupi.

“Ndaivapo paakabata nyoka yaida kurohwa nevamwe vana vechikoro. Akati, ‘siyanai nechisikwa chaMwari hachirohwe’ ndokubva aibata, yaiva hombe ndokuenda nayo kure nevamwe. Zvaakanoita nayo hapana anoziva,” akadaro Lizzy.

Munin’ina waLawrence, Dillan Muzirwa (18), akati mukoma wake ange asisarare mumba, umo aigona kumuka pakati peusiku achienda kusina anoziva. Dzimwe nguva anonzi aiswera achiimba achitamba achitenderera musha akabata mazhenje emoto.

Vamwe ambuya vaLawrence, Mai Juliet Mupatsi (34), vanoti vanga vave kutya kugara nemukomana uyu nekuda kwehunhu hwake.

Lawrence akasungwa nemapurisa nekuda kwenyaya yekuponda yaari kupomerwa uye akamirira kupinda mudare redzimhosva. Akachengetedzwa muchizarira kwaRusape.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Enock Chishiri, vakati vaida nguva yekuti vambotsvagurudza nezvenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>